
Muchinyorwa chakabuda vhiki rino, EU yakati: ‘‘Isu ve EU tinoshora zvikuru mhirizhonga dzezvematongerwo enyika idzo dzakanyuka mushure mekushanya kwe muremekedzi we UN anoona nezvekodzero dzevanhu, kunyanyawo hurumende yange ichirambidza zvakadai.’’
EU yakati vanhu vanomwe ve MDC-T ‘‘vakarohwa zvekuti vakaendeswa kuchipatara’’, uyezve imwe nhengo ye MDC-T yakauraiwa pamusangano webato iri kwaChimukoko kuMudzi musi wa26 May.
Cephas Magura, uyo ane makore makumi mashanu nemasere akaurayiwa kuMudzi mwedzi wepfuura uye zvinofungirwa kuti basa iri rakaitwa nevanhu veZanu (PF).
‘Nhaurwa dzinotaridza kuti musangano weMDC wainge wabvumidzwa nemapurisa ndokuzokanganiswa nevanhu veZanu (PF) uye mapuraisa hapana zvaakaita.
‘‘Zvinoshungurudza kuti vakuru veZanu (PF) nemumuriri wedunhu iroro muparamende vakangotarisa zvichiitika,’ yakadaro EU.
Chinyorwa cheEU chakatsoropodza kutadza kwemapazi ehurumende kugadzirisa nyaya iyi, asi EU yakazoti inofara nekuti mapoka ezvematongerwo enyika akati izvi zvinhu zvakashata.
‘‘Tinofara nekuti boka reJomic rakakokorodza vanhu varo uyezve vanhu vatanhatu vakasungwa. Tinotarisira kuti mapurisa achashanda nesimba kuita kuti mhondi idzi dzitongwe kuitira kuti vanhu vazive kuti zvebopoto hazvidiwe,’’ yakadaro EU.
Post published in: News

