
Mumapepa akaendeswa kumatare edzimhosva kuBulawayo, Jamist iri kuda kuripwa madhora anosvika zviuru makumi mashanu, mushure mekunge mumwe wevashandi vebato rinoona nekupinda nekubuda kwezvinhu munyika reZimra raparadza mbatatisi idzi muchiitiko chisinganzwisisike. VaBiti vari kupomherwa mhosva vakazvimiririra semukuru- mukuru muhurumende mubazi ravo. Dare redzimhosva rakanzwa kuti Tafadzwa Chifamba, anoshandira bato rinoona nezvekupinda nekubuda kwezvinhu munyika achishandira pamuganhu weZimbabwe ne South Africa weBeitbridge, mumwedzi waNdira akabata ndokurayira kuparadzwa kwembatatisi idzi, dzaive dzabva kuSouth Africa. Kambani iyi iri kusimbisa kuti yaive nemapepa akakwana.
Mutevedzeri mubazi reanoona nekutongwa kwedzimhosva akapa vari kupomherwa mhosva mazuva gumi ekupindura pamusoro pemhosva dzavari kupomherwa idzi.
Kukundikana kwavo kupindura kuchaita kuti mhosva dzavo dziendeswe pane rimwe danho rekutongwa dzisina kuvhikwa.


