VaRobertson vakati hurumende iri kurasikirwa nezviuru zvakawandisa zvemadhora anobva muzvicherwa zvengoda izvi kuminda yekuMarange sezvo kambani mbiri idzi, dzakapihwa basa rekuchera, kutengesa nekuendesa mari yengoda muhomwe yenyika dzave pasi pebato reZanu (PF).
“Kucherwa kwengoda kwatorwa nebato. Zvasiyana nezvinodiwa nehurumende kuti vanhu vatende. Hurumende handiyo iri kuita basa rose, bato ndiro riri kuita basa uye rakagoverana zvikamu zvikamu pakati peavo vanoshanda muchiuto, kumapurisa neavo vanoshanda vachitsvaga zvakavandika mumapazi ezvekuchengetedzwa kwenyika,” vakadaro vaRobertson.
“Sezvo tave kushandisa mari yekunze, matanho ekuchengetedza kuendeswa kunze kwemari munyika ati siyanei, asi tinofanira kuziva kuti mari iyi iri kudzoka here munyika. Tinofanira kuramba tichiita izvi. Tiri kuendesa zvicherwa kunze kwenyika nokudaro sangano rinoona nezvekutengeswa kwezvicherwa kumisika yekunze ine basa rekutsanangura kuti tiri kuwana marii kubva kuzvicherwa izvi,” vakadaro.
Bazi rinoona nezvekutengeswa kwezvicherwa iri rakaumbwa pasi pesangano rinoona nezvekucherwa nekutengeswa kwezvicherwa munyika rakaumbwa muna Chikumi 1982. Rakavamba kushanda muna Kurume 1983 riri roga bazi raiona nezvekutengeswa nekushambadzwa kwezvicherwa zvose zvaiwanikwa munyika kusara kwesirivha negoridhe. Kambani iyi yakapihwa basa rekutsvaga, kutenga nekuraswa kwezvicherwa yakazvimiririra. Ine basa rekupa mazano kune gurukota rezvezvicherwa nekukwidziridzwa kwazvo munyika maererano nezvicherwa uye kuparadzirwa kwazvo munyika.
Zvichakadai, kambani iyi yakundikana kuratidza hunyanzvi hwayo mukutengeswa kwezvicherwa zvinobva kumunda weMarange. Gurukota rinoona nezvemari munyika vaTendai Biti vanotsutsumwa nguva zhinji nekuvigiridzwa kwenzira dzinoshandiswa mukutengeswa kwengoda.
Vakamanikidzwa kudzikisa hurongwa hwavo wezvehupfumi mushure mekunge vakundikana kuwana mari inosvika zviuru zvezvuru zvitanhatu zvavaive vakatarisira kuwana kubva mukutengeswa kwezvicherwa zvinokosha izvi.
Panotyirwa kuti mari inobva mukutengeswa kwengoda iyi ingangoshandiswe zvekare mukutsvaga rutsigiro nebato reZanu (PF, zvinogona kukonzera kudeuka kweropa apo nyika yakatarisana nesarudzo dza2013.
Post published in: News

