
Mutungamiriri wesvondo iyi mudunhu reMasvingo vari kudivi raGandiya, vaGodfrey Tawonezvi vakabvuma nezvechiitiko ichi. Vakati vatendi vari kudivi ravaGandiya vave kunamatira pachikoro cheLiebenberg kuChivhu mushure mekunge pachechi pavainamatira, paSt Cyril pabvutwa navaJohn Tichasvikepi Shumba, vanotsigira mubhishopi akasiya basa Nolbert Kunonga.
“VaShumba vave kugara pachechi yeSt Cyril uye vave kushandisa nzvimbo iyi seimba yekugara. VaShumba nemudzimai wavo vashandura nzvimbo yekupupura kuita imba yekurara, nzvimbo inoyera muchechi seimba yekubikira uye vana vavo vari kushandisa rimwe divi rekereke seimba yekurara,” vakadaro vaTawonezvi.
Vakati vaShumba vaizvitutumadza nekuti vaKunonga vane rutsigiro kubva kune vakuru vezvematongerwo enyika uye vakuru vakuru vemapurisa, avo vanoshoropodzwa nguva nenguva nekuda kwemashandiro avo panyaya yekuAnglican iyi sezvo vachishandisa zvikonzero zvemapato.
“Vakatsvinya vachiti vari kudivi rakasimba rine hukama nevakuru vakuru vezvematongerwo enyika nemapurisa uye hapana kana simba rakawanda zvakadii ringakwanisa kuvabvisa pachechi iyi yavari kuti yave imba yavo,” vakadaro vaTawonezvi.
Kereke yeSt Cyril kuChivhu yakabvutwa nevafundisi vanotsigira vaKunonga muna Gunyana gore rino uye chiitiko ichi chakasiya vatendi vari kudivi ravaGandiya vasina pekunamatira.
Kubvutwa kwekereke reSt Cyril kwakateverwa nekutorwa kweSt Francis mwedzi wapfuura. Vatendi vainamatira pamachechi maviri aya vari kunamatira pachikoro cheLiebenberg.
Kubvutwa kwenzvimbo dzekunamatira kuChivhu uku kwakaitwa pamberi pemapurisa aive akapakata zvombo avo vaitsigira kuti Kunonga ndiye muridzi wemidziyo yesvondo yeAnglican yose muZimbabwe.
Mutauriri wemapurisa mudunhu rekumabvazuva kweMashonaland vaBulisani Bhebhe vanogaroreverera zviito zvemapurisa vachiti kuvepo kwemapurisa pachiitiko ichi kwaive kuitira kudzivirira mhirizhonga.
Tawonezvi akati chechi yepaSt Francis yakavharwa kubvira kubvutwa kwayakaitwa muna Gumiguru gore rino.
”Chechi yepaSt Francis ichakavharwa nekuti vaKunonga havana vateveri uye hapana munhu anouya kuzonamata. Takavhundutsirwa kuti pane zvatichaitwa kana tikadzokera kunonamatira pachechi apa,” vakataura vaTawonezvi.
Mwedzi wakapera, dare repamusoro soro rakatara kuti midziyo yose yeAnglican kuManicaland inofanira kupihwa kudivi rava Gandiya asi kuHarare, dare iri harisati rapa mutongo.
Post published in: News

