Nzendo muhurumende dzodya mamiriyoni manomwe pamwedzi

Nzendo dzemakurukota ehurumende munyika nekunze dzakadya mamiriyoni manonwe mumwedzi waNyamavhuvhu, dzichidarika nekure mari yakatarwa nebazi rinoona nezvemari munyika, mamiriyoni mana ane zviuru zvezvuru mazana mashanu.

Mugwaro rinobva kubazi rinoona nezvekunyorwa kwemari dzinoshandiswa idzi pamwedzi, pakabuda kuti hurumende yaive yashandisa mari inosvika mamiriyoni mashanu ane zviuru zvezvuru zvina munzendo dzekunze kwenyika, mari yakapetwa kaviri pane yaive yatarwa nebazi rinoona nezvemari munyika.

Mari yakashandiswa munzendo dzemuno yaive yakadarikidza nezviuru zvezvuru zvitanhatu kupfuura yaive yakatarwa, miriyoni imwechete nezvuru zvezvuru zvinomwe. Magwaro aya anoratidza mari inenge iripo muhurumende nemashandisirwo ayo senzira yekuzivisa ruzhinji rweZimbabwe.

Mumagwaro eongororo dzezvemari dzepakati pegore anotaura mamiriro ehupfumi munyika, Gurukota rinoona nezvemari munyika, vaTendai Biti vakatura matanho ane chitsama ekuedza kukurudzira kuti nzendo dzevanoshanda vari muhurumende dzigaroongoro-rwa. Vakati mari inoshandiswa munzendo dzekunze haina kuringana nemari inoshandiswa mukuvandudza zvakakosha sehutano, dzidzo, kuchengete-dzwa kwevanotambura, kuvandudzwa nekuvakwa kwenzvimbo dzakasiyana siyana sebudiriro uye nezvekurima.

Muna 2011, mutungamiriri wenyika vaRobert Mugabe vakadarika nezvikamu zana nemakumi matatu netatu, vachidarikidza nemamiriyoni mashanu mari yavaive vatarirwa nebazi rezvemari, mamiriyoni gumi nemashanu. Mugore rimwechete, mutungamiriri wehurumende vaMorgan Tsvangirai vakashandisa mamiriyoni matatu ane zviuru zvezvuru zvinomwe, zvikamu makumi matanhatu nezvina kubva muzana zvemamiriyoni mashanu avaive vatarirwa nebazi rezvemari.

Magwaro aya anoratidza zvekare kuti mari inobva kumigodhi yakadonha nezviuru zvezvuru makumi mashanu zvemiriyoni kubva kumiriyoni yaitarisirwa nehurumende- pachiwanikwa mamiriyoni gumi neimwe nezviuru zvezvuru zviviri, paitarisirwa mamiriyoni gumi neimwe nezviuru zvezvuru zvinomwe.

Mari yakawanikwa kubva mukurimwa kwefodya yaive yakadonha zvekare nezviuru zvezvuru makumi mashanu zvemiriyoni kubva kumiriyoni- sezvo paive pakatarisirwa zviuru zvezvuru makumi masere kubva kumiriyoni, asi pakaripwa zviuru zvezvuru zviviri zvega kubva kumiriyoni.

Mune zvemishonga, hurumende yakashandisa miriyoni imwechete nechiuru chechiuru chimwechete nezvikamu zvishanu nezvinomwe, yakadarika zvishoma yaive yakatarwa, zviuru zvezvuru zvipfumbamwe zvine makumi manomwe nezvinomwe.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *