Shona 14/4/06

Independence hayisi yeZanu (PF) chete

Vatungamiri vemuAfrica onai zvekuita - MaZimba oratidzira kuJoni.
HARARE – Zana rinoraudzira revaratidziri rakaenda kumahofisi eHigh Commission yeTanzania kuPretoria kunoudza President weTanzania ayishanya, VaJakaya Kikwete, kuti vaonewo zve


kuita nenyaya yeZimbabwe iyo iri kungoramba ichiyipa.
VaKikwete ndemumwe wevatungamiriri vekuchamhembe kweAfrica (Southern Africa) vakaramba kutevedza zano raibva kunyika dzepasi rose rekuwedzera moto pahurumende yavaMugabe nekuishoropodza.
VaKikwete vaishanya vachiitawo hurukuro nemutungamiri weSouth Africa, vaThabo Mbeki, nenyaya dzekuchengetedza runyararo muAfrica.
Sachigaro weZimbabwe Johannesburg Support Network, avo vakaronga kuratidzira kwacho, vakati kuratidzira uku kwaiva chimwe chezvirongwa zvitsva zvebato ravo zvekuti vatungamiri veAfrica vaziviswe nezvetsekwende huru yawira mhuri yeZimbabwe.
“Tave kutoita kuti mutungamiri weAfrica wose anouya muno atoenda ave kuziva kuti kuZimbabwe hakuna chikafu uye Mugabe ari kutyora kodzero dzevanhu.”
Kuratidzira kwepaHigh Commission yeTanzania kuchateverwa nekumwe kuratidzira kuchaitwa kune mamwe maembasi edzimwe nyika dzemuAfrican kana vatungamiriri vacho vangouya chete.
Zimbabwe iri parumananzombe nekusagadzikana kwehupfumi hwenyika, nyanyenyanye kukwira kwemitengo – uko kwave kuda kusvika pazvikamu zvuru muzana pagore rimwe chete, zvichisanganisawo nekushaikwa kwechikafu, mafuta, magetsi nezvakawanda zinodiwa mazuva ose. – ZimOnline
DeMbare yonota nePSL
HARARE – Vakomana veDynamos vachanyemwerera apo vachaona mari yemutambo wavo weSvondo wemuPremier Soccer League (PSL) yapinda mubhanga ichiita kuma $3,6 billion.
Vakaita mangange rimwe-rimwe neCAPS pamberi pevanhu vaisvika zvuru makumi matatu kunhandare yeDeMbare iyo iri kutarisirwa kuti ichawana $2 billion, inobviswa yese yatobviswa.
Nemazakwatira emari inobva pakupinda kwevanhu munhandare, avo vanenge vachida kuzova masiponza etimu vanenge vachazotarisirwa kubvisa mari yakawandawo.
Munhandare ivo vakomana veDeMbare vakabvawo varatidza kuti vave pachinhano chiri pamberi kudarika zvekupona neburi retsono kuburitswa muPSL zvavakaita svondo rakapera. Vakaratidza kutogona kwavaisafungirwa, kumirisana neCAPS, iyo yaifungidzirwa kuti yaizokunda Dynamos chete.
Dynamos yakatobura mabhora akawanda aivhundutsira, asi idzo timu dzacho dzakange dzakaenzana hadzo. Highlanders ndiyo yoga yakakwanisa kukunda pamitambo yose yayakatamba, zvichisanganisira nekurova Mwana Africa 2-1 muRufaro Stadium neMugovera – zvichiratizawo kuti Highlanders ingangotora mukombe.
Monomotapa yakatadza kuchengetedza matambiro ayaiita pakutanga kwemakwikwi egore rino. Pakashaikwa zvibozwa neBuymore kuGwanzura, uye Shabhani Mine yakazokwanisawo kurova Railstars nechibodzwa chimwe.
Railstars neZimbabwe Saints ndodzoga timu dzisati dzapinza mapoinzi, zvokuti vanhu vave kutotanga kubvunza nezevezeve kuti dzichabata vamwe here. – ZimOnline
Mutengo wechibage wokwidzirwa mashefu
HARARE – Mutengo wechibage kubva kuvarimi wakakwidzwa mukuedza kuti chakawanda chitengeswe, kuitira nzara iri munyika. Mutengo wacho wakakwidzwa kakapetwa kagumi – kubva pa$2.2million kuenda pa$31.3million patani rimwe.
Asi vawongorori vanoti kukwidzwa kwemutengo uku kuchanyanya kubatsira mashefu sezvo varivo vane minda yavakapamba, uye varivo voga vakakwanisa kuwana mbeu nefetiraiza yacho.
Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made vaizvikudza mudare reParamende vachiti bato ravo rakakwanisa kukwidza mitengo zvakapetwa kaviri kupfuura zvaikumbirwa nevarimi, iro bepanhau rehurumende rikabva raendererawo mberi richiburitsa mashoko ekuti, sezvo varimi vemumaruzevha vairima matani ari pakati pegumi nemakumi maviri, zvaireva kuti vaizowana mari iri pakati pe$310million ne$620million.
Asi mashoko aya akashoropodzwa nevanoziva vachiti dzaiva nhema dzinonyadzisa nokuti vanhu vazhinji mumaruwa vakashaiwa mbeu nefetiraiza, nokudaro vamwe vavo havana kana kutombopinza badza mumunda, chero zvazvo mvura yakanaya zvakanaka.
Nyanzvi dzavanachiremba dzichashaikwa
HARARE – Hurongwa hwenyika hwekuti vanachiremba vane hunyanzvi hwepamusoro vawande huchakarowira pasi nokuti mari yave kudiwa neUniversity of Zimbabwe yawandisa.
Vanachiremba vachiri kudzidzira vanonzi vabhadhare $100 million pagore, inova mari yakawandisa pavanhu vanenge vachitambira mari iri pakati pe$35 million ne$55 million pamwedzi.
“Izvi zvichareva kuti pamakore mashoma achatevera kuchashayikwa vanachiremba vane hunyanzvi hwepamusoro munyika muno,” vakadaro vaTakaruda Chinyoka, sachigaro weHospitals Doctors Association (ZHDA) vachikurukura nezvekushomeka kwevanhu vari kuenda kuchikoro chehudhokotera.
Kare Zimbabwe ndiyo yaimbonzi shasha pakuva nehurongwa hwakanaka hweutano munyika dzichiri kubudirira, asi izvozvi zvave kunetsa nokuti vanachiremba navakoti vacho vaperera kune dzimwe nyika, sezviri kungoitawo nyanzvi dzemamwe mabasa.
Munyori webato rezveutano vaEdward Mabhiza vakabvuma kuti kunyoreswa kwavanachiremba muyunivhesiti
kwaderera, asi hurumende yakange ine hurongwa hwekuve navanachiremba vanokwana kuti vagozoendawo kuchikoro chehunyanzvi hwekurapa.
VaMabhiza vakati, “Tinoziva kuti chikoro chavanachiremba chepamusoro hachisi kuzara.” Vakaenderera mberi vachiti vakange vari pakati pechirongwa chichaita kuti vanachiremba vawande kuitira kuti vamwe vavo vagozotorwa voendeswa kuchikoro chehunyanzvi.
Kufa kwaita chikoro chavanachiremba vepamusoro kunongoenderanawo nekufawo kwehurongwa hwese hwezveutano nokuda kwehuwori, kushomeka kwevashandi, nokushaikwa kwemishonga, nokuti hakuchina mari yacho.
Mishonga haichawanikwi nokuda kwekushaikwa kwemari yekunze, iyo inogona kuwanikwa chete nokutengesa kunze.
– ZimOnline


Semawonero Edu
Tochema nyika yechizvarwa chedu


Usiku hwakadzikiswa mureza wemaBritish pachisimudzwa weZimbabwe, nyeredzi dzichinyemwerera musi wa18 Kubvumbi 1980, hwakaunza rimwe danho mumhuri yeZimbabwe raiva netarisiro yerusununguko neupfumi munyika yakange yaneta nehondo.
Nhasi uno, kwapera makore makumi maviri nematanhatu, asi tarisiro iya hayina kuzadzikiswa. Vanhu vofa nenzara, kana rusununguko rwacho tava nerushoma kudarika rwataiva narwo makore gumi nematanhatu akapera.
Vazhinji vedu havana mabasa. Mutemo hauchachengetedzwi, uye tarisiro yedu yehupenyu yadzikira kudarika dzimwe nyika pasi rose.
Uko ndiko kutengesa kukuru kwakaitwa zvinangwa zvevarwi verusununguko; havana kurwira kuti ruzhinji ruitwe nhapwa dzevashoma vane mari, yavasingaguti nekukara kwavo.
Vairwira kuzvitonga kuzere nekuti munhu mumwe nomumwe awane kodzero yokuvhotera waanoda – asi vamwe vaiseka vachiti,”ZvemuAfrica zvinoreva kuti vachavhota, mumwe nomumwe aine kodzero yake kamwe chete chete.”
Vamwe vedu taida chose kuti zvisadaro, kuti tigovasekawo kuti zvavaifunga kuti tichaitika hazvisizvo. Zvakamboitawo saizvozvo kwemakore akatevera, zvichitapira, isu tichifara kuti tava kukwanisa kuzvirongera ramangwana redu; tichiti tasununguka muchokwadi.
Takavimbiswa utano hwakanaka, mvura yakachena, fundo kumunhu wose mugore ra2000.
Mamwe matanho akatorwa, nemazambuko akayambukwa zvichiratidza kuti chokwadi zvingangoitika, tarisiro yedu ikatumbuka maruva.
Asi nhasi uno zvipatara zvemumadhorobheni chaizvo zvinoshaya kana mushonga wechikosoro, zvikoro zvacho zvoshaya mabhuku kana magetsi, ivo varairidzi vacho vose vari kupararira kunyika dzekunze.
Munhu mumwe pavana vemuZimbabwe akatobuda kunze kwenyika kuri kutiza nhamo nehudzvinyiriri hwave kukonzerwa neavo vakambova vasununguri.
Kusangana kwevanhu vachitaura nezvematongerwo enyika hakuchabvumirwi. Tave kugara tichitya avo vaifanirwa kutinunura nekutichengetedza.
Vana vedu vatengwa nemari nekunyeperwa kuti vave zvituta zvakazadzwa mbanje zvichirwira vaMugabe.
Zuva reRusununguko, iro raimbova zuva romufaro mukuru, rakatorwa rikabva raitwa reZanu (PF), zuva ravo rekunyadzisa vachiratidza ruvengo kumunhu wose asingabvumirani nekufunga kwavo – ruvengo nehasha zvichibikwa munhandare dzose dzenyika.
Sekunyorwa kwazvakaitwa naVaAlan Paton “Tochema nyika yechizvarwa chedu.”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *