Gakava pamari yesarudzo

Zanu (PF) iri kupesana nemamwe mapato ari muhurumende yemubatanidzwa nenyaya yekungangobve mari yekuita sarudzo dzinotevera.

Gurukota rezvemari munyika vaTendai Biti vakaburitsa mashoko ekuti Zimbabwe ichamanikidzwa kupemha mari kunyika dzekumadokero nekumasangano akazvimiririra kuitira kuti sarudzo dzakatarisirwa gore rinouya dziitwe.

Vakati nyika dzinenge United Kingdom neNorway dzinofanira kubatsira pasarudzo dzeZimbabwe nenzira imwechete yavaive vachitsigira zvehutano nedzidzo. Zvisinei, mutauriri weZanu (PF) vaRugare Gumbo vakati bato ravo rinopokana zvakanyanya nekupihwa mari nenyika dzekunze

“Hatingatori mari kubva kunyika dzekumadokero kuti tiite sarudzo dzedu,” vakadaro vaGumbo.

VaGumbo vakawedzera achiti nyika dzekumabvazuva dzaive dzine chinangwa chekuparadza bato reZanu (PF) uye hadzivimbike.

“Zvinoita here kuti titore mari kubva kunyika dzekumadokero ivo vakaisa zvirango zvehupfumi kunyika yedu? Kutsvinya zvakadii ikoko? Hatitambiri rubatsiro rwemari inobva kuBritain kana nevamwe vavo. Mari iyi inofanira kubva kune dzimwe nyika kwete kunyika dzekumadokero. Ndicho chinzvimbo chedu sebato,” vakadaro vaGumbo.

Sangano rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission rinoti rinoda mamiriyoni mazana matatu emadhora kuti vanhu vavhotere bumbiro idzva remutemo nekuti sarudzo dzakatarisirwa gore rinouya dziitwe. Pamari mazana matatu emamiriyoni, miriyoni imwechete ichaenda mukuvhoterwa kwebumbiro idzva remutemo yasara ichisendekwa kumirira sarudzo.

Munguva pfupi yapfuura, mutevedzeri wasachigaro weZEC, vaKazembe vakati sangano iri harina mari yekuita zviviri zvakakosha izvi.

Mutauriri webato reMDC- T vaDouglas Mwonzora vakati hurumende yemubatanidzwa inoraramiswa nemari inobva kunyika dzekumadokero kubvira panguva yayakavamba.

”Hapana chakaipa kuti nyika dzekumadokero dzitipe mari yekuita sarudzo. Nyika dzekumadokero dzatove nenguva dzichitipa mari yekuita zvakakosha zvose muhurumende yemubatanidzwa. Vanotipa mari kune zvehutano, dzidzo uye nepakuumbwa kwebumbiro idzva remutemo,” vakadaro vaMwonzora.

VaMwonzora vakati kuramba kuri kuita Zanu (PF) mari inobva kunyika dzekumadokero inzira yekuedza kudzosera shure basa rose riri kuitwa mukuedza kuita sarudzo dzegutsaruzhinji munyika.

“Zanu (PF) inotya sarudzo,” vakawedzera vaMwonzora.

Zvichisiyana nemashoko avaGumbo, mutauriri weMDC- N va Kurauone Chihwayi vakati zvinokodzera kuti Zimbabwe itsvage rubatsiro rwemari kubva kunyika dzekumadokero.

“Bato reMDC harina dambudziko nekupiwa rubatsiro rwemari kubva kunyika dzekunze kana paine zvikonzero zvinokodzera zvakaita sesarudzo,” vakadaro vaChihwayi.

Vakati kuba kuri kuita vakuru vakuru veZanu (PF) zvicherwa zvinokosha kwave kuita kuti nyika irarame nemari inobva kumasangano akazvimiririra.

“Tinoshushikana nekuvigiridzwa kuri kuitwa zvinhu munhau dzezvemigodhi sezvo ngoda riri kungotengeswa muchivande. Hurumende yemuZimbabwe inofanira kutanga yamisa kubiwa kwengoda isati yatsvaga rubatsiro rwekunze,” vakadaro vaChihwayi.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *