Vechidiki voshandura zvakaipa kuve zvakanaka

Vana vechikoro vechidiki vaviri vanobva kwaRusike, Tafadzwa Munemo naPanashe Katito vauya nezano rekuvandudza hupenyu hwavo vachiwana mari nekuunganidza mazai anenge araswa nevanopfuya huku vachiachengeta kuti achochonye.

“Takatanga danho iri tisingafungire patakaenda kunzvimbo inorasirwa marara musi wemugovera masikati. Pakutanga taiunganidza mazai aya tichiita zvekutamba apo takaenda nawo kumba.Takashamisika mangwana akatevera tichiona mamwe emazai ataive taunganidza achochonya nhiyo dzine hutano. Pamazai makumi mashanu ataive taunganidza, mazai makumi matatu aive achochonya,” akadaro Tafadzwa.

Akati vakavamba kushanyira nzvimbo yekurasira marara iyi kazhinji vachinotora mazai akaraswa aya.

“Tinowanzounganidza mazai aya masikati emusi weChishanu tabva kuchikoro. Kubvira patakatanga basa iri, tapfuya huku dzinodarika mazana mashanu. Tinotengesa dzimwe senhiyo uye dzimwe tinopfuya kuitira kudya semhuri,” akadaro Takudzwa.

“Mhuri dzedu dzokwanisa kudyawo nyama yehuku,” akadaro Panashe.

Vechidiki ava vanotengesa imwechete yenhiyo idzi nemasenzi makumi mashanu emadhora. Kana dzakura dzinoitwa madhora manomwe pahuku yoga yoga. Vakomana ava vanotenda rubatsiro rwechikafu rwavakapihwa nevabereki vavo.

“Kubudirira kwedu kwakauya nerutsigirwo rwuzere rwatakapihwa nevabereki vedu avo vakatipa ruyamuro rwechikafu chehuku apo taitanga basa iri. Iyezvino tave kutengesa huku totenga chikafu chehuku,” akadaro Takudzwa.

VaEdison Munemo, baba vaTakudzwa vakatsanangura mwana wavo semunhu anoshanda nesimba uye mwana ane tarisiro yekuzove muzvinabhizimusi wepamusoro.

“Kubvira pakatanga Takudzwa basa iri, haana kuzombotarisa shure. Pakutanga ndakafunga kuti acharegera ave pakati. Akandinyadzisa nekuti azviita munhu anokwanisa kuriritira mhuri.”

Akati mari yavanowana kubva mukutengesa huku inobhadhara mari yechikoro yevamwe vana mumhuri nekushandisa pazvingadiwe semhuri

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *