Vanhu zviuru zvitatu vanofanira kunogariswa patsva dhamhu guru Tokwe Murkosi risati rotanga kuvakwa. Mumiririri weMasvingo muhurumende vaWalter Muzembi vakati mhuri dzose dzichagariswa patsva padyo nedhamhu iri kuitira kuti dzikwanise kushandisa mvura yemudhamhu umu pakudiridza zvirimwa zvavo.
Mhuri idzi dzakakumbira kuripwa dzisati dzabviswa panzvimbo yadzigere, dzikati hurumende inofanira kutanga yavaka zvikoro, makiriniki nemigwagwa munzvimbo dzavachagariswa patsva idzi.
Mutauriri wevagari venzvimbo iyi ava akati mhuri idzi dziri kuzoramba kugariswa patsva kusvika zvavari kuda zvaitwa.
“Hatisi kuzobva kusvikira taripwa muripo uzere wekubviswa panzvimbo ino. Hurumende inofanira kuvaka zvikoro nemakiriniki isati yatanga kutiendesa kunzvimbo itsva idzi,” akadaro mumwe mugari wenzvimbo iyi.
“Tinoda kuti mapfupa emadzitateguru edu acherwe, agonovigwa zvine mutsigo kune imwe nzvimbo. Hatingangosiyi madzitateguru edu mudhamhu.”
Gurukota reMasvingo vaTitus Maluleke vakati hapana kudzokera shure muhurongwa hwekubvisa vanhu panzvimbo iyi.
“Hatisi kuzoteerera zvimwe zvichemo zviri kubva kumhuri idzi sezvo kuvakwa kwedhamhu iri kuchifanira kupera.
Takatotanga kugarisa vamwe patsva asi chipingaidzo idambudziko rekushomeka kwenzvimbo yekugarisa vanhu patsva,” vakadaro.
Hurongwa hwekuvakwa kwedhamhu reTokwe Murkosi hunotarisirwa kupera gore rinouya uye bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa zvemvura nekusimudzirwa kwemabasa azvo rinoti rakawana mari inokwanisa kuita basa iri kusvika kumagumo.
Post published in: News

