Madzimai akazvitakura orambwa

Zvichitevera kushomeka kwakanyanya kwezvekudya pakiriniki yeLusulu, vashandi veapa vave kungotambira madzimai akazvitakura kana vauya nezvekudya zvavo.

Madzimai akazvitakura ouya nezvekudya zvavo kukiriniki yeLusulu.
Madzimai akazvitakura ouya nezvekudya zvavo kukiriniki yeLusulu.

Mumiririri weMDC- T mukanzuru, vaThemba Munkombwe vakaburitsa nezvechiitiko ichi.

“Hapana chikafu chevarwere kana nechevakazvitakura pakiriniki yeLusulu. Madzimai anofamba mitunhu yakareba kuuya kukiriniki kuzosununguka, kwavanosvikoudzwa kuti hapana chekudya. Vazhinji vanopedzisira vongogara vasina chekudya,” vakadaro vaMunkombwe.

VaMunkombwe vakati rubatsiro rwezvekudya rwavari kuedza kupa madzimai aya pamwe chete nevamwe varwere rwuri kuvhiringidzwa nemapurisa pamwe navana mukoti vepakiriniki iyi.

“Semumiririri weruzhinji rwenzvimbo iyi mukanzuru, ndakatsvaga rubatsiro rwezvekudya asi mapurisa akandirambidza kupa rubatsiro urwu kuruzhinji vachiti rwune chekuita nezvematongerwo enyika.”

Vakawedzera vachiti mamiriro ezvinhu pakiriniki iyi akashata. “Zvinhu hazvisi kufamba negwara pakiriniki iyi. Vanhu vari kungobika pachena,” vakadaro.

Vakataura vachiti kiriniki iyi, inofanira kugarwa nemadzimai gumi chete iri kugarwa nemadzimai anodarika makumi mashanu, vamwe vavo vanenge vafamba mitunhu inodarika makumi mana. Nemhosva yekuwandisa kwevanhu panzvimbo iyi, vagari venzvimbo iyi vakavakira varwere imba yevhu panze pekiriniki iyi senzira yekuti vawane pekugara.

Mukoti pakiriniki iyi akataura nechikumbiro chekuti zita rake risabude akabvuma kuti ichokwadi kuti panzvimbo iyi pane dambudziko rekushomeka kwezvekudya.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *