Madzimambo oda dzimba dzemahara

Madzimambo kuZaka anoda nzvimbo dzekuvaka dzimba dzavo mahara panzvimbo yemabhizimusi yeJerera.

Mambo Nhema, Nyakunhuwa, Bota naNdanga vakati havafaniri kuripa mari yekutenga nzvimbo dzekuvaka dzimba, zvikakonzera kusawirirana mumusangano wekanzuru wakaitwa Chishanu chapfuura.

Sachigaro wekanzuru yedunhu reZaka vaPeter Imbayarwo vakatenda nezvechiitiko ichi vakati kanzuru haisi kuzomanikidzwa kupa pachena nzvimbo dzekuvaka dzimba idzi.

“Ichokwadi kuti madzimambo edu mana anoda kupihwa pachena nzvimbo dzekuvakira dzimba kuno kuJerera, asi ticharamba takamira nechisungo chatakaita nevamiririri veruzhinji mukanzuru”.

“Hatisi kuzovapa nzvimbo idzi pachena asi tichavaripisa zvikamu makumi matanhatu kubva muzana yemuripo uzere. Uyu mutemo wakasungwa negurukota rinoona nezvematunhu watinofanira kutevedzera,” vakadaro vaImbayarwo.

Nzvimbo dzekuvaka dzimba idzi dzinoita madhora mazana manomwe kusvika kumadhora mazana masere ane makumi mashanu kunzvimbo dzeveruzhinji uye chiuru chimwe nemazana mashanu emadhora kunzvimbo dzinogara vashoma.

Kanzuru yakaita chisumgo chekuti ichatora nzvimbo dzose dzisati dzavakwa mushure memakore matanhatu nekudzitengesa pamusika weveruzhinji.

”Nzvimbo dzekuvaka dzimba dzakangorara mushure memakore gumi, nekudaro tichadzitora topa kune avo vanokwanisa kuvaka,” vakadaro vaImbayarwo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *