
Muna Gunyana, kanzuru iyi yakakoka vaida kushandisa zvitoro makumi mashanu nezviviri zvaive zvapihwa kune vatsigiri veZanu (PF) nevatungamiriri vebato iri vaive pazvigaro mukanzuru iyi mumakore apfuura. VaChombo vakatara kuti kanzuru iyi hayaifanira kubvisa vaive vachishandisa zvitoro izvi uye yaifanira kuvatengesera sezvo varipo nechekare.
”Mukabvisa vanhu ivava, ini ndinokurwisai. Ndinokurwisai kunyangwe mukaenda kumatare,” vaChombo vakaudza vamiririri venharaunda mukanzuru svondo rakapera.
Mutevedzeri wemutungamiriri wedunhu vaAmen Mpofu vakati kanzuru haizotevedzeri chisungo chavaChombo.
“Nzvimbo nezvitoro ndezvekanzuru uye hazviiti kuti tizvirasirire nenzira iyoyi. Tiri kunzwa kuti vamwe vevanhu vari kushandisa zvitoro izvi vari kuchengetedzwa negurukota rezvematunhu nekumaruwa iri sezvo vari vatsigiri veZanu (PF” vakadaro vaMpofu.
Hakusi kutanga vaChombo vachipokana nevamiririri vematunhu mukanzuru munova makawanda vamiririri veMDC- T. Muna 2008, vakaramba chisungo chavaChombo chekugadza vatsigiri veZanu (PF) mukanzuru sevamiririri “vakakosha”.
Post published in: News

