Woza Moya

Dhemokirasi hakusi kusununguka mune zvematongerwo enyika chete asi kusunguka kunosanganisa upfumi hwenyika. Dhemokirasi hairevi kusunungurwa chete asi kungoverana zviwanikwa pakati pevanhu vose. Dhemokirasi hasingori izvo vakabudirira vanobvimidzwa kutaura, ino


sanganisira kuti veruzhinji vanekodzero dzipi kuti vararame nokufa. Professor Ali Mazvai.


Woza ichibvunza nezvemagariro akarurama uye anemutsigo ndzimbo zvese


Musiwa 13 na 14 kukadzi gore ra 2006, vakadzi vakuru nevaduku nevarume vakashinga vakasiya dzimba dzavo vakananga kumigwagwa vachiratidzira pamusoro pechingwa ne maruva. Vakanga vakagadzirira kusungwa uyezve nokurara muvusungwa vamapurisa nechinangwa chokusvitsa zvichemo zvavo kuvakuru venyika. MuBulawayo, vakadzi zana nemakumi masere ane vana (174), nevarume vasere (7) nevana kumi nevana (14) vakasungwa. Uyezve kuHarare kunofungidzirwa kuti vakadzi mazana maviri ane makumi mana nevaviri nevana (242) vashanu (5) vakasungwavo, zvakare vakapedza mazuva matatu vari muvusungwa.


Chinangwa chavo changa chiri cheyi choku siya mhuri dzavo? Kupa vanhu maruva nokubvunza chikafu yava mhosva ingasungirwa vanhu here? Kuimba murunyararo vanhu vangatyiwa navatongi venyika here? Mhinduro inoti HONGU! Vutongi bwuripo bwakaipa hayikwanisi kupa vanhu vayo chikafu noruremekedzo rwakakodzera, zvichiratidzirwa nokudaidzira nemaruva kana payine makununuhu edzimba dzisina chikafu saka vanamai vopeyi mhuri dzavo? Vupenyu bwevanhu veZimbabwe bwangofanana nekambo kakaimbwa nevanhu muna 1912 baratizire vekuAmerica: “Hatinga tamburi hupenyu hwedu hwese kusvika pamazuva ekupedzisisa; moyo yedu inonzwa kushungurudzika zvakare nemuviri yedu tipeyiwo chingwa asi zvakare mutipe nemaruva”


Chingwa nemaruva wanga uriwo musoro wenyaya wakasarudzwa pakutangwa kwechirongwa cheWOZA chemagariro akarurama uye anemutsigo. Kana tava kutanga kubuda mudzimba takananga kumigwagwa mimwedzi inotevera, zvido dzedu dzichabuda pachena. Sezvaticharamba tichiratidzira tichange tichibvunza venyika yese yeZimbabwe kuti vatipewo pfungwa dzavo nezvingaitwa kuti tigare murunyararo. Tinenge tichivuya mudzvimbo dzamuri mese kuti TIROTE nemi. Tinenge tichikukokai pese patinenge tichiratidzira kuti kurota kwedu KUDZADZISIKE. Tinofungidzira kuti zvinangwa zvedu zvichava mumawoko edu pamwechete nevana.


Sezvo zuva revanhukadzi pasi rose zuva ravo richivuya richipfura, muno muZimbabwe madzimai vachiri kurwara nokusungwa, havana chavangafara nacho nokupemberera. Chavo chinovapa manyukunyuku kuziva kuti vari kuita zvinhu zvinozovapa ramangwana rakajeka, rinokuguta mukati. Kushungurudziwa kwavanoitwa muhusungwa, vanokutora sebasa ravanoita mudzimba, mudziminda dzavo waine tarisiro yegoho ravo rakanaka mangwana.


Tirongo havacharitori setirongo, vava kuritora senzvimbo yavo yokutandarira, uchirangarira ramangwana ravo rakajeka.


Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika patakanga tiri mutirongo. Muno muBulawayo matirongo akaita madiki kutakura vanhu vese vanga vabatwa nemapurisa, zvekuti vanu vanga vakaiswa muwaya chaiyo semhuka. Sezvo mvura yainaya takangosara tanyorova kusvika munyama chaipo. Kuti tiwome nokukurumidza takarara tichiimba kwemaawa anoita masere tichimbira pamusoro chaipo (more than 8 Hours). Tayiimba dzimbo dzechimurenga pamwe nokutamba. Mamwe mapurisa angaava kutotitaurira dzimbo dzokuti tiimbe imomo mutirongo. Nokuda kwekuwanda kwevanhu mapurisa vakativisa muwaya muya nokubva vatiisa mubhawa ravo rokutandarira, nokubva vaisa mapurisa matatu wanga wakatirinda imomo. Tiri mukati imomo vamwe vedu wakarara pamusoro pematafura, vamwe vakarara pasi, vamwe ndivo vakarara vakagara. Nezuva rakatevera kwakatorwa vakuru vesangano kuti vaende kumatare edzimhosva. Muchuchusi akataurira hurumende kuti ngaienderere mberi nokutonga isu tiri kunze kweusungwa tose. Nenyaya yokuda kutishungurudza, vakabva masikati kusvika manheru kuti watibudise tose mutirongo. Avo vasina kuenda kudare remhosva vakanzi vaswere, nokuramba vari pazuva vasingabvumirwi kuti vagare pasi.
Ukuwo kuHarare vamwe vakadzi vakasungwa vari munzira dzavo dzokunoratidzira, asi vamwe vanga vatopedza kuratidzira, pazvivakwa zveve hurumende. Kwemazuva matatu hupenyu hwavo hwanga husina kumira zvakanaka. Vanhukadzi vanosvika zana vakataurirwa kuti vabvise zvipfeko zvavo zvepasi vachivaudza nezvokuvabata chibharo. Vairambidzwa kuwana chikafu nemvura, vachirohwa nemapurisa. Vakarariswa patswina dzevanhu, vane chinangwa chokuvakanganisa pfungwa dzavo nokuvaudza kuti kana vasina kubhadhara mari yemutongo vaizogara muhusungwa kwenguva refu vasingabvumidzwe kuenda kudare redzvimhosva. Vakadzi vanga vane chirwere cheshuramatongo vanga vasi ngabvumirwi chikafu nemvura nokuti vamwe mishonga yavo yeARV. Avo makumi matanhatu navatatu vakaomesa misoro ndivo vakazoendeswa kudare remhosva nechishanu. Pokupedzisira vakazobuda vaona kuti havana mhosva pasina muripo. Asi izvi zviitiko zvese zvingatitadzisa kuenderera mberi here? Mhinduro inoti kwete!! Tinoenderera mberi tichienda kuzvimbo yedu yekutandarira, tichingorota, kusvika zvinhu zvanaka muno munyika yeZimbabwe, kushungurudzwa kwose kwagadziswa, munhu wese achifara kana akapfunga hupenyu hunenge hwadaraka.


Sei Woza ichibvunza nezvemagariro akarurama uye anemutsigo. Chinangwa chedu ndechei?
– Kuyitira kuti vatungamiri vedu vavenenzwisiso mayirana nenhorowondo dzinowanikwa kuvanhu
– Kuitira kuti mazwi eruzhinji anzwike uyezwe vakwanise kuzvigadzirira hupenyu hwavo
– Kutaura nezwekodzero dziripekutanga dzevanhu uye kuvaka hugaro hwakaringana
– Kuiitira kuti tive nenzvimbo ndino tawurawo nezvegutsaruzhinji uyezve ndinokwanisa kuwunganidza vanhu kuti vanoratidzira. Nokuti tinofanira kubatsirana mukuti tirote zviroto uyezve tichizvichinja kuzviyisa mune zvakanaka
– Kuve tichi simudzira zvatakatarisira sevanhu nekuvakuru vezvematongerwo enyika kuvamanikidza kuti vaite zvavanege vavimbisa murunyararo


Zvakabuda pabvunzo dzekutanga
Gutsaruzhinji ringatsanangurwa ruchinzi inzira yevanhu vanowana mkana wakayenzana panyaya dzekugara pakanaka, dzeupfumi, zvechinamato, zvehunhu nevamatongerwo enyika tisingatarisi rudzi rako, urimukadzi here kuti murume. Kachimwe chingakonzere kuti usarudzwe panevamwe uyezwe kushungurudzwa kwese kobva kwagadziriswa. Zvinosanganisira izvi zvinoterera:
• Kugutsikana nemakodzero mutsika, nemagariro, zvematongerwo enyika, zvehupfumi
• Mikana yakayenzana munzvimbo dzatinogara nemikana yakayenzana muvanhurume nevanhukadzi kuyenzana kwemarudzi akasiyana
• Kuremekedza kodzero dzevanhu zvikuru kodzero dzevanhukadzi nevana
• Rusununguko mukutaura zwaunoda, kusangana nekuwirirana newawunoda
• Remekedzo rwedzimwe ndudzi nezvitendero zvevanhu
• Kubuda pachena pane zvese zvavarikuita nekukwanisa kupindura mivunzo zvinogutsa.
• Mikana yakayenzana munezvematongerwo enyika nezvehupfumi
• Wese aparamhosva anofanirwa kutongwa pangasingatariswe kuti ndiani – uye mikana mukutongwa kunoenzana nekunzwisisa mutemo
• Gachiriro yezviyitiko zvakayitika kare zvashunguradza vanhu zvakayita seGukurahundi neMurambatsvina
• Gutsaruzhinji
• Kuve nemukana wekuwana dzidzo
• Kuve nemukana wekuwana kudya kwakakwana
• Kuve nemukana wekuwana dzimba, magetsi, chimbudzi nemvura yakachena
• Kunge tichirapwawo muzvipatara nemari dziripasi uyezve kuwana mishonga nemaARV’s
• Mikana yakayenzana mukugoviwa kwevhu nezvokurimisa
• Mikana yakayenzana munezvemabasa zvekuzvibatsira nehupfumi nekodzero yako yekunge uchiwana mari inokuraramisa
• Kuva ne zvivakwa nezifambiso zvisingadhure
• Kushandiswa kwezviwanikwa zvedu ngakuite kuti zviwanikwa zvedu zvekurarama nekusingaperi


Tichaenderera mberi tichibvunza vanhu zvavanoda. Tinokumbira kuti mutiudze mufungo wenyu kuti tingaite kuti Zimbabwe ive nehugaro hwakanaka. Nyorai patsamba mbozha (email) wozazimbabwe@yahoo.com kana kuti muti nyorere. Ngatibatanei kumigwagwa kuti tione kuti maroto edu tingaararame sei….


———————————————————————————————————————
Join WOZA by sending your application letter to P.O. Box FM 701 Famona Bulawayo. Tell us who you are and why you want to join WOZA. Write in any local language. Send us a self addressed with postage stamp for us to send your Sisterhood Promise. Once you have signed this and posted it to us we will send you your membership card in the second self addressed and postage paid envelope. We will then bring you into our WOZA family.
———————————————————————————————————————
Get used to a free Zimbabwe where we can speak out without fear, tune in to… SW Radio Africa: In the mornings you will find us on medium wave from 5am to 7am on 1197 kHz. Studio 7: Evenings from 7 pm to 8 pm on 909 AM, and at 4930, 11975 and 17895 kHz shortwave. Studio Seven in the Morning broadcasts for a half hour Monday to Friday beginning at 5:30 am on 909 AM and at 4930 and 6080 kHz shortwave.

Post published in: Uncategorized

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *