Nhau MuchiShona (21-12-06)


Dimbare yakarowa 3-0 vaka tsamwa


Mapurisa ekuSouth Africa opamba achitengesa

MUSINA – Mapurisa ekuSouth
Africa anoshandira paBeitbridge ari kupomerwa mhosva yehuori hwekutorera maZimba ane mapasipoti ekuSouth Africa
mapasipoti avo achivapa mhosva yekuti vakaatenga .Zvinonzi huori uhu hwakatowanda uye hunosvika kumusoro sezvo mapurisa acho achinzi akatoronga
zvekutengesa mapasipoti acho kune mamwe maZimba
anenge ane mari achida kutenga. Mapurisa acho ane nzira yekuona kuti
munhu anogona kunge ari muZimba obva amubvunza nezvekumapfanya kwaanobva, kana akatadza vobva
vamutorera pasipoti,” akadaro mumwe murume aifamba
achitengesa. Mapurisa anobva ati anoda R500 kuti munhu
asaendeswa kumajere avo. Dai vaingotora havo mapasipoti acho,
zvoperera ipapo, zvino vanobva vanotengesa pasipoti yacho kumamwe maZimba ari kudawo kupinda muSouth
Africa zvisiri pamutemo.
“Huori hwacho hunobva hwaramba huchienderera
nokuti ivo vanhu vanotengeserwa ava vachauya vachisungwawo
kana voda kubuda munyika.”



Steven Ndlovu, wokuBulawayo akati aisafara nekubatwa kwaakaitwa pabhodha iri svondo rakapera. Vakanditorera pasipoti yangu vachiti
ndakanyanya kusviba saka handisi wokuSouth
Africa,
vakanditi ndivape $500 kuti vandiregedze,” akadaro
murume uyu. Pandakaedza kuramba vakabva vandikava nekundidira mbama kusvika ndavapa.”
Mumwewo mukadzi wokuGwanda, Stabile Mpofu, akanzi avape mari kana kurara navo. Vakatora pasipoti yangu vachiti handisi muSouth African, asi pandakavati vanyore tsamba yokuti ndivo vane pasipoti yangu, ndipo pavakabva
vati vanoda mari nokuti ndakavatuka. Chimwe chimupurisa chikobvu ndicho chakanditi kana ndisina mari chaida kumboraira muZimba.” Mupurisa
atakakwanisa kutaura naye, Senior Superitendent Vishnu Naidoo, akangotisairira kune mumwe wake, uyo akaramba kutaura.




Kuwana chingwa ihondo mazuva ose

Napaul Palati, kuBeitnridge.


Vagari vekuBeitbridge vari kuona moto wekushaya chingwa, zvichibva mukukuvara kwaita hupfumi hwenyika. Zvakatanga mwedzi wapera apo hurumende yakarambidza kukwidza mutengo wechingwa nezvimwewo zvinhu.



Vanoti muBeitbridge dzimwe nguva chingwa chinongowanikwa chete pachitoro chimwe chete
cheBaobab Spar, saka vanotomukira kunomira mumuraini na6.00 icho chitoro chichizovhura na8.00 mangwanani.

Beitbridge yagara iri nzvimbo inodhura nokuda kwezvinhu zvakawanda zvinotengeserwa kunze kwemutemo, asi iko zvino zvanyanya nekushaikwa kwemari yekunze yekutenga furawa. Baobab Spar yabva yatoonawo kuti inogona kungokwidza mitengo yayo yechingwa nokuti hapana mumwe anacho saka chingwa chave kuita Z$450, iyo isingakwaniswi nevanhu vakawanda. \par
Vashandiwo vemuchitoro umu vakabva vati isu tosara here, saka vava kutambawo ravo gemhu rekuudza vanhu kuti chingwa chapera ivo vachitengesa nemutengo wavowo.
Vanoti chapera asi tinozoona madhazeni achibuda onotengeserwa parengi yemakombi nemari
inosvika kana $600, kana $800,” akadaro Peter Sibanda, uyo anogarotenga paSpar.
Sibanda akatizve: \ldblquote Ukabvunza vepamabhazi kuti chingwa vanochiwanepi, vanongoti wakarara.” Muridzi weSpar akatadza kubatika. \par

N1 a crime hot spot
Mugwagwa weN1 wave kutyisa


Paul Palatir

MUSINA – Vanhu vanouya kuzoshanda muSouth
Africa zvisiri pamutemo vari kuoneswa moto nemapurisa,masoja, nemamwewo matsotsi paMusina nokuda
kwekuoma kwezvinhu. Anoburitsa mashoko emapurisa muSouth Afrika, Sipho
Chauke, akati maZimba anotorerwa zvinhu, orohwakana kuuraiwa nekuda kuuya kuSouth
Africa kuzotsvaga zvingavabatsire. Vagari vemuMusina vanoti mugwagwa weN1 wava kutotyisa nevanhu vanoonekwa vakapondwa uye
vanotorerwa zvinhu zvavo vari munzira yekuendakuJohannesburg.
Vauyi vasiri pamutemo vanowanzopinzwa nemarori anenge achienda kuGauteng, vachibhadhariswa R60 kana R70 kubva kuMusina kusvika kuJohannesburg. VaChauke vakati mapurisa anosunga vanhu vanosvika
churu pazuva, vovadzosera kuZimbabwe, asi mangwana acho vanhu vacho vanongodzoka chete. Zvinhu zvanyanya kuipa muZimbabwe zvokuti vanhu
vanotongoedza nepavanogona kubuda kunotsvaga mabasa.

Vagari vanotiwo maZimba anenge achibhadhara masoja nemapurisa kuti vawane mapindiro kuhupenyu huri naani. Zvinotorwadza kuona zvinenge
zvichiitika, nokuti dzimwe dzenguva vanobva vatorerwa twese
twavanenge vanatwo,” akadaro mumwe mudzimai wechiVenda, akawedzerawo achiti rusarura rwakawanda asi vanhu
havana mamwe maitiro.\par



Baba vakarara ava vanechido chekutonga nyika iyi vachipepuka
Panezvino vakamira ndivo varikutonga.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *