Wakapasvika sei pauri?

Wakapasvika seiko pauri nhai Simba Chikore?

Simba Chikore

Simba Chikore

Hwakambodiiko hwako huvhimi kubata mhuka usina uta kana museve
Tirere zvedu mune wedu musha we Zimbabwe
Takarifuka iro gudza renhamo
Tisu pepukei watodzipakata
Inga kuroora kwevamwe kunobhadhara
Wakapasvika sei pauri nhai Simba Chikore?
Makakombererwa vana vevamwe
Kukama mukaka wakakora kare
Kwako hatichati kuvhima nemunyu muhomwe
Apa wakavhima nechiropa muhomwe
Kudzingirira yawakabata kare
Hwako huchenjeri huziva tsoro dzawo hupenyu
Kupfimba mwana washe
Nhasi mopihwa mabasa murere
Modya moga rifa rayo nyika sekusina vamwe
Wakapasvika sei pauri Simba Chikore?
Nhasi uno toideedza kuti Air Simbabwe
Woiita hako wada wadambura nyama yepabira
Ko unovhunzwa nani sewapenda nyoka
Zvazviri zvekungopanana hutambidzanwa chikari chepandari
Hwako hugamba hwakava pakupa Sekuru muzukuru wekutanga
Muhutana hwavo
Vakakutarisa vanosekerera mambo
Kuti rakandibvira nepiko bvana iri kundipa muzukuru
Zvino voti regai ndidye naro munyepfu wayo nyika
Wakapasvika sei pauri Simba Chikore?
Chawawana batisisa mudzimu haupi kaviri
Inga uri gonzo rawira mudura renzungu
Zvidyire hako hwatsvira hwehumambo hwaGushungo
Zvohwoswedera kumagumo
Zvamangwana zvinaniko muchabva muZimbabwe muchitiza
Neiro zuva richapinda humambo hutsva
Nhasi ndezvenyu mora hako mukomana
Asi kutsi kwerako gotsi iri dimikira usakanganwe
Chisingapere chinoshura
Wakapasvika sei pauri Simba Chikore?

Post published in: Entertainment

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *