
Vakaratidza kushaya nyadzi vakaudza pasi rose kuti VaTsvangirai havafi vakakunda musarudzo dziri kutevera. Manyepo ekutanga. Chechipiri, vakati vaTsvangirai vanga vachitsvaga rutsigiro nekukwekweredza ruzhinji rweZimbabwe rwusingade.
Chechitatu, vaida kuti ruzhinji rwutende kuti vakuru vakuru vezvekuchengetedzwa kwenyika havatsigiri vaTsvangirai nekuti mutungamiriri weMDC uyu anomirira kuparadzwa nekudzokera shure kwezvose zvakawanikwa neruzhinji nekuda kwekuwana rusununguko rwakauya nehondo, munova mavakazvipira.
Chechina, vakafunga kuti inzvimbo yavo kumiririra vatungamiriri vezvekuchengetedzwa kwerunyararo munyika ava, kwete musangano wavo. Chekupedzisira, vakati vezvekuchengetedzwa kwerunyararo munyika ava vanokwanisa kumisa vaTsvangirai kana mumwewo mutungamiriri wavasingade kuti arege kutonga.
Kuramba chokwadi chiri pachena, zviri kuitika mazuvano uye zvakamboitika kare kuti vaTsvangirai havakwanisi kukunda musarudzo. Vakakunda musarudzo dzekutanga dzemutungamiriri wenyika muna 2008.
Chokwadi hapana munhu asisazvizivi kuti sangano rinoona nezvesarudzo muZimbabwe, parakarambirira nezvaive zvabuda musarudzo dzemutungamiriri wenyika muna Kurume 2008, raive mushishi rekusonanidza nekutamba “nemavhoti akakanganiswa”?
Imwezve tsananguro ingavepo ndeipi? Kukanganisa kwakaverengwazve kuchinzi “chikanganiso”- zvichiendarana nemaitiro ebato reZanu (PF), ndokuti vaTsvangirai nebato reMDC vari kutonga Zimbabwe. Mutsauko mudiki wemavhoti, sekuziva kwedu tose nhasi, ndiwo wakava mukana wekuti paitwe dzokororo yesarudzo yevaviri vanoti mutungamiriri wenyika vaRobert Mugabe navaTsvangirai, zvimwe zvose dzave ngano.
VaTsvangirai vanga vachitikwekweredza nekutigadzirira zvisina rutsigiro rwedu sevanhu vemuZimbabwe here?
Chokwadi, vaChinamasa vaifanira kuona kutukirira nekushora ruzhinji kwemashoko avo. Chikamu chipi chevanhu munyika chavanodaidza kuti “Zimbabwe”? Kuva mwana wemuZimbabwe zvakasiyana nekuva mutsigiri mukuru weZanu (PF) Chokwadi chekuti mafungiro angu akasiyana neavaChinamasa, Nicholas Goche, Rugare Gumbo navaMugabe haarevi kuti handisi mwana wemuZimbabwe akakwana. Nemhaka yei vaChinamasa vachifunga kuti tinongowira nyore nyore nekukwekweredzwa navaTsvangirai?
Ichokwadi chiri pachena kuti vanhu vemuZimbabwe vanokwanisa kufunga vakazvimiririra uye vaTsvangarai havasi svikiro kana Mwari, wekuti vanhu vangoteverera semapofu. Vanhu pavanoona kuti vakanganisa, tinotaura. Takazviita zvisina muganhu, zvakajeka, maererano nehupenyu hwavo hwerudo, nepamwewo uye hatitarisire kuzvirega munguva pfupi inotevera.
VaChinamasa Havana kuita hanya nekutitaurira kuti zvinosunga isu senyika zvavaitaura zvataikwekweredzerwa navaTsvangirai kuti tiparadze ndezvipi.
Hufuza huri pachena kuedza kutitengesera pfungwa yekuti zvamangwizha zvinotungamirira mukudzivirirwa kwenyika nechiuto zvichatadza kutsigira hurumende yavaTsvangirai nemhaka yekuti vanogona kudzosera shure zvose zvakawanikwa mushure mekuwana kuzvitonga kuzere. Vakuru ava havana hanya nezvikonzero zvechokwadi zvakaendera vanhu kuhondo, kunyanya zvinobata ruzhinji rwenyika.
Zvazvinoratidza ndezvekuti, kune vatungamiriri vezvekuchengetedzwa kwerunyararo ava, kwavari, zvikonzero zvakarwira vanhu hondo yerusununguko zvinosanganisira motokari dzine chitsama panzvimbo dzavanogara, makutukutu emari anenge akachengetedzwa mumabhanga ekunze kwenyika akawanikwa mushure mekunokora kubva kumari dzawanikwa kubva kuzvicherwa zvinenge ngoda remunyika kana rekuDRC, mapurazi matatu kana mana akapambwa kubva kuvarimi vekuminda mirefu nedzimba kana nzvimbo dzekushandira dzine chitsama dzemhando yepamusoro kumafuramhepo.
Ndizvo zvinotorwa nezvamangwizha izvi semichero yerusununguko, hapana chimwe. Ndiyo mhaka vachibvunda shanduko yezvematongerwo enyika. Kune vatungamiriri vezvekuchengetedzwa kwenyika ava, vazhinji vavo vasina rimwe basa ravanokwanisa kuita, vaTsvangirai vanomirira kupera kwenhaka yavo yekuba iyi.
Kunyangwe bato reMDC ranga richiratidza kuvhiringika mukuratidza gwara remusangano, kunyanya mumazuva ekutanga, handina chokwadi chekuti vangangotorere mapurazi ruzhinji rwevanhu vakagariswa patsva.
Ndaifunga kuti musangano uyu wakati hauwirirani nenzira yakashandiswa pakugoverwa kwevhu patsva uku.
VaChinamasa havasi kubatsira bato ravo kana nepadiki zvapo. Vachitaura vakamirira vatungamiriri vezvekudzivirirwa kwenyika, vakawedzera kuyanika pachena zvatinoziva nechekare: zvekuti hapana mutsauko pakati pebato reZanu (PF) nezvamangwizha izvi.
Hongu, takanzwa zvamangwizha izvi zvichitaura pachena, kubvira muna 2002, husiku hwegore riye rakaitwa sarudzo dzemutungamiriri wenyika, apo Vitalis Zvinavashe akataura nezvekutwasanuka kwebhachi .
Kunyanyodzokorora kwavanozviita kwakanakira avo vari kushandira zvegutsaruzhinji, sezvo zviitiko zvekare zvichaisa bato reZanu (PF) pachirauro, vachitongwa.
Maererano nemanyepo echishanu, pangaitewo here munhu angaudze vaChinamasa nevamwe vavo mubato reZanu (PF), kusanganisira vakuru vemuchiuto vavanoti vaimiririra muhurukuro yavo neBBC, kuti zvinhu zvashanduka?
Zvatingadai takaudzwa navaChinamasa – isu vana veZimbabwe vemazvirokwazvo, kwete vavo vekufungidzira- ndezvekuti vaMugabe vakamanikidzwa kupinda muhurumende yemubatanidzwa nemhaka yekuti hutungamiriri hwavo hwanga hwavakushoreka mumeso enyika dzepasi rose.
Hurumende inozvigadza pachigaro zvechisimba inoshorwa uye handioni zvichishanduka munguva pfupi inotevera nekuti tine vechiuto, vakatsvukisa meso kuda kuzvigadza nechisimba pachigaro chekutonga muZimbabwe.
Post published in: News

