Shona 24-08-2006

Madzimai eWoza achisungwa kuBulawayo neMuvhuro
Madzimai 165 eWoza akasungwa achiratidzira
(165 arrested during WOZA protest)
BULAWAYO - Nhengo 165 dzeWomen of Zimbabwe Arise (WOZA) - madzimai, varume nevana -vakasungwa kuno neMuvhuro apo vairatidzira vachienda kumahofisi ebhanga


renyika, Reserve Bank of Zimbabwe. Vanhu vakange vakaungana pamahofisi eReserve Bank vachida kudzosera mapepa emari avakange vanawo kuti vapiwe mari itsva vakatonakidzwawo nekuona madzimai akange akatozvigarira zvawo pasi achisungwa.
Kuratidzira kwavo murunyararo kwakatanga nguva dza11 mangwanani paPosvo yemuna Main Street, mapurisa emhirizhonga (riot police) akazosvika pavakange vave kupinda muna Leopold Takawira ndokutanga kuvasunga. Vakazadza motokari gumi neimwe 11, motokari imwe ichitora vanhu 15, ndokuenda navo kukamba yeBulawayo Central. Magweta aivapo asi mapurisa akaramba kuti ataure navo kusvikira vePolice Internal Security Intelligence (PISI) vapedza navo kwava kuvapa kune veLaw and Order Department.
Varatidziri vaida kunopa tsamba inoenda kuna Gideon Gono, mukuru weReserve Bank, uye vaifamba vachipa vapfuuri dzimwe dzetsamba iyi. Vapfuuri vaitora tsamba uye vaikurudzira madzimai, nevarume vashoma vairatidzirawo kuti varambe vakashinga. Vaifamba vachiimba rwiyo rwaLovemore Majaivana rwunoburitsa kuti nyika haina mari – ‘lelilizwe alilamali’. – Nemunyori Wedu.


(State torturers named)
Vashungurudzi vehurumende vobuditswa pachena
HARARE – Vemubatanidzwa weZimbabwe Human Rights NGO Forum, uyo unobatanidza zvikwata 14 zvinoita mabasa ekuchengetedza kodzero dzevanhu vakaburitsa mazita emapurisa, masoja nemaCIO vanoita basa rekushungurudza vanhu nekuvarova Vebato rinopikisa reMDC vakakomekedza mhuri dzavo kuti vaudze vanababa ava kuti vachinje maitiro, vafunge nezveZimbabwe yamangwana yakasununguka. Gurukota rekuchengetedzwa kwerunyararo VaDidymus Mutasa rakapindira nyaya iyi richiti bepanhanu reStandard rakange risingafanirwi kuburitsa nyaya iyi yarakange rapiwa nevesangano rekodzero.
VeHuman Rights NGO Forum vakati vanhu ava vanotomukira kubasa rekunorova vanhu vachida kuti vasiyane nemabasa avo ekushandura zvinhu kana kuvarova kuti vaburitse zvavanoziva nedzimwe nyaya.
Mumwe wavo ndiJoseph Chinotimba uyo anonzi aimbova murwiri werusununguko, naVaElliot Manyika, political commissar weZanu (PF).
Vamwewo vari pagwaro racho masoja anoti, William Gapera, Captain Kembo, Mathias Mhiripiri naShadreck Ncube. Mapurisa ane nyembe anozivikanirwawo nyaya dzekunge vari mukati mezvekurova nekushungurudza vanhu ndiAssistant Inspector Mhondoro, Insp. Nduna, Officer Mahara naNhokwara, nevamwewo.
“Hurumende yaMugabe nevashungurudzi vayo vanofanirwa kuziviswa kuti vachazotongwa nenyaya idzi,” akadaro muburitsi wemashoko weMDC VaNelson Chamisa, vakawedzera vachiti, “Tiri kunyora pasi humbowo hwekushungurudza nekuuraya izvo zvisiri pamutemo. Zuva ravo rekutongwa richasvika” – Nemunyori Wedu.


(ZCTU calls for national strike)
ZCTU yosheedzera kuramwa mabasa
NaGift Phiri
HARARE – Bato guru revashandi muZimbabwe rasheedzera kuramwa kwemabasa, nenyaya yekukwira kwezvinhu, kunyanya mafuta emotokari ayo ava kutadzisa vanhu kuenda kumabasa. Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, inosanganissa mabato evashandi, uye ichidyidzana nebato rinopikisa reMDC, yakati haisi kuda kutaura kuti zvichaitika riini, asi zvave pedyo. Mutungamiri wayo vaLovemore Matombo vakati ZCTU yakatopedza kubvunza nhengo dzayo, idzo dzakabvuma kuti ngazvienderere mberi nokuti hurumende yakange yanyanya kudziirwa, uye inongoramba ichiisa zvimwe zvinhu pamberi kuti imbotangai madai mozodai kuti zvichemo zvigadziriswe, izvo zvichingowanda. Pakamboitika kuramwa kwemabasa hurumende yakarova vanhu zvakashamisa.
VaMatombo vakati kukwidzwa kwakapetwa rugumi kwemafuta emotokari kwakaita kuti vemabhazi nemakombi vakwidzewo mitengo yavo vakapetwa kaviri, izvi zvave kuzotora zvikamu zvitatu pazvina zvehomwe yevashandi. “Vashandi vakati vave kutoda kuti chimwe chinhu chiitike, nokuti zvatove pachena kuti vashandi havachakwanisi kuenda kubasa. Kuramwa kwemabasa kuri kutoenda mberi,” vakadaro. Hapana zvati zvataurwa nehurumende, asi mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakabva kuudza vemauto kuti havaizoregera vanhu vachivapikisa uye masoja aizovapfura nepfuti.
Mumwe mukuru wezvehupfumi,VaJohn Robertson vakati kukwidziwa kwemafuta kwaizokanganisa zvikuru magariro evanhuwo zvavo muZimbabwe.
“Vanhu vose vachatombobatwa-batwa nazvo, uye tichapinda munhamo huru yokufambisa zvinhu zvinodiwa kugadzira zvimwe kana chikafu, marasha, mapuranga nezvimwe zvinodiwa nemafekitori. Saka hupfumi hwenyika huchatombodzikira.”
Midungwe yevanhu vakamirira kutenga kana kunwisa motokari yawanda chero zvazvo mafuta acho akabva kukwidzwa.
Nyangwe zvazvo akakwidzwa mutengo uchiri pasi pemutengo wepamisika yevanhu uye kushayikwa kwezvinhu zvakaita sehupfu, shuga, nemukaka chaiwo kwavepo zvekare.
Zimbabwe haisati yamboomerwa nezvinhu kudai, zvekuti kushaikwa kwemafuta, mishonga nezvimwe zvose kwanyanya. NeMunyori Wedu


(US$257 million aid requested)
UN yopemha kubatsira Zimbabwe
HARARE – Sangano renyika dzepasi rose reUnited Nations rakumbira dzimwe nyika kuti dzipe Zimbabwe US$257 million yerubatsiro nokuti kungatova nekuparara kwevanhu vakawanda munyika.
Mukumbiro yavo yakavandudzwa yegore rino nerinotevera UN yakati mari iyi inodiwa neZimbabwe kuti utano hwevanhu husanyanya kuparara uye kuriritira nherera dziri kuwanda. “Kushaikwa kwezvinhu zvinodiwa kuti hupenyu hurambe huchienderera mberi, hurombo hwakanyanya, kutadza kwevanhu vaimbova nemabasa kuzviriritira, kubuda kwevanhu munyika, nekusangogara zavakanaka kwevanhu kuchanyanyisa kana dzimwe nyika dzikasabatsira,” yakadaro UN.
Bato reUN rinoona nezvevana, UN Children’s Education Fund (UNICEF) ndiro riri kuda kunyanya kushandisa mari iyi. Pari zvino kwawanikwa inokwana US$145 million, ipo pachidiwa US$ 257 million. Bato iri rinoti kana pakasawanikwa mari iyi, vanhu vagara vachishupika vachatopinda mune imwe tsekwende isati yamboonekwa. “Chedu chikuru ndechekuda kuchengetedza hupenyu nekutsvaga nzira dzekuti vanhu vawone kuzvibatsira, uye kubatsira vane mukondombera uyo wazara kuvanhu vasingakwanisi kubhadhara mari dzinodiwa dzemishonga, nenherera idzo dzine nzara, dzisingaende kuchikoro uye dzinogona kushandiswa zvakaipa nevamwe vanhu.” – NeMunyori Wedu.


(Mugabe walks out on SADC)
Mugabe akaramwa musangano we SADC
JOHANNESBURG – President Robert Mugabe vanonzi vakabuda mumusangano nevamwe vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica apo vakaudzwa kuti kutadza kwavo kugadzira nyika yavo kwakange kwave kukonzera kuti dzimwe nyika idzi dzitadze kuwana vanouya nemari yekugadzira zvinhu. VaMugabe – mumwe wevashoma wevatungamiri venyika vekare vasara uye vatonga kwemakore akawandisa – vakasiya musangano uri pakati kuLesotho. Mutungamiri weLesotho VaPakalitha Mosisili vakazviramba izvi vachiti kuenda kwaVaMugabe kwakanga kusinei nekutsamwira vamwe vavo vakange vasikufara nematongero avo. VaMosisili vakati vanhu ngavasafunga zvakawandisa. Nyaya yaivapo chete ndeyekuti VaMugabe vakura, saka vaida nguva yekunozorora. Vakatiwo pamusangano wavo wakabata-bata nyaya yeZimbabwe, vachirambawo nyaya yekuti SADC ndiyo iri kuregerera vanhu vemuZimbabwe zvinotaurwa nevanhu.”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *