Zanu “yotenga” vechidiki

Panguva iyo Zimbabwe yatarisana nesarudzo dzichabvisa hurumende yemubatanidzwa, bato reZanu (PF) riri mushishi kuunganidza vatsigiri kunyanya vechidiki munzvimbo dzose dzavakakundwa nebato rinopikisa musarudzo dzakadeuka ropa zhinji dza2008.

Bato iri rakakundwa zvakanyanya kuManicaland, Masvingo nekuchamhembe kwenyika, zvichiwedzera nzvimbo zhinji mumadhorobha dzinova dzakabatwa nebato reMDC kubvira muna 2000.

Mutsvakurudzo yakaitwa pakaonekwa kuti chikamu chikuru chemari yebudiriro yakapihwa kune vechidiki yakapihwa mumatunhu akakundikana vezvematongerwo enyika vebato reZanu (PF) kubva muna 2000.

Mumagwaro akaratidzwa vebepanhau rino, zvakabuda kuti Harare ndiyo yakawana mari zhinji inosvika zviuru mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemashanu, Manicaland ikawana zviuru mazana matatu nematatu uye Bulawayo ikawana chiuru chimwe chete nemakumi mana nematanhatu senzira yekumutsiridza vechidiki mune zvemabhizimusi.

Dunhu rekumadokero kweMashonaland, kunobva mutungamiriri weZanu (PF) vaRobert Mugabe kwakawana chiuru chimwe chete nemakumi mapfumbamwe nemasere emadhora.

Bato reZanu (PF) rakawana chigaro chimwechete muguta guru reHarare apo reMDC rakawana zvigaro makumi maviri nemasere. KuManicaland, reMDC rakawana zvigaro makumi maviri reZanu (PF) rikawana zvitanhatu.

KuBulawayo, rakakundikana kuwana kana chigaro chimwechete. Chiitiko ichi chaonekwa senzira yekutenga mavhoti zvichitevera sarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Zvichakadai, mutungamiriri wesangano revechidiki, Livingstone Dzikira ashoropodza pfungwa yekuti mari yevechidiki iyi iri kupihwa zvichitariswa kuti uri webato ripi, senzira yekutsvaga rutsigiro kubva kune vechidiki.

“Mari iyi haisi yebato reZanu (PF) sezvo bhangi riri kubatsira mukugoverwa kwemari iyi risiri remusangano,” akadaro.”Mashoko aya ari kubva kune vanhu vatobatwa nemweya wemunguva yesarudzo sezvo tikatarisa pamazita evose vakawana mari iyi, zvinoratidza kuti munhu wose anogona kupihwa mari iyi tisingatarisi kuti ndewebato ripi.”

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika Jabusile Shumba achishanda zvekare semukuru mukuru mune zvemitemo inobata veruzhinji nezvegutsaruzhinji musangano reDemocratic Alternative for Zimbabwe akati kutengwa kwemavhoti inzira isingaregerwi nebato reZanu (PF).

“MuZimbabwe, kutenga mavhoti inzira inoshandiswa nebato reZanu (PF) kuitira kuramba vachitonga kubva muna 1980, vanozviitira kuti varambe vakabatirira pazvigaro,” akadaro Shumba.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *