Mutemo haushandi- vechidiki veZanu

Vechidiki vebato reZanu (PF) vakavaka musika zviri kunze kwemutemo pedyo nedzimba dzinogara veruzhinji dzeShawasha kuMbare, panobvumirwa vatsigiri vane makadhi ebato iri chete kutengesa zvinhu zvavo.

Musika uyu wakatarisana nenzvimbo yaida kuiswa zvivakwa zvinosanganisira pekutengesera mafuta edzimotokari nepekudyira namuzvinabhizimusi Alex Mashamhanda, asi izvi zvakamiswa nemurairo wakabva kuGurukota reMatunhu, vaIgnatius Chombo.

Musika mutsva uyu wave kudaidzwa nezita rekuti mushandirapamwe weShawasha uye wakadzikwa mireza yeZanu (PF). Mumwe wevakapihwa nzvimbo apa akati purojekiti iyi ine ropafadzo yevakuru vemusangano uyu muHarare. Wechidiki uyu, uyo akapa zita rake saDanny, akati pfungwa dzemusika uyu dzakatanga nenhengo dzekuMatapi neShawasha, asi iko zvino vamwewo vavemo vanosanganisira vekuEpworth.

Akati zvichisiyana nedzimwe nzvimbo dzakadai seMagaba neMupedzanhamo, vanotengesa pamushandirapamwe weShawasha havana mari yavanobvisa kukanzuru yeHarare. Akati nekuda kwehukama hwavainahwo neZanu (PF), havana dambudziko rekubvondorwa nekanzuru, kufanana nevamwe vari munzvimbo iyi.

“Hatina mari yatinobhadhara kukanzuru nekuda kwehukama hwedu neZanu (PF). Tinongobvisa dhora rimwe chete roga paMugovera wemwedzi wega wega, rinoenda kunobhadhara vanochengeta nhumbi dzedu usiku. Izvi zvinoreva kuti tinobhadhara madhora mana pamwedzi asi hapana inoenda kukanzuru,” akadaro Danny.

Akati kuti munhu awane nzvimbo yekutengesera pamushandirapamwe weShawasha, anofanira kunge aine humbowo hwekuti mutsigiri wemusangano weZanu (PF).

“Vose vari kutengesa panzvimbo ino vatsigiri vemusangano weZanu (PF)vakakwana. Kuti uve pano unotanga waongororwa nevakuru vemusangano kudivi revechidiki, asi kwauri iwe (mutapi wenhau weZimbabwe) zviri nyore nekuti ndinozivikanwa,” akadaro.

Maererano naye, vatengesi venzvimbo iyi vanoita musangano Chitatu chega chega vachikurukura nyaya dzebudiriro mune zvematongerwo enyika munharaunda yavo nenzira dzekukwezva ruzhinji kudivi ravo muMbare. “Hapana chekutya nekuti takapihwa vimbiso nevakuru vemusangano kuti hatizombofa takabviswa,” akadaro Danny.

Akawedzera achiti ivowo vakuru vakuru mubato reZanu (PF) vane misika yavo panzvimbo iyi yavari kubhadharisa vamwewo kuti vashandise panzvimbo pavo.

“Ini ndine misika mitatu uye kana uchiti unoda pako pekuitira bhizimusi unongondipa madhora makumi maviri pamwedzi nemadhora mana ekubhadhara vanorinda,” akadaro.

Kuwedzera misika yavo iyi, vechidiki ava vepamushandira pamwe weShawasha vakaisa chiteshi chevemakombi vanofamba nzira inobva kuMbare ichienda kuEpworth. Muhurukuro, vachairi vemakombi aya vakati vanoterera mari kune vechidiki veZanu (PF) ava yekushandisa chiteshi ichi.

“Tinobhadhara madhora maviri panguva yese yatinotakura vanhu uye mari iyi inotorwa nevechidiki veZanu (PF),” akadaro mumwe muchairi akaramba nezita rake nechikonzero chekutyira hupenyu hwake. Vechidiki veZanu (PF) vanove nhengo dzechikamu chinozivikanwa kuti Chipangano vanozivikanwa zvikuru nenyaya yekukonzera mvongamvonga nekutora nechisimba midziyo nenzvimbo dzevanhu muMbare. Svondo rapera sachigaro wePurovhinzi yeHarare muZanu (PF), vaAmos Midzi, vakataurira pepa rino kuti Chipangano chainge chaparadzwa, asi zviri kuitika izvi zvinoita kuti mashoko avo afungidzirwe kuti haana chokwadi chizere.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *