Tsamba ye Woza Moya (20-11-06)

ges/woza logo.gif” width=595 border=0>
WOMEN OF ZIMBABWE ARISE (WOZA) NEWSLETTER


Write: Box FM 701, Famona, Bulawayo Email: wozazimbabwe@yahoo.com


WOZA zvinoreva kuti ‘Huyai Mberi’. Inoitirwa madzimai nemamwe madzimai uye haina rusarura. Inodzidzisa madzimai ushingi,kudanana, kuzvipira kuita nhaurirano munharaunda dzavanogara.




Handina rukariro rwekunonga mafufu etsitsi andinokandirwa kubva patafura yakazara zvidyo neavovanozviona samambo wangu. Ndine rukariro rwekupuwa kodzero dzangu dzizere. ~Bishop Desmond Tutu


————————————————————————————————————————————


WOZA INORANGARIRA ZUVA REKURWISANA NEKUPEDZWA KWEKUTAMBURA MUSI WA 17 OCTOBER.



  • Panguva yatakatarisana nekuwanda kwekutambudzika.
  • Zvinyorwa zvemibatanidzwa yenyika zvinoratidza kuti vanhu vane zvuru makumi mashanu varikufa pazuva rega rega nekuda kwekushayiwa.
  • Mamiriyoni anemazana masere evanhu pasi rose anorara nenzara zuva rega rega nekuda kwekushayiwa uye hafu yepasi rose inorarama ne mari inoita Zimbabwe $500 pazuva.


Gomarara rekutambudzika ranyanya kudzika muZimbabwe sezvinoonekwa nekushaikwa kwezvinhu zvakanyanya kukosha mukurarama kwevanhu. Sangano reWomen of Zimbabwe Arise (WOZA) ririkuenderera mberi nehurukuro dzegutsaruzhinji negadziriso yeuipi hwakaitika mukati meupenyu hwevanhu mumativi mana enyika. Zvizvarwa zveZimbabwe zvinobvuma kuti zvirikurarama upenyu kwekutambura. Tingakoneswa nei kuwana kodzero dzedu dzakakwana?



Vazhinji venyu makatiudza zvishuvo zvenyu zveZimbabwe itsva pakufamba kwatirikuita nyika yese. Isuwo takatereresa huye tiri kubatanidza zvishuwo izvi kuumba Bumbiro Benyu, tese tichabatana pakuparura Bumbiro rezvatinoda nevatungamiriri vanogona kutipa Zimbabwe yakasununguka yatinoshuvira. Tinovimba muchafamba nesu parwendo rwekuPariamende patichanoudza vatungamiri vedu kuti ndiwo mukana wekupedzisira watinovapa wekuzvipa, pamashoko nemuzviito, kutipa zvavakavimbisa parusununguko.



Vazhinji vakashanyirwa neWOZA vakanyanya kufarira kudzidziswa nezvekodzero dzavo huye zvavangaita kuti vakunde kutya. “Tinoda kuziva kodzero dzedu- hatichazivi chakanaka nechakaipa muZimbabwe nekuti tavakugara tichingoshungurudzwa. Taneta nevatungamiri varipo tava kuda vatsva, vatungamiri vachateerera matambudziko edu nekutibatsira kuagadzirisa,” Chipo, Chimanimani.



*Gwaro rakaverengwa panemumwe musangano mukuru wemibatanidzwa yenyika uchangopera rinoratidza kuti kune nhando nhatu dzenhamo dzinoti “nhamo yekushaiwa mari”, “nhamo yekushayiwa mikana” uye “nhamo yekushaiwa masimba”. Nhaurirano dzatirikuita munyika yese dzaratidza kuti muZimbabwe vanhu vakatarisana nenhando dzese nhatu dzekutambudzika nekushayiwa. Munobvumirana nazvo here?



Nhamo Yekushaiwa Mari


Vagari vekudhorobha reChimanimani, varikushuvira upenyu hwavairarama muna 1980 neapo nyika isati yawana kuzvitonga kuzere. Varikuti ivo vavakutadza kuita zvinhu zvavaisikwanisa muna1980 uye kuti upenyu hwavo hwangova hwekutamburira kuti vawane kurera mhuri dzavo.



Vanoti vari kusangana nematambudziko anosanganisira kukwidzwa zvakapfurikidza kwemari dzevana vechikoro uye mari dzekurapwa muzvipatara. Vabereki vanoti ivo Zimbabwe ya1980 yanga isina marwadzo ava neZimbabwe yanhasi uye zvivimbiso zva1980 zvakaita sedzidzo pachena havasi kuzviwana naizvizvo vavakuda vatungamiriri vatsva vanogona kuvaitira zvinhu izvi.



Vagari vemumamisha eChimanimani vanoti ivo vanoda kuti vanoona nezvekugadzirwa kwemari vaunze mari ine huremu. Vazhinji vavo vanogunun’una kuti havana kukwanisa kuchinjisa mari sharu kuRBZ uye vanoti nyange dai vakagona kuichinjisa, mari yamazuvano haichisina uremu. Vakati upenyu hwazovaomera nekuti kwekuwana mari changova chiroto,” vakadaro Mbuya Pasi vekuNyazura.



“Taneta nekushandisa mari dzine maexpiration dates, uye kana vatungamiri vavakuchinja mari vachiisa itsva, hatina anonyatsotitsanangurira kuno kumamisha tozogumisira tarasikirwa nemari. Tirikuda mazuda edu ataisishandisa kare nekuti taigona kuachengetedza uye aingoramba aine uremu achigona kutenga zvakawanda,” vakadaro vamwe mbuya vekuNyazura.



Vagari vekwaMutare vakati ivo varikushungurudzwa neukasha hwemapurisa pakubata kwawo nevanotenga kunze kwenyika vachizotengesa muno. “Mabasa haasi kuwanikwa muZimbabwe, kurapwa kodhura, muzvikoro hamuchadzidziki saka zvinhu zvatisingatarisiri kuti mapurisa ave achititorera zvatinenge tichitengesa. Mapurisa acho avakutosvika pakusecha dzimba dzevavanoziva kuti vanobuda kunze kwenyika. Tinoziva kuti mitemo inofanira kutevedzerwa asi naivo havafanirwi kuitevedzerawo here? Tinoda kodzero yekutsvaga raramo,’ akadaro Theresa, mumwe mudzimai anoita zvekutengesa.


*Izvi zvakatorwa pabepa rakaverengwa pamusangano wemibatanidzwa yenyika paitaurwa nezvemhando nhatu dzenhamo



Nhamo Yekushayiwa Mikana


Ruzhinji rwevanotambura muAfrica haruwani zvarwakafanira kuwana semigwagwa yakanaka, zvipatara nezvimwe zvakadaro. Ruzhinji urwu runoonazve vatungamiri varwakasarudza vasingachaiti zvavakavimbisa pasarudzo. Vanogoramba vachiti vanotungamira vanhu sei- vavakutotungamiriraka zvipoko!.



Vagari vekuGlen View, Harare vanoti rave gore varasikirwa neraramo yavo pakaputswa dzimba dzavo nemabhizimusi nechirongwa cheMurambatsvina asi vachakangomirira kuti hurumende ivavakire misika nedzimba dzayakavavimbisa, dzimba dzavakavimbiswa pasi pechirongwa cheGarikai dzavakutogara vatsigiri vebato ririkutonga asi ivo vakangomirira.



Vagari vekuEpworth vakati vanoda kurapwa huye vakagunun’una nerusarura runoitwa pakirinika yemunharaunda mavo inoramba kurapa munhu wese asi ichirapa vatsigiri vebato reZANU PF chete, madzimai emateneti nawo anomanikidwza kuti ave nemakadhi eZANU PF kana vachida kutariswa. KuMatabeleland, kuRatanyane, varikurambirwa kurapwa pachipatara chikuru chinova ndicho choga munzvimbo iyi.



KuMadwaleni, kuMatabeleland, vagari veko vanoda minda nekuti minda yavo midoko uye havana minda yekupa vana vavo kana vachinge vazoroora. Mvura yekumwa inoshaikwa nekuti vanonzi vazvigadzirire zvibhorani kana zvafa zvinova zvavasingakwanisi kuita nekushaiwa mari, saka vanoda kuti hurumende ivaitire izvi. Vagari vekuInsiza vanogunun’una kuti vana vanotambura chaivo havasi kuwana rubatsiro rweBEAM, rwurikupuwa vana vevatsigiri veZANU PF.



KuChegutu, vagari veko vanogunun’una nekushaiwa hanya nevanotambura huye chindini chinoitwa nehurumende. “Tinoda dzidzo pachena yatakavimbiswa parusununguko, vakwegura nevanotambura mukati medu ngavawane rubatsiro kubva kuSocial Welfare,”-Patience.



Nhamo Yekushaiwa Masimba
Vanhuwozvavo ndivo vane simba rekusarudza vatungamiri nekuti ndivo vanovhota saka zvido zvavo zvinofanira kutevedzerwa nekuti pasina vanhuwo zvavo hapana utungamiri.



“Tinoda kodzero nekusununguka kwataisiva nako kunyanya kusununguka kutaura zvatinoda. Ndakambosungirwa kuti wataurirei kuti hupfu hwakwira ndikatyityidzirwa ndichinzi ndisarudze zvandinoda pakati peupenyu nerufu,” Zodwa, Hwange.


“Vanhu vavakurarama nekutya kunobva kuvatungamiri vedu. Vanotiti timirire ramangwana asi hatisikuriona,” Warren Park.



‘Tatova zvipoko munyika yechizvarwa nekuti vanhu vatakasarudza havachatizivi, vatotikanganwa. Tinoda vanhu vanemoyo inorwadziwa kuti vatitungamire. Zvatava ikozvino zvinofanana nemunhu akarara asi asingagoni kushanduka rutivi, unomuka uchirwadziwa ndosaka tirikuti tavakuda shanduka,’vakadaro vamwe mbuya vekuKadoma. Vanhu vakati vanoda madzishe anoterera zvichemo zvavo uye vanopa minda zvisina rusarura.



Vabereki vakataurwa navo munzvimbo dzese dzatakashanyira vakati ivo nyika yaoma zvekuti zera rekuzvitonga re makore gumi nemakore masere hapana zvarichareva nekuti varikuzvichengetera vana vavo kusvika kumakore makumi maviri nemashanu.



Tinechinangwa ngatishandirei pamwechete. Silenjongo asenzeni kanyekanye


Where there is a will there is a way- WOZA has a way.


We need you to walk it with us



Join WOZA by sending your application letter to P.O. Box FM 701 Famona Bulawayo. Tell us who you are and why you want to join WOZA. Write in any local language. Send us a self-addressed with postage stamp for us to send your Sisterhood Promise. Once you have signed this and posted it to us we will send you your membership card in the second self-addressed and postage paid envelope. We will then bring you into our WOZA family.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *