Mapurisa ovhiringi- dza tsvakurudzo yekushungurudzwa

Zvakabuda kubva mutsvakurudzo yakatarwa nemutongi wematare eHarare Jackie Munyoro maererano nekurohwa nekushungurudzwa kwakaitwa vaviri vebato reMDC- T nevatsigiri veZanu (PF) vesangano rechipangano zvononoka kubuda nekuti mapurisa haasi kuda kushanda pamwechete nevari kuita ongororo iyi.

Petros Makaza naGolden Nhika vekuEpworth vanonzi vakaiswa mumaoko esangano reChipangano nemusoja anoshandira bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemutungamiriri wenyika, William Makurumidze nemupurisa John Kanyongo, vanonzi vaipa mhosva vaviri ava yekuba nguwani yebasa remusoja nembozhanhare.

Vatsigiri vaviri veMDC-T avo vanonzi vakatyora mutemo wezana nemakumi maviri nematanhatu unoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo nekugarisana kwakanaka apo vakamiswa pamberi pemutongi wemhosva kumatare ekuHarare muna Nyamavhuvhu.

Zvisinei, magweta ari kumiririra vaviri ava anotungamirirwa navaTawanda Zhuwarara veZimbabwe Lawyers For Human Rights vakaisa chikumbiro chekuti nyaya iyi ikwire kumatare epamusoro soro munyika, vachikakavara kuti vasungwa vaviri ava vakakanganisirwa kodzero yavo yekuchengetedzwa nemapurisa sezvinotaurwa nemutemo wenyika kubva mukushunguru-dzwa nekubatwa nemutoo unoratidza hunhu sezvinotaurwa mubumbiro remutemo wenyika apo mapurisa akavaisa mumaoko esangano reChipangano.

Vanoti zvekare mushure mekurohwa vachishungurudzwa, hazvaiita kuti vaendeswe mberi kwematare pasina kutyorwa kwekodzero dzavo sevasungwa.

Mutongi wematare vaMunyonga vakapa hurumende kusvika musi wa 15 Gumiguru kuti ipedze tsvakurudzo yekuongorora nyaya iyi.

VaZhuwarara vakaudza bepanhau reZimbabwean kuti zvakabuda kubva muongororo iyi zviri kunonoka kubuda nekuti mapurisa ari kuramba kushanda pamwechete nevari kuita nyaya iyi.

“Mapurisa havasi kuda kushanda neavo vari kuongorora nyaya iyi ndiyo mhaka nanhasi zvakabuda muongororo iyi zvisati zvabuda. Ndiyo mhaka zvekare chikumbiro chedu chekukwidza nyaya iyi kumatare epamusoro chisati chapindurwa nanhasi,” vakadaro vaZhuwarara.

Magweta ari kumiririra vaviri ava anoti vakazvindwa kuMbare nevesangano reChipangano. Mushure memaawa ane chitsama ekurohwa, vanonzi vakaendeswa kumapurisa ekuMbare kwavakazopomherwa mhosva vachinyorerwa magwaro anotsigira izvi musi wa 12 Nyamavhuvhu, vachizoendeswa kumapurisa ekuEpworth.

Musi wa14 Nyamavhuvhu, vaviri ava vanonzi vakaripiswa madhora makumi matatu pamunhu vachimirira kuti nyaya yavo ienderere mberi nekutongwa.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *