Shona 23-11-2006

Hurumende yeMDC ichatevera mari dzakabiwa
NaGift Phiri
HARARE - Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change (MDC) rakapika kuti kana rave kutonga richatsvaga rubatsiro kubva kuSouth Africa nekunyika dzekumamavirira kuti rikwanise kudzora mari


dzakatorwa zvisiri pamutemo dzikabhengwa kunze kwenyika naPresident Robert Mugabe nemakurukota ake ane huori .
MDC ichaitawo kuti magweta abatsire kutsvaga mari nezvimwe zvinokosha zvakatengwa nemashefu kunze kwenyika. Izvi zviri mugwaro risati raburitswa neMDC asi rakaonekwa neveZimbabwean.
MDC inoti inoziva kune mazakwatira emari yakachengeteswa nemashefu eZanu kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzisingabhadharisi mutero dziri kuEurope nekuAmerica.
Gwaro iri, rakanyorwa nebazi rePolicy and Research reMDC, rinoti kune umbowo hwakakwana hunoratidza kuti vakuru vemuhurumende vakakoromora kubva mugwama renyika.
Bato rinopikisa richatsvaga kushanda pamwe chete nemabhanga makuru akaita seWorld Bank, neIMF, uye mamwe mapazi emuEuropean Union anoona nezvemari kuti zvibude pachena kuti mari dzerubatsiro dzakabva kunze dzakashandiswa zvisirizvo uye kutsvaga kuti mari yacho yakaenda kupi.
Gwaro iri harina kudoma kuti ani kana ani asi rakati umbowo huripo hwekuti mashefu akaedza kuhwandisa zvavaiita vachishandisa nzira dzakasiyana-siyana kuendesa mari dzavo kunze kana kubuitsa mari munyika zvisiri pamutemo.
Nzvimbo yekutanga yekuendesa mari yaiva South frica nokuti ine mabhanga akawanda.
Mutemo uripo nakare wokuti mari inenge yakaita zvekubiwa, kana kuwanikwa muhuori inofanirwa kudzoswa kunyika yayo.


Matura adzikira zvinotyisa
HARARE – Kudzikira kwematura kwave kutyisa chero zvayo hurumende ichinzi iri kutenga chibage kubva kunze.
Zvakaonekwa svondo rakapera kuti matani 2,000 ari chikamu chematani 150,000 akatengwa kunze ave pedyo kusvika kubva ku South Africa kuzogamha matura eGrain Marketing Board (GMB) ayo anga ava kutotsvairwa. Chimwe chikamu chacho chikuru (148 000) hachisati chazvivikanwa kuyti chiniosvika riini.
Vanamazvikokota vanoti South Africa ndiyo yoga ine chibage chekutengesa uye hachina kunyanya kuwanda.
“Hurumende yakatokanya matengero echibage, zvokuti chiri munzira chacho hapana sezvo panguva yavaifanirwa kunge vari kutenga vakange vachiramba kuti kune nzara,” akadaro mumwe mazvikokota.
Chero hurumende ikatanga kutsvaga chimwe, hapana mari yacho yekunze, hapana matiroko ekutakurisa kana mafuta acho kuti chibage chisvike kwose kwachinodiwa.
Hurumende iye zvino yave kuti kunodiwa matani 600,000 nokuti mwaka wakapfuura kwakakohwewa 450,000 chete, asi gore ra2001 kwakakohwewa matani 2.04 million.
Sangano repasi rose reWorld Food Programme riri kutsvagavo mari inokwana US$60m kuti ikwanise kubatsira vanhu 600,000 vanonzi vangangoziya.
Mapepanhau ehurumende nenhepfenyuro dzayo zvinoti hurumende yakakwanisa kutora matani 36 000 kubva kumasapurazi airamba kutengesera GMB iyo yave kunzi ndiyo yoga inogona kutenga chibage kubva kuvanhu.
Matani 6,000 akatorwa papurazi remuJerimani chero zvazvo nhumwa dzehurumende yeGermany dzakamboedza kuzvimisa – asi zvinonzi chibage ichi chakange chiri chekenya chakanangana nekupa mombe kwete vanhu. – Nemunyori Wedu.



Mhanzi yeChimurenga yoridzirwa mudende
NaGift Phiri
HARARE – Muimbi wemhanzi yeChimurenga anogara kuCanada, asi ari muHarare mazuva ano, Viomak, anopeputsa vanhu kunyaya yeChimurenga nemakwakukiro aanoita kubva mukuimba nezverudo kuenda mukujekesa pasvika Zimbabwe munzira yekuhudzvanyiriri husati hwamboonekwa.

Muimbi Viomak
Dama refu raViomak rinonzi Makorokoto Kusvitsa Makore Makumi Masere Nematatu VaMugabe Vemakodo Ejaya rakaburwa svondo rakapera.
Rinosanganisa nziyo dzinonakidza dzezvenyika yave mutsekwende nokuda kwemutungamiri wayo asingadi kunzwa nezvekusiya chigaro, asi harisi kuridzwa panhepfenyuro nokuti nhepfenyuro dzacho ndedzehurumende.
Viomak anoshungurudzwawo zvinongoitwa vatapi nenhengo dzemapato anopikisa vachisungwa nemitemo yakaiswa kuchengetedza vaMugabe.
Dzimwe nziyo dzirimo dzinoti (nechirungu) Teerera Mugabe, imwe yechivanhu inonzi Mugabe Usambozvinyengedza uye inoti Mangwanani Baba.
Dama refu iri rakanyatsonangana nenyaya yekuti VaMugabe ngavachienda nyika isati yaparara.
Iye Viomak akati, “Zimbabwe inyika yangu. Mugabe anofanirwa kuziva kuti Zimbabwe haina kugadzirirwa iye chete.”
Damarefu racho rinotongowanikwa kuhahofisi eMDC chete nokuti makambani emhanzi akaramba kuritengesa.
John Mokwetsi, mupepeti wezvemhanzi kubepanhau reStandard akati mhanzi yese zvayo yeChimurenga yakatobhanwa panhepfenyuro, asi zvinoshamisa kuti iri kungoridzwa nevanhu pamwe chete nemitambo yeChimurenga – kana kutoti ndizvo zviri kuibatsira kutengwa.
Hurumende yeZimbabwe yagara isingadi zveChimurenga, asi kubvira payakapotsa yarohwa musarudzo neMDC yakabva yawedzera kusatomboda kuona kana kunzwa nezvemhanzi dzeChimurenga, akadaro Mokwetsi.
Vagari vemuZimbabwe zvavo vanoda kuti vaimbi vavo vaite vachibatisa vanhu chokwadi chezviri kuitika mune zvematongerwo enyika.
“Pane kutya kuripo, asi vaimbi vedu vanowanzoshandisa chibhende zvokuti vanhu vanongoziva kuti zviri kuimbwa ndezvei. Isu vamwe tinoda kuti vanyatsotsetsenura nokuti kana vachizviti vanoimba zviri kuitika, zvematongerwo zvirimowo.”

Chipatara chinorwara chotadza kurapa varwere
naNetsai Mlilo
VICTORIA FALLS – Hama dzevarwere paVictoria Falls Hospital dzotyira varwere kuti vachatobuda muchipatara umu vava nezvimwe zvirwere zvavange vasina.
Lindiwe Moyo, uyo ane murunyana anorwara nemeningitis neTB muchipatara ichi akati paakasvika akatoita mhanza kuwana mubhedha nemachira ekufuga, chero zvazvo machira acho asati asiri kuchinjwa. chete.
Akati, “Nadakamboedza kubvunza kuti nditore hangu machira acho ndinoawacha kumba, kana kuti ndiunzire babanunini vangu machira kubva kumba asi zvose zvakaramba. Vanomboti hazvibvumirwi, vozoti hapana sipo, asi babamunini vanorutsa uye havagoni kuenda kuchimbuzi, saka fungai zvenyu kuti pakaita sei. Tiri kuona mashura chaiwo muchpatara umu.”
Divi revarume rine mibhedha 15 ranga rine vanhu 50, zvichireva kuti vazhinji vavo vanorara pasi, akadaro mumwewo murume akabudamo.
Varwere vanobhadhariswa $2 000 pazuva, asi vanongowana mishonga yeTB neyekurwadziwa chete.
Varwere vanotozvitengera mishonga, mabhandeji, majekiseni, nemagirovhu.
Mumwe mukoti aiva naamai vake muchipatara ichi akatokumbira kuti vaburitswe zvavo sezvo chavaiwana imomo waiva mubhedha chete. “Taitenga zvose, kubva kumadhiripi kusvika kumagiravhu, saka takaona kuti kutoenda zvedu navo kumba kwaiva nani.”
Chipatara ichi hachisi chega. Munyika mose mangodarowo.


Mafuta ekubikisa otobva kunze
HARARE – Olivine Industries yave kuzoregera kugadzira mafuta ekubikisa nokuti haichawani zvokugadzirisa mafuta zvinokwana kuti irambe yakavhura.
Zimbabwean yakanzwa svondo rino kuti kambani iyi yaigadzira mafuta nesipo dzekuwachisa yave kuzoregedza kugadzira mafuta.
Pakashaikwa mutauri wekambani asi veZimbabwean vakanzwa kuti kushaikwa kwesoya nemhodzi dzekotoni, izvo zvinodiwa mukugadzira mafuta ekubikisa, ndizvo zvakakonzera kuvharwa kwekugadzira mafuta.
Kutenga zvinodiwa izvi kunze hakuchaiti nokuti mari yacho inodiwa yawandisa sezvo mari yemuZimbabwe iri kuramba ichingodzikira.
“Hazvingaiti kuti titenge kubva kunze chikamu chinopfuura zvatinowana muno. Zvikasawanikwa muno, isu tisina mari yekunze yacho, totombomisa kugadzira kusvika zvave kuwanikwa,” akadaro mumwe mukuru wemukambani iyi.
Vanoziva vakati hurumende ndiyo yakamisa rubatsiro rwayaipa makambani kutenga kunze, saka izvi zvichakonzera kuti mutengo wemafuta ukwire zvisati zvamboonekwa.
Mafuta ave kutobva kuChaina nekuMozambique.
Mutapi wedu

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *