Mashoko aya abuda mberi kwemazuva gumi nematanhatu akasendekwa pasi rose ekukoshesa kurwisana nemhirizhonga dzakanangana nemadzimai,ane chinangwa chekupedza mhirizhonga mudzimba achaitwa kubva musi wa25 Mbudzi kusvika musi wa10 Zvita.
Mumashoko akaburitswa nesangano remagweta anoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights, huwandu hwemhirizhonga yemudzimba huri kuwedzera sezvo kubvira muna 2008 pakamhan’arwa mhosva churu nemazana mapfumbamwe nemakumi mana.Muna 2011, mhosva zvuru makumi mana nemazana matatu nemakumi mashanu neimwechete dzakamhan’arwa paine tarisiro yekuti huwandu hwemhosva idzi hungangowedzere sezvo muchikamu chekutanga kwegore rino kwakamhan’arwa mhosva zvuru zvitatu nezana nemakumi mana neimwechete.
Mapurisa akati vanhu vanomwe vakaurayiwa nevadiwa vavo muzviitiko zvakasiyana- siyana mumhirizhonga zana nemakumi mana nepfumbamwe dzakamhan’arwa musvondo rimwe chete munyika.
Vaongorori vashoropodza masangano anoona nezvemadzimai aya vachiti mazhinji acho hapana zvinoonekwa zvaari kuita mukuderedza huwandu hwemhirizhonga dzemudzimba idzi.
Mutungamiriri wesangano rinobatsira vanenge vavhiringidzwa mudzimba reMusasa Project,mai Netty Musanhu vati masangano anomiririra madzimai akakosha, vakapa mhosva kuhurumende yekukundikana kushandisa zvine mutsindo mitemo inochengetedza kodzero dzemadzimai. “Sesangano remadzimai, takakosha mukurwisa mhirizhonga dzemudzimba, asi hurumende iri kutiregerera. Chii chatiri kurwira kana vanopara mhosva vasingarangwe?
“Tiri kuona kuwedzera kwemhirizhonga asi mhosva ndeyemutemo sezvo uri kukundikana kuchengetedza vanhukadzi. Pane mhirizhonga dzinoguma mumwe afa asi anenge apara mhosva anopihwa makore mashanu kana ari pasi pamhosva yekuuraya iyi,” vakadaro mai Musanhu.Vakapa muenzaniso wechiitiko chemasvondo mashoma apfuura apo mumwe mudzimai akazvindwa nechikomba chake, asi matare akamuripisa madhora zana nyaya yake ichimirira kudzokazve kumatare.
Vachitsigira, mutungamiriri wesangano rinoona nekuchengetedzwa kwevasikana reGirl Child Network muZimbabwe, Edinah Masanga vakati sangano ravo rinorwisa mhirizhonga dzemadzimai nekubatsira vechidiki ava mukuwedzera ruzivo rwavo mune zvedzidzo. “Tinoona kuti vasikana ava vadzidza uye tinovapa mukana wekumhan’ara mhosva dzinenge dzaparwa,” vakadaro vaMasanga.
Mutungamiriri wesangano remagweta echidzimai munyika reZimbabwe Women Lawyers Association, vaEmilia Muchawa vakati vacharatidzira mumigwagwa yeHarare gore rino sechiratidzo chekurwisana nemhirizhonga yemudzimba.
“Tinopa rubatsiro kumadzimai anenge ararama mhirizhonga dzemudzimba mumatare sechiratidzo chekushingairira kwatinoita mukurwisana nedambudziko iri.Sangano redu rinobatsira mukuumbwa kwemitemo ine chitsama inochengetedza kodzero dzemadzimai,”vakadaro.
Muna 2007, hurumende yeZimbabwe yakaumba mutemo wekudzivirira mhirizhonga dzemudzimba, danho rakaonekwa neveruzhinji sebudiriro mukugadzirisa uye kusimbiswa kwemutemo unoona nezvekudzivirirwa kwemhirizhonga dzemudzimba.
Chinangwa chemutemo uyu ndechekupa zororo nekuchengetedza vanenge vavhiringidzwa nemhirizhonga dzemudzimba nekukurudzira kuti chiitiko ichi chisadzokorodzwe.
Bato rinoona nezvekuenzaniswa, nekubudirira kwemadzimai muhurumende rakaumba chikamu chinomiririra kurwisana nemhirizhonga dzemadzimai vachitevedza chikamu chemutemo wegumi netanhatu unodzivirira mhirizhonga mudzimba.
Mashoko esangano remagweta anomiririra kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu anoti veruzhinji vanofanira kuchengetedza kushanduka kwemafungiro mukupedza mhirizhonga dzerudzi rwupi muvasikana nemadzimai.
“MuZimbabwe mune mitemo inochengetedza veruzhinji kubva kumhirizhonga dzemhuri nekushungurudzwa, kubatwa chibharo kana kuvhiringidzwa mune mhirizhonga dzemudzimba, asi mitemo iyi haishandi kana mapurisa asingaishandisi uye vematare vasingaisevenzesi kuranga vose vanenge vapara mhosva,” anodaro mashoko aya.
Post published in: News

