Letter from Zimbabwe

Dear bro.

KuZimbabwe kwamakandisiya mukoma aaaa kwasanduka kubva kuenda kwamakaita kuAustralia. Zvimwe zvezvinhu zvamakasiya zvisipo

1) Joyce Teurai Ropa Mujuru haasisiri mubato re ZANU pf akadzingwa

2) Didmus Mutasa nhamo dzake hadzichanyorwa nebepa nhau reHerald dzava kunyorwa ne Daily News

3) Muguta reHarare mumugwagwa unonzi Julius Nyerere mavakugocherwa chibage.

4) Muguta reHarare bhero rehembe rava kuputisirwa pese pese zvokuti mumugwagwa Rezende padyo nepaunosangana na Robert Mugabe bhero rinoto waridzwa mutara chaimo. Pamakabva handiti makasiya mota dzichipafamba ikozvino hadzichadarika napo.

5)Dzamara haasati awanika

6) Takabvumidzwa kuisa musika wemadomasi nemurivo nemazhanje muroad inonzi 1st street.

7) Biti akapotsa arovana naMangoma vachirwira ukuru hwebato risati ravapo .

8) Mapurazi takatora uye pane chirimwa chatiri kurima zvakaipa asi hachikohwekeba. Chinonzi Sora Beans. Chibage tavakutounza kubva kunedzimwe nyika.

9) musika wakura kubva mbare kusvika mupedzanhamo kudarika kunobata Avondale.

10) makambani takavhara tikavhura machechi

11) vanhu vehurumende vakutambira panenge pawanikwa mari.

12) kwave ne indigenisation inoreve kuti munhu ngaazvionere

13) Mapostori vava kutyisa, vakazhaka mapurisa akapera kutiza, vose vakabva vaenda ku traffic.

14 ) mukuru wenyika akugara akunze kwenyika kunyadzisa avovanoti achembera.

15)Maticha, masoja, manurse, nemahwindi ndovoga varikushanda parizvino

Post published in: Letters to the Editor

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *