News in Shona 11/05/06

VaTonga Voramba Wongororo YeChild Protection Society
BINGA - Isu VaTonga tinoda kupindura zvakaburitswa neveChild Protection Society (CPS), zvakanyorwa nemuwongorori wavo anonzi Spiwe Chikosi, uye zviine musoro wokuti Tsika Dzakonzera Kumwararira Kwechirwere cheAIDS - Takatarisa Tsika DzavaTo


nga.
Chinyorwa ichi chakaburitswa paInternet inonzi Kubatana nepaMulonga Forum, pari paInternet zvekare, zvichireva kuti zvakaverengwa nevanhu vakawanda pasi rose. Isu vaTonga tapindura zvinyorwa izvi nokuti zvinosvibisa zita redu, zvichinyadzisa, nekutibvisa chimiro neruremekedzo.
Tinozviramba zvakataurwa neCPS zvekuti varume vechiTonga vanorara nevanasikana vavo apo vanotanga kuenda kumwedzi, vachiitira kupinga uroyi nekuwedzera masimba emishonga yavo – izvi zvichizokonzera kumwararira kwechirwere. Kunyora kwakadai uku kunotiratidza kusava nehanya uye kutarisira pasi kunoitwa vaTonga neCPS.
Tinovimba kuti kana veCPS vainyora nezvevanhu vavanoremekedza vaidai vakatanga vavabvunza nezvechokwadi chezvavakange vaudzwa. Kuwongorora kwakafunda kunoti munyori anotanga abvunza vanhu vakawanda uye vakasiyana-siyana, kuti agonyatsobata chokwadi.
Chokwadi kungonzwa kuti kune tsika yokuti vanababa vanorara navana vavo, zvaifanirwa kubva zvangoita kuti munhu ane njere uye anoda zvokuvaka, aende anonyatsobvunza asati aburitsa kuruzhinji mashoko akaipa kudaro nezverumwe rudzi.
Tsika yavanababa vanorara nevana vavo haisi yechiTonga, uye kana zvichiitika zvinotova zvishamiso. Isu tiri kutotanga kuzvinzwa izvi kubva kuCPS,. Kana zvichiitika hazvisi tsika dzavaTonga. .


Zvinodiwa kuti munhu abude muurombo zvakwirisa
HARARE – Kuti mhuri ibude muurombo muZimbabwe yave kutoda mari inokwana $41 million pamwedzi. Yakakwira kubva pa$35) mwedzi wapera. Izvi zvakaburitswa neveConsumer Council yeZimbabwe(CCZ).
CCZ inoti kudhura kwemararamiro uku kwakawedzerwa nekukwira kwemari dzevana vechikoro nedzechipatara. Hurumende yakakwidza mari dzevana vechikoro uyewo mbatyai dzavo dzechikoro chete dzave kusheedzera mari inopfuura $12million.
“Izvi zvinotoda kunyatsoongororwa nekuti vanotambira mari shoma havakwanisi kutenga mbatya dzechikoro dzevana vavo,”yakadaro CCZ.
Svondo rapera, hurumende yakawedzera varairidzi nemasoja mari. Kunyange musoja anotambira mari shoma ohwora ma $27, varairidzi vasina madhigirii vachitambirawo $36million, mari yavo haienderani nekukwira kwaita mitengo yezvinhu. – ZimOnline


Mhirizhonga muzvikoro yotadzisa vanasikana kudzidza
HARARE – Vanasikana vekuEthiopia, Ghana, India, Kenya, Malawi, Mozambique, Nigeria, Zimbabwe, Afghanistan, Pakistan, neVietnam ndivo vari kunyanya kutyorerwa kodzero yavo yedzidzo pamusana pemhirizhonga dziri muzvikoro nemavanogara. Izvi zvakaburitswa nevaiongorora nyika dzepasi rose.
Kana vakadzvanyirirwa, vasikana ava ndivo vanopiwa mhosva kwete vari kuvanetsa. Kubatwa chibharo kana kutyisidzirwa kuti vachabatwa chikonzero chikuru chinotadzisa vasikana kudzidza, kunyanya kana zvikoro zvacho zviri kure nekwavanogara,”akadaro mukunda Everjoice Win anoona nezveupenyu hwamadzimai ari muboka reAction Aid International, iro rakaita ongororo iyi.
Win mumwe wechikwata chekodzero dzamadzimai arikusangana kuJohannesburg avo vari kuongorora kushushwa kwevanasikana muzvikoro. Musangano uyu wakatanga sondo rino musi wa8 uchipera musi wa10 Chivabvu gore rino.(May,2006)
“Mazuva ano zvanyanyisa. Nyaya dzekurohwa nekusabatwa zvakanaka kwemadzimai zvinoita kuti vakadzi vazhinji vazadzwe utachiwana hweHIV/AIDS. Munyika dzakawanda vanasikana ndivo vazhinji vari kubata utachiwana hweHIV/AIDS. Kukunda mhirizhonga panyaya iyi ndiko kungatoponesa vanasikana,” akataura Grace Kaimila Kanjo mukuru wezvedzidzo kusangano reOpen Society Initiative for Southern Africa (OSISA).
Asika zvikoro zvinofanira kuve nzvimbo dzinochengetedzwa vana. Ichi ndicho chinangwa chegungano iri richava nevanhu makumi manomwe nemashanu kubva munzvimbo dzeSADC vachitsvaga nzira dzekuti zvikoro zvive nzvimbo dzerunyararo. Vamiriri vanobva kune zvedzidzo,zvikwata zvinomirira maticha,nhengo dzemasangano asiri ehurumende anoona nezvedzidzo uye kodzero dzemadzimai; vose ava vachatsvaga mazano ekuti vanasikana vasafurufushwe kana kurohwa.
“Hurumende ngaitore matanho ekuti nyaya dzese idzi dziburitswe pachena,vanopara mhosva idzi vasungwe nekubatsira vanenge vawira mumatambudziko akadai. Ikatadza kudaro hurumende zvoreva kuti iri kukurudzira zvakaipa izvi “, akaenderera mberi Win. –Kana muchida kuziva zvakawanda nenyaya iyi batai Isabella Matambanadzo,mutungamiri weZimbabwe Programme , OSISA, pa bella@earth.co.zw kana panhamba dzinoti
(Mobile) + 263 91 345 526 kana + 27 82 610 6704


Mudzimai akarohwa nemusoja pakashaya akapindira
HARARE – Mumwe musoja anochengetedza mutungamiri wenyika akadhonza mudzimai wechidiki kubva mumotokari yake ndokumurakasha akamusiya rave gwenya-kwenya panzira yekuBorrowdale pamberi pevana vake nemusikana webasa; asi hapana akapindira..
Kurohwa uku, kuri padzimwe nyaya dzakaburitswa muchinyorwa cheZimbabwe Human Rights NGO vachitaura nezvemhirizhonga nebvongamupopoto munyika yedu pamwedzi waKurume (March). Chinyorwa ichi chakaburitsazve kurohwa kwevanhu nemaCIO.
Vakataurazve nezveutsinye hwuri kuitwa nemasoja anochengetedza mukuru wenyika pakufamba uye kutya kwakaita vanhu vakaona mudzimai atambotaura nezvake achirohwa.
Musi wa28 Kurume mudzimai uyu aibva nechekuGunhill, saka anga achida kuwana mukana wekuti apinde munzira iyi apo motokari dzaVaMugabe dzakasvika. Mudzimai uyu akaramba amire kusvika matokari dzekonvoyi dzapfuura asi yekupedzisira yakamira padivi pake. Musoja akaburuka,ndokuzvuva mudzimai uyu kubva mumotokari achimukirira.
Akakandwa chibhakera kumeso ndokuzorohwa muviri wose nechamboko. Mudzimai uyu akawira pasi ndokuchisiyiwa riri gwenya-kwenya. Mamwe masoja aaive navo nevanhuwo vakangotarisa. Chinyorwa ichi chakaburitsa nyaya dzakadai gumi nepfumbamwe muna Kurume bedzi,kubva pane nhatu dzemwedzi miviri yaive yapfuura. Kwakarohwazve vanhu uye kukasungwa vanhu makumi mana nematanhatu (46) vasina mhosva dzakati twasa nemaCIO.- Munyori wedu


MASOJA ONYOMBA MUGABE MUZVIMBUZI
HARARE – Zvinonzi mamwe masoja afinhwa naVaMugabe ari kunyora achitsoropodza nekutuka mutungamiri wenyika muzvimbuzi.
Mwedzi wapera, masoja e2 Brigade muCranborne vakauraya motokari dzavo neune, kuri kuratidza kutsutsumwa uye kusvotwa nehurumende. Vakuru vemasoja vane chitsama vanonzi vakatambira tsamba dzisina anoziva kuti ndiani akanyora vachibvunzurudzwa kuti vachirikuvimbika nehurumende iri kutandadza iyi. Zvakare zvinonzi masoja asina nyembe anonzi haachafari nevatungamiri vavo nehurumende.
VaGiles Mutsekwa, mumwe wevanomirira MDC maMutare, vakatsinhirawo kuti masoja ari kunyora zvitsoropodzo izvi mumazvimbuzi epamakamba emasoja ari muHarare.
‘Hatina chikonzero chekuzviramba.Tinoziva kuti izvi zvanga zvichazongoitika chete Masoja ane nyembe neasina, ose ari kutsutsumwa kunyange hurumende yakavawedzera mari,’ vaMutsekwa vakadaro. – SW Radio Africa


‘Sarudzo Yakapingwa Kare’ Chisvuure
BUDIRIRO – Akamirira MDC inotungamirirwa navaTsvangirai musarudzo yekuBudiriro kupera kwemwedzi uno, VaEmmanuel Chisvuure, vapomera mapurisa, masoja neCIO mhosva yekuvhundutsira vanhu vavo vanenge vachishambadzira.
Vakati ivo vashandi vehurumende ava vaida kuvhiringa vanhu misoro yavo kuti uyo akamirira bato riri kutonga agobudirira musarudzo.
Asi vanhu vemuBudiriro havasi kuzosarudza munhu anoshanduka-shanduka saiye Gabriel Chaibva akambenge ari ku NAGG akazomboenda ku ZUM, uye akanomira kuSunningdale uko akadyiwa pasarudzo yeParamende.
Chisvuure akatizve Zanu (PF) yakange yatopinga sarudzo nokuramba ichinyoresa vasarudzi iro zuva racho rekupedzisira kunyoresa rakange riri Kubvumbi (April) 13.
Vakati vanhu vazhinji vane mazita ari konyorwa vakange vasingagari munzvimbo iyi, uye vakange vatopihwa zvitupa zvitsva kuti vakwanise kusarudza muBudiriro.
Mupurisa akange achitadzisa vashambadziri vavo kuita basa achiti vanoda mvumo kubva kumapurisa asi iwo mutemo usina zvakadaro.
Uye kune imwe nyaya yakabuda yekuti Gurukota risina bato, VaElliot Manyika, vakatyisidzira vanotevera MDC vachivimbisa kuzovauraya.- SW Radio Africa


Madzimai eWOZA akapfigirwa mujere
NaLance Guma
HARARE – Zvave kuratidzika sekuti hapana achagona kumisa madzimai eWOZA , nokuti pasina chinguva chidiki vamwe vavo vabva kuburitswa mujere kuBulawayo vamwe vakange vachitotanga kuratidzira pamwe chete nevana vechikoro muHarare.
Varatidziri vanopfuura zana vakapedza Chishanu, Mugovera neSvondo vari mujere kuBulawayo mushure mekunge vasungwa vari zana nemakumi masere nevashanu musi weChina.
WOZA iri kupokana nehurumende panyaya yekukwidza mari yezvikoro zvakapetwa kagumi, izvo zvave kukonzera kuti zvuru nezvuru zvavana zvitadze kuenda kuchikoro – saka yakatanga hurongwa hwekuratidzira.
Madzimai akafamba kuenda kumahofisi egurukota rezvedzidzo VaAneas Chigwedere nguva dzemasikati musi weMuvhuro, vakasvitsa mashoko ekuti hurumende idzosere mari dzechikoro padzakange dziri.
Mutemo mutsva unonzi Education Amendment Act unoti mari dzezvikoro dzichatariwa zvichienderana nekukwira kwezvinhu. Zvino nekuramba mitengo ichikwira kuri kuitika, vabereki vazhinji vachatotadza kuendesa vana kuchikoro.
Jenni Williams, mutungamiri weWOZA, apo akaburitswa mujere, akataurira nhepfenyuro kuti nyaya yemari dzechikoro yaibata vanhu vakawanda muZimbabwe. Akati iye vana havachakwanisi kuenda kuchikoro, nokudaro vakabva vapindawo mukuratidzira.
“Hurumende yakangokwidza mari dzechikoro isina kumbobvunza kana ani zvake. Vangangopa here vana tsamba dzinoda ma$5 million ivo vanhu vambenge vachibhadhara ma$500 000. Mari yacho inobva kupi, ivo vanababa vacho vakapera kubudiswa mabasa?” akazvibvunza mutungamiri weWOZA. Williams akatiudza kuti akange atyisidzirwa nemumwe mukuru vemapurisa aiti aizourayiwa. Vaivepo vanoti izvi zvakataurwa nemumwe mukuru wemapurisa anozivikanwa nekusakwana kwake.
Chero zvazvo Jenni ari kuzvitora sechokwadi, akati izvi hazvaizomudzosera kumashure, nokuti WOZA icharamba ichirwira ruzhinji.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *