Izvi zvatsigira zvizere zvinogarotaurwa nevaongorori vezvematongerwo enyika kuti hapana mutsauko pakuva muchiuto nekuva mutsigiri weZanu(PF), sezvo vari muchiuto ava vachizviita vezvematongerwo enyika kwete vashandi vehurumende.
Mukuru mukuru muchiuto vaCallisto Gwanetsa vakatarisa chigaro chaseneta kuChiredzi ukuwo vaLivingstone Chanetsa vakavhura ziso pachigaro chimwechetecho kuZaka. Vaimbove mumiririri wekumadokero kweBikita uye vari zvekare mutori wenhau vaClaudius Makova vanonzi vari kuda kukwikwidza chigaro chaseneta wenzvimbo iyi uye mukuru mukuru muchiuto vaVictor Rungani vanoda kuve mumiririri wenzvimbo yavo kuBikita.
Mukuru muchiuto vaGibson Mashingaidze vanonzi vanoda zvekare kukwikwidza chigaro chemumiririri wehurumende kumusha kwavo kuBikita.
KwaGutu, kwakadyiwa zvinopisa tsitsi vaimbova mukuru mukuru muchiuto vaVitalis Zvinavashe nevaive vasingazivikanwe veMDC- T, vaEmpire Makamure musarudzo dzakaitwa muna 2008, vari muchiuto zvekare vaMutero Masanganise vanonzi vari kuzokwikwidzira chigaro chaseneta.
Kunyangwe mwedzi usati wapfuura mushure mekunge gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro uye vaive zvekare mumiririri weMasvingo muhurumende,vaStan Mudenge vashayika, zvinonzi mukuru muchiuto vaDavis Marapira vakabuda pachena nezvechishuwo chavo chekutora nzvimbo yemushakabvu uyu. Vakatotanga kutsvaga rutsigiro kumaodzanyemba kweMasvingo- kunyangwe bato ravo reZanu (PF) rakatara kuti hapana ane kodzero yekutsvaga rutsigiro asina kupiwa mvumo nevakuru vakuru vemusangano.
Kumadokero kweMasvingo, vaimbove mutungamiriri wedunhu, mukuru muchiuto vaBernard Mazarire vakatsidza chishuwo chavo chekubvuta chigaro kubva kuMDC- T. Kudhorobha reMasvingo, vaimbove mutungamiriri webato reUnited People’s Party, vave kubato reZanu (PF) mukuru zvekare muchiuto, vaDaniel Shumba vakati vanoda zvekare kubvuta chigaro kubva kuMDC-T.
Sachigaro weZanu (PF) kudunhu reMasvingo vaLovemore Matuke vakati vanenge vakasika, kana pave nevanhu vave kutsvaga rutsigiro sezvo vachakamirira mvumo inobva kuvakuru vakuru vemusangano
“Hazvina kuipa kuti vanhu vagadzirire kukwikwidzana asi zvinogona kukonzera nyonga nyonga mubato,” vakadaro vaMatuke. “Hatinei nazvo kuti munhu aimbove mukuru mukuru muchiuto kana kuti kwete. Kana akasarudzwa nevanhu kuti avamiririre, imvumo yake kuvamiririra- asi hatina mutemo unoti vaimbove muchiuto vachabatwa semazai.”
Mutauriri webato reZanu (PF)vaRugare Gumbo vakati bazi repamusoro mubato reZanu (PF) richasangana munguva pfupi inotevera senzira yekurangana pamusoro pezvichatevedzwa mukuita sarudzo dzebato. Pane runyerekupe rwekuti vemuchiuto ava havasi kuzotendera ani zvakeasina “kurwa hondo yerusununguko” kutonga nyika.
Izvi zvinonzi zvinoreva kuti vemuchiuto havazotenderi mutungamiriri wehurumende vaMorgan Tsvangirai kutonga nyika kunyangwe vakakunda musarudzo. Zvisinei, vaongorori vanoti mashoko evanoona nezvekuchengetedzwa kwenyika aya vari kubato ravaMugabe achakonzera kukundwa kwavo musarudzo. Vanoti vamugabe vanofanira kuchengetedza vechiuto ava kunzvimbo dzavo kana vachida kuwana mavhoti musarudzo dzinotevera.
Vechiuto vachakwikwidza
Bikita – Brigadier Gibson Mashingaidze
Bikita – Brigadier General Victor Rungani
Masvingo West – Major Benard Mazarire
Bikita – Colonel Claudius Makova
Chiredzi – Brigadier General Callisto Gwanetsa
Gutu – Colonel Mutero Masanganise
Masvingo North – Colonel Davis Marapira
Masvingo urban – Colonel Daniel Shumba
Munofungei?
Maitiro emuchiuto avaMugabe anogona kukonzera kuruza kwebato reZanu (PF) musarudzo? Pamunogona kutibata: Email: editor@thezimbabwean.co.uk
Facebook: http://www. thezimbabwean.co.uk/#facebook
Twitter: https:// twitter.com/thezimbabwean
Sms: +27 79 570 9663, +263 736 999 005
Post published in: News

