
Yakwana nguva yekuti vaMugabe vachienda kunozorora. Vanofanira kupihwa mugove wavo wekushanda vochinofara vachirarama hupenyu hwakavandika.
Sebato, tinovaremekedza nebasa ravakabata mukusunungura nyika,”vakadaro mutungamiriri webato iri vaKisnot Mukwazhi. “Zimbabwe yave kuda vechidiki vanotemwa dzinobva ropa seni kuti vaendese nyika mberi.”
Vakati kuenderera mberi kwavaMugabe vachitonga mubato ravo nemunyika zvinoratidza kuti vanhu vemuZanu (PF) vakundikana kuvakwikwidza.”Nyanzvi munyaya dzedzidzo navana mazvikokota vari mubato iri vaive mushishi kuwedzera dzidzo panguva yekurwira rusununguko uye vave kuda kushandisa ruzivo rwezvavakadzidza mhiri kwemakungwa muno. Izvi zviri kukanganisa nyika,” vakadaro vaMukwazhi.


