News in Shona 6/4/06

Madzimai eWOZA Anoyeuka
Madzimai anosvika chiuru esangano reWOZA vakasangana svondo rapera muHarare
neBulawayo vachicherechedza husiku hwa31 March, 2005. Musi wacho vakanga varohwa, vachimbunyikidzwa pamwe chete nokusungwa nemapurisa.
Pamusangano wesvondo rapera pakaitwa minamato yokunya


radzana nokusimbisana.
Mapurisa haana kupindira muchirongwa ichi.


Mai Jenni Williams vakati ivo, ‘Vatungamiri vemusangano weWOZA vanotenda
madzimai pakushinga kwawo usiku hwemusi wa31 March. Vanovatendawo nokubatana kwavo semadzimai.’
‘Kuratidza kukura kwegungano reWOZA pamisangano iyi, vamwe vainamata
kunyaradza mamwe madzimai, zvakare vamwe vachiimba nokudetemba. Tinofunga kuti panofanira kuve nevamwe vanopa mazano nokuraira madzimai eWOZA. Vamwe
vaichema nokushushikana zvichiita sokunge zviitiko zvegore rapera zvakanga zvaitika nezuro chaiye,’ vakadaro Mai Williams.
Umwe mudzimai wakataura nokushishikana kwake paagara muchipatara kwemwedzi
wose akuvadzwa nzeve nemaziso nemapurisa. Mushure mekuvhiyiwa, mudzimai uyu wakanga atopona hake uyezve okwanisa kushanda. Mudzimai uyu akatenda mamwe madzimai ayo akamutsigira munguva yaakarapiwa naanachiremba vemaziso.



Rusarura Ganda Rwuri Pachena
London – Bepa reHingirandi rinonzi The Mail on Sunday, rakaburitsa pachena
rusaruraganda, hutsinye nechiwokomuhomwe mune imwe kambani yezvekuvhima iri muZimbabwe. Kambani yacho ndeye rimwe gurukota rehurumende yeZimbabwe, rinonzi Webster Shamu, neumwe wake, Charles Davey, uyo akafumisisa zvikuru.
Davey ndiye baba vaChelsey, musikana wanevanji Prince Harry uyo anove
wechitatu pakumirira kugara humambo. Mutori wenhau, Caroline Graham, ndiye wakaburitsa nyaya yacho apo akavashanyira kwemazuva gumi achinyepedzera kuve muvhimi varidzi vekambani yacho vasingazivi.
Kambani yevarume ava inonzi HHK Safaris zvakare ine purazi rine maeka zviuru nezviuru kunzvimbo inonzi Riverside mudunhu reDeka, kuMatabeleland North.
Ade Langley, uyo ane makore 49, mushandi wekambani yeHHK Safaris,
wakataurira muzvare Graham kuti, ‘Vatema tinovaona sembwa. Tinovati vane tubvudzi tusina maturo. Vazhinji vacho vane chirwere cheHIV. Ndinofirwa
nevanobatsira kuronda mhuka vakawanda zvikuru nechirwere cheAids. Varume vose vabve zero vanacho chirwere ichi.’
Davey ndeumwe wemasapurazi echirungu asina kubvutirwa purazi rake mugore
ra2000 apo hurumende yakabvuta mapurazi nemidziyo yokushandira pakurima. Mapurazi mazhinji akabvutwa nemakurukota ehurumende nezvikwata zvenyanya dzawo.


Zanu(PF) Inobvuma Mvongamvonga Muguta
Harare – Umwe mushandi mukuru webato rezvemadhorobha akabvuma pachena kuti guta reHarare rinongove mvongamvonga chaiyo. Izvi zvakatsigirwa nevaimbove meya veguta. Munyori webato rezvemaguta, Patson Mbiriri, akataurira chikwata chehurumende kuti vashandi veguta dzaive nyope zvakare vatungamiri veguta havana zvinangwa zvakati twasa.
Vakati mari inongoshandiswa zvisina tsarukano.
‘Vashandi havana hanya nebasa ravo. Hapana anombofunga kushanda nesimba
nguva yebasa,’ akadaro Mbiriri. ‘….Tave nemakore akawanda tisina vatungamiri vakazvipira pabasa zvine mwero kana chimiro.’
VaCharles Tawenga, avo vave nhengo yedare reSenate yeZanu(PF) vakati: ‘Tine vanhu vasingagoni basa vari kutonga guta reHarare.’
Vesangano revagari veHarare vari kuedza kuti bato riri kutungamirira Harare
ridzingwe pagopinda vanhu vanenge vasarudzwa nevagari. Zvakare vari kukurudzira vanhu kuti varambe kubhadhara mari kuguta.



Mugabe Wokwidziridza Varwi veChimurenga Muchipurisa


Harare – Hurumende yaPresident Robert Mugabe yakadzika mutemo wokuti varwi vehondo yeChimurenga vakwidziridzwe pamabasa ehutungamiri muchipurisa. Hurumende inoti zvakare awo mapurisa echidiki asina
kurwa hondo anofanirwa kupiwa zvidzidzo zvokuti vagodada nenyika yavo.
Vanoziva nezvenyaya iyi vanoti izvi zviri kuitirwa kuti mapurisa
atungamirirwe nevakuru vanofarira hurumende kana bato reMDC rikaronga kupandukira hurumende yaVaMugabe neZanu(PF).
Mapurisa ezera diki vari kuunganidzwa kubva kumativi ose enyika kuti
vadzidziswe kudada nenyika yavo pamwe chete nenhoroondo yenyika yeZimbabwe. Vanouya paMoris Depot muHarare muzvikwata zve200 kuzodzidziswawo kurwisa veruzvinji kana vachinge vaita bondozozo vachiratidza kusafara kwavo nehurumende.
Mutauriri wemapurisa, Wayne Bvudzijena, akati iye zvine kodzedzero kuti mapurisa adzidziswe kudada nenyika yawo pamwe chete nenzira dzokudzimura bongozozo. Vakati izvi zvagara zvichiitwa nguva dzose mukushanda nekudzidziswa kwemapurisa.
Asi umwe mupurisa ari kudzidziswa zvokudada nenyika yake paMoris Depot akati iye zvidzidzo zvacho zvinoitirwa kutenderedza misoro yemapurisa. Vakati vakuru vemapurisa vanotsisidzira mapurisa vachiti vanodzingwa basa kana zvikaonekwa kuti vanotsigira bato reMDC. – Zimonline


Tsvangirai Ari Panjodzi
NaStanford Mukasa
Washington – Semaitiro ake nguva dzose, Mugabe wakatyisidzira Morgan
Tsvangirai kuti uchashandisa jambanja kana bato rake rikada zvokuratidzira richitsutsumwa. Izvi zvinoratidza mutungamiriri akanganwa kuparara kuri kuita nyika.
Mugabe unonyanya kuvimba nemasoja, mapurisa. CIO uye nezvikwata zvenhubu
dzevechidiki avo vaanotuma kuita zvisina tsarukano nehunhu. Hazvishamisi, asi zvichivhundutsa, kuti Mugabe unotyisidzira kuuraya Tsvangirai.
Kunyange zvazvo mashoko aMugabe achiratidza kuti pfungwa dzake
ndedzeharahwa yakadzungaira musoro, izvi zvinofanirwa kuonekwa senyaya hombe. Zvinoratidza kuti nguva dzose panotaura Mugabe mashoko akadai, nhubu dzake dzechidiki dzinoita bararamanya kuparadza vanotsigira vanomupikisa.
Kuvhundutsira kwaMugabe kunoratidza chido chake chokuparadza Tsvangirai
zvachose nokuti mutungamiri weMDC unokanganisa zvirongwa zvaMugabe zvokuinda pamudyandigere. Mugabe unoda kusiya basa, asi une chishuwo chokusiya agadza munhu waanoziva kuti une mukana wokukunda pasarudzo inotevera.
Joyce Mujuru, uyo wakasarudzwa naMugabe, haangabudiriri pasarudzo. Iye naEmmerson Mnangagwa havapi vanhu chivimbo chokuvasarudza. Kana veZanu(PF) chaivo havana tarisiro naye. Tingati ndiye Uhuru Kenyatta weZimbabwe.
Mugabe unoziva kuti akabvisa Tsvangirai zvinobva zvaita nyore kuti Mujuru asarudzwe.



Zviuru Nezviuru Zvevanhu Zvinoteerera MDC Pamisangano
Zviuru zvevanhu zviri kungoramba zvichiratidza kushinga kwazvo nokuinda
kumisangano yeMDC. Iyi iyambiro yakasimba kuhurumende yeumbimbindoga yaMugabe. Vanhu vakauya vakawanda kumisangano yeMDC yakaitwa kuGweru nekuMasvingo pasvondo rapera. Vakauya kuzosangana nevatungamiriri vatsva vemusangano wavo, pamwe chete nekuronga matanho matsva kuti musangano
uende mberi.
Musi weMugovera vanhu vanosvika 17 000 vakakokorodzana muMkoba stadium
kuGweru. Vamwe vanosvikawo 12 000 vakaungana mangwanani emusi weSvondo yaitevera muMamutse stadium kuMasvingo.
Misangano iyi yakanga iri iyo yokutanga yokuti vatungamiriri vatsva vasangane nevanhu kuti vagoparura nzira ichofambiwa nemusangano wavo pakutsvaga kusunungura nyika.
Mutungamiriri weMDC, Morgan Tsvangirai, akati iye haana hany’a nemashoko
ehurumende yehumbimbindoga okuti inoda kumuponda kana akatungamirira vanhu kuti vabvise hutongi husina tsarukano. Chinangwa chikuru ndechokuwana hutongi hwevanhu.
Vanhu vakapururudza zvikuru apo Tsvangirai akati iye akazvipira kufa achirwira nyika yake. Akaenderera mberi achiti haazombodzokera shure pamashoko aakataura pamusangano mukuru uchangobva mukuitwa. Akati iye anenge achitungamirira vanhu ari pamwe chete navo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *