
Pamusangano mukuru wenyika dzepasi rose wakaitwa kuMaputo muna Nyamavhuvhu gore rino, vatungamiriri venyika dzemubatanidzwa wesangano reSADC vakaisa chisungo chekuti vaMugabe vaifanira kusvipa vaMutambara semutungamiriri muhurumende yemubatanidzwa sezvo vasisina bato.VaMutambara vakasiyiswa chigaro semutungamiriri weMDC pamusangano mukuru webato iri wakaitwa gore rakapera.
Muna Nyamavhuvhu gore rino, munyai weSADC munyaya YeZimbabwe vaJacob Zuma vakaramba kusangana navaMutambara pavakashanyira Zimbabwe vachiti aimbove mutungamiriri wevadzidzi uyu aive asina bato.
Zvisinei, vaMugabe vakaramba vakabatirira pana vaMutambara vakatyisidzira vachiti vaizoramwa musangano wechipiri wekuumbwa kwebumbiro idzva remutemo kana vaMutambara vakasapiwa nzvimbo yekuve munyarikani anoremekedzwa. Izvi zvakaita kuti vaMutambara vapiwe nzvimbo yekutaura pamusangano uyu zvakaita kuti mutungamiriri webato iri vaWelshman Ncube varamwe musangano uyu pazuva rekutanga.
Muongorori wezvematongerwo enyika vaJohn Makumbe vakati vaMugabe vane chinangwa chekuvaka mukaha pakati pavaTsvangirai nava Ncube muhurumende yemubatanidzwa.
“VaMugabe vakabatirira pana vaMutambara kuitira kutadzisa vaNcube kushanda kudivi rimwe chete navaTsvangirai. VaMugabe vanotsigira vaMutambara munyaya dzine chekuita nebumbiro idzva remutemo senzira yekuwana rutsigiro rwavaMutambara muhurumende yemubatanidzwa,” vakadaro vaMakumbe.
Vakawedzera,” VaMugabe havana chokwadi chekuti vangawane rutsigiro rwavaNcube. Vari kuedza nepavanokwanisa kudzivirira kuti vaNcube navaTsvangirai vasabatane mukuvarwisa.”
VaMakumbe vakati nekufamba kwenguva, vaMugabe vachamanikidzwa kutevera chisungo cheSADC pana vaMutambara zvichaita kuti vavadzinge.
Mumwewo muongorori wezvematongerwo enyika, Pedzisayi Ruhanya akati kubatirira kwavaMugabe pana vaMutambara inzira yakarongwa nemutungamiriri weZanu (PF) uyu kukonzera nyonga nyonga pakati pemapato avanokwikwidzana nawo.
”Zviri pachena kuti inzira yekuparadzanisa kuitira kutonga. VaMugabe vanopemberera nyonga nyonga pakati pemapato anokwikwidzana neravo uye ndiyo nzira yavo yekuparadzanisa kuitira kutonga mapato aya. Vari kuvhiringidza nyaya dzemapato nedzenyika. Mapato anokwikwidza anofanira kungwara kuitira kuti vaone hungwaru uhwu,” akadaro Ruhanya.
Zvichakadai, mumwewo muongorori wezvematongerwo enyika Gabriel Chaibva akati vaNcube vari kutaura mashoko asina hudzamu pavari kuti vaMugabe havasi kuvapa nzvimbo yavo nekuramba vakabatirira pana vaMutambara.
”VaNcube vanofanira kutsvaga zviri nani zvekutaura. Handina chokwadi chekuti vaNcube mutungamiriri webato nekuti pakunzwisisa kwangu nezvehurumende yemubatanidzwa, chibvumirano ichi chakasainwa navaArthur Mutambara kwete navaNcube. Hapana, mubumbiro remutemo panotenderwa mutungamiriri wenyika kudzinga vaMutambara,” akadaro Chaibva.
Post published in: News

