Kwete kuhutungamiriri hwekuzvigadza: Chamisa

Bato reMDC- T rasimbaradza danho rekuti zvigaro zvose zvevatungamiriri vezvematongerwo enyika zvichakwikwidzwa musarudzo dzekutanga dzebato apo nyika yakatarisana nesarudzo dzevatungamiriri muna 2013.

vaNelson Chamisa
vaNelson Chamisa

Vakuru vakuru mubato iri, kusanganisira makurukota akasiyana siyana nevakuru vakuru mukomiti huru yebato iri, vaisairira danho rekuti parege kuva nevanovakwikwidza musarudzo dzekutanga dzebato, dzichaitwa munguva pfupi inotevera.

Murongi wemabasa mubato reMDC- T vaNelson Chamisa vakati zvichisiyana nevamwe vavo vari muhurumende yemubatanidzwa vebato reZanu (PF), vanokurudzira vatungamiriri vavo kurambirira pazvigaro, bato ravo harizotenderi vatungamiriri vezvematongerwo enyika kuzvimanikidza nekuzviisa pazvinzvimbo pasina rutsigiro rweruzhinji.

”Vatungamiriri vachakwikwidzana kuti vaende pazvigaro zvose mubato sezvo sebato takati kana ruzhinji rwuchikuda semutungamiriri, rwuchakusarudza,” vakadaro vaChamisa.

Vakati sarudzo dzezvinzvimbo zvekutanga mubato dzichaitwa munzvimbo dzose. “Zvigaro zvose zvichakwikwidzwa uye tinotevedzera chisungo chakaitwa nekomiti huru mubato,” vakadaro.

VaChamisa vakayambira vamiririri veMDC mukanzuru vakadzingwa basa kuti varege kuramba vachizvimanikidzira kushanda mukanzuru sezvo ”vaive vatadza kuita zvinogutsa bato.”

”Pane mvonga mvonga sezvo vamwe vavo vari kuzvimanikidzira kuramba achishanda mukanzuru vachishandisa zita remusangano. Takatora danho rekuti vanofanira kurega kumiririra musangano sezvo vakakundikana,” vakadaro.

Mumwe wevamiririri vakadzingwa ava mukanzuru wekuWard 7 kuChitungwiza, Tinashe Kazuru akati anoremekedza danho rakatorwa nebato iri asi akati kudzingwa kwavakaitwa hakuna tsarukano.

”Mafambisirwo akaitwa zvinhu handiwo nekuti hapana kutevedzwa gwara chairo sezvo pasina kuferefetwa kwakaitwa kuitira kuongorora kuti tose takaita zvehuori here kana kuti kwete,” akadaro Kazuru.

Akati vamiririri veruzhinji mukanzuru ava vaive vanyora tsamba dzine chitsama kuhutungamiriri hwebato vachikwikwidza danho rakatorwa nemusangano iri asi kusvika nhasi vaive vasati vawana mhinduroHARARE – Bato reMDC- T rasimbaradza danho rekuti zvigaro zvose zvevatungamiriri vezvematongerwo enyika zvichakwikwidzwa musarudzo dzekutanga dzebato apo nyika yakatarisana nesarudzo dzevatungamiriri muna 2013.

Vakuru vakuru mubato iri, kusanganisira makurukota akasiyana siyana nevakuru vakuru mukomiti huru yebato iri, vaisairira danho rekuti parege kuva nevanovakwikwidza musarudzo dzekutanga dzebato, dzichaitwa munguva pfupi inotevera.

Murongi wemabasa mubato reMDC- T vaNelson Chamisa vakati zvichisiyana nevamwe vavo vari muhurumende yemubatanidzwa vebato reZanu (PF), vanokurudzira vatungamiriri vavo kurambirira pazvigaro, bato ravo harizotenderi vatungamiriri vezvematongerwo enyika kuzvimanikidza nekuzviisa pazvinzvimbo pasina rutsigiro rweruzhinji.

”Vatungamiriri vachakwikwidzana kuti vaende pazvigaro zvose mubato sezvo sebato takati kana ruzhinji rwuchikuda semutungamiriri, rwuchakusarudza,” vakadaro vaChamisa.

Vakati sarudzo dzezvinzvimbo zvekutanga mubato dzichaitwa munzvimbo dzose. “Zvigaro zvose zvichakwikwidzwa uye tinotevedzera chisungo chakaitwa nekomiti huru mubato,” vakadaro.

VaChamisa vakayambira vamiririri veMDC mukanzuru vakadzingwa basa kuti varege kuramba vachizvimanikidzira kushanda mukanzuru sezvo ”vaive vatadza kuita zvinogutsa bato.”

”Pane mvonga mvonga sezvo vamwe vavo vari kuzvimanikidzira kuramba achishanda mukanzuru vachishandisa zita remusangano. Takatora danho rekuti vanofanira kurega kumiririra musangano sezvo vakakundikana,” vakadaro.

Mumwe wevamiririri vakadzingwa ava mukanzuru wekuWard 7 kuChitungwiza, Tinashe Kazuru akati anoremekedza danho rakatorwa nebato iri asi akati kudzingwa kwavakaitwa hakuna tsarukano.– Sofia Mapuranga

”Mafambisirwo akaitwa zvinhu handiwo nekuti hapana kutevedzwa gwara chairo sezvo pasina kuferefetwa kwakaitwa kuitira kuongorora kuti tose takaita zvehuori here kana kuti kwete,” akadaro Kazuru.

Akati vamiririri veruzhinji mukanzuru ava vaive vanyora tsamba dzine chitsama kuhutungamiriri hwebato vachikwikwidza danho rakatorwa nemusangano iri asi kusvika nhasi vaive vasati vawana mhinduro

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *