ZBC ine nhepfenyuro ina dzinobata pamasaisai eFrequency Modulator neimwe chete inobata paShortwave inonzi Voice yeZimbabwe, iri kuGweru. Kambani iyi ndiyo zvekare yoga inoita zvekutepfenura pachivhitivhiti chenyika cheZBC.
Mwedzi wakapera, vashandi vasina kuzvidoma mazita vakaendesa tsamba ine humbowo yairatidza nyaya dzehuori dzemutungamiriri wekambani iyi, vanove zvekare murwi wehondo vaHappison Muchechetere. Magwaro aya aive akanyorerwa bazi rinoona nezvekutsvaku-rudzwa kwezvehuori rakanyorerwa zvekare gurukota rinoona nezvekubuditswa kwemashoko vaWebster Shamu.
Vashandi ava vanoti vakuru vakuru vekambani iyi vakazvipa mari iri pakati pezviuru zvishanu nemakumi maviri zvichiwedze-rwa nedzimwe mari dzekushandisa, asi vashandi ava vanotambira mari iri pakati pemazana matatu nemashanu dzisingaripwe nenguva.
Vashandi vaitsutsumwa ava vakaudza bepanhau reZimbabwean kuti havasati vatambira mari dzavo dzemuna Nyamavhuvhu uye vakuru vakuru vari kuratidza kuti havana hanya nekuvazivisa zviri kuitika.”Chatiri kungoudzwa ndechekuti kambani haina mari,” akadaro mumwe mushnadi aitaura ari kuPockets Hill.”
Chinorwadza ndechekuti tiri kuyaura nenhamo asi vakuru vakuru vedu vari kuzvikweretesa kubva kumari yekambani, mari dzekutenga mota dzinodhura,” akadaro mumwe mushandi akataura nechikumbio chekuti zita rake risadomwe.
Vashandi venhepfenyuro iri kuGweru vanoti vakashamisika nekutambira madhora makumi matanhatu svondo rapfuura. “Unoitei nemadhora makumi matanhatu kana wapedza mwedzi miviri yapfuura usina kutambira,” akadaro mutori wenhau airatidza kutsamwa.
Mumwe mushandi akati gwaro raive raendeswa kubazi rinoongorora nezvehuori kwaive kwawedzera kuipa kwezvinhu akaisa chikumbiro chekuti mapazi ane chekuita nenyaya iyi apindire.”Zvave kuita setiri kurangwa nemhosva yekumhan’ara kwatakaita apa bazi rinoongorora nezvehuori iri pasina chariri kuita nezvenyaya iyi,” akadaro mutauri uyu.
Mutauriri weZBC, Sivukile Simango akaudza bepanhau reZimbabwean kuti vashandi vakabhadharwa mari dzavo.”Vakapihwa mari dzavo dzose dzavakashandira uye handikurukuri nhau dzezvemari dzevashandinevemapepanhau,” akadaro, achiwedzera achiti nhau iyi inongoramba iri yerunyerekupe kusvika pawanikwa humbowo hunozadzikisa kuti ichokwadi.
Post published in: News

