Shona Translation 15-02-2006


Mugabe opa mibayiro kuvananzvi

NaJohn Makumbe
HARARE - Mukuda kubata vanhu kumeso kuti achine hurumend


e kwayo, mutongi wehudzvinyiriri akachinjirudza makurukota ake asi zvichiita sekuchinjirudza marara. Semazuva ose President Mugabe vakapa mibayiro kuvakadzi vake vainyanya kuimbisa nziyo dzekuvarumbidza. Kusiririsa kwaVaHerbert Murerwa vakakandwa kwakadaro sesaga refetiraiza yakaora, nokuda kufunga zvakasiyana panyaya dzehupfumi.
Mubhuku raMugabe gurukota rinogona nderinoteerera zvinodiwa naGhavhuna wereserve bank.
VaMurerwa vakaisirwa munhu anga ari pasi pevese vangafungirwa kuti vangaitwa makurukota, nokuti haana kana chaanganzi ane hunyanzwi machiri panyaya dzahupfumi hwenyika. Kana kuti angakwanisa kuona zvemumba make chaizvo kuti mari yapinda neyabuda yakamira sei, zvingatomunetsa.
Ghavhuna weReserve bank VaGono vachatokwanisa kunyatsoita zvavanoda nokuti panenge pasina gurukota rinenge richivadzora nekusaziva zvinenge zvichiitwa.
Asi chinzvimbo ichi chinotoenderana naVaMumbengegwi nokuti VaMugabe vaida munhu asingazonetsana naVaGono.
Mumwewo asiri kuziva kuti akarohwa neyi ndivaJoseph Made. Asi vakazoguma vagadzirirwa Ministry yose kuti vawane chekuita chete, kana kuti varambe vakanyarara nezvekuparara kwaita nyaya dzekurima kubva pakatanga kupenga vatungamiri veZimbabwean vachiita zvefast track resettlement. Chakangonaka ndechekuti Benz yavo vachinayo.
MuZimbabwe hamusati mamboita gurukota rezvematarakita nezvikoforo, saka vaMade vari kuvhura makwara matsva. Vanofanirwa kutozviona seshasha nokuti zvokurima zvava namakurukota matatu pari zvino. Chichabudapo ndicho chisati chava kuzivikanwa – asi vaMade havasi kuzokwira herikoputa vachiverenga chibage chinyoro munyika vobva vati “bumber harvest” segore riya.
Mukupata kwavo vaMugabe vakachengeta rimwe gurukota ravo rinovengwa nevanhu vose, Ignatius Chombo, uyo akapera kuvhiringa makanzuru enyika yose. Apa ndipo pazonyatsobudira kuti “wako ndewako” saka Chombo haana chaanomboita chakaipa kuna Mugabe.


Makudo anetsa
NaTusang Jabavu-Fushai
VICTORIA FALLS – Kubva mugore ra 2001 makudo awanda kuno zvokuti nguva nenguva anotoonekwa achifamba ari chikwata muguta.
Anokonzera tsvina achibvongodza mabhini uye anogopinda mudzimba dzakashama otora chero chaawana, uye anoitawo tsvina pamusoro pedzimba paanenge arara kana kupwanya mazenge.
Ini handizivi kuti veDepartment of National Parks and Wild Life Management, vanoregerei nyaya iyi ichienderera asi kare vaimbopfura mhuka dzinotyisa dzinenge dzauya pedyo neguta.
Mwedzi mishomana yapfuura muzukuru wangu akatsikwa nemotokari achitiza makudo aimutandanisa. VeParks and Wildlife havana kunomurapisa. Kodai akafa vaizoripa nei?
Ndava kufunga kuti nyati nenzou dzavanopfura kunenge kuri kuitira nyama yavanozowana, asi sezvo gudo risingadyiwi havaripfuri.
Kana iriyo nyaya yacho vanodii kuauraya havo vonotengesa nyama yacho kumaodzanyemba nekumabvazuwa eAfrica uko kwainonzi inyama inokosha.


CIO razara muJozi kuda kuona kuti chii chiri kuitika
NaTsepo Livombo
JOHANNESBURG – Nokunyanya kuuya kuSouth Africa kwaita masoja nemapurisa ari kutiza basa rawo muZimbabwe isisina mari, hurumende inonziwo yazadza maCIO ayo ari kushanda nemamilitary police kuti varambe vachiona kuti vari kuitei.
MaCIO nemamilitary police akaiswa muJohannesburg nePretoria anonzi akadzidziswa basa kuRussia neKGB.
Ongororo yeCAJ News yakaona kuti vazhinji vavo vanogara muBraamfontein, asi vamwe vari muSoweto, Hillbrow, Yeoville neSandton.
Vamwe vacho vanonzi vakatonyoresa paUniversity of Witwatersrand.
Devonshire Hotel, Parktonian, Hillbrow Inn nedzimwe nzvimbo dzakaita seSummit, Diplomat neAmbassador Hotel, dzazara nevakomana ava vanenge vachiita sevanhu vari kutsvaga vasikana.- NeCAJ News



Gava otyisidzira vokuChiredzi
NaGift Phiri
HARARE – Bato rinotonga reZanu rava kusanganisa kukambena nekutyisidzira kuti rihwine chigaro chekuChiredzi South uko kunonzi campaign manager weZanu General Vitalis Zvinavashe, avo vainzi Gava kuhondo, vakatyisidzira vagari vachiti kana Zanu ikaruza masoja aizouya kuzovaratidza zvinoitwa madhisidhendi.
VaZvinavashe, avo vakazorora basa vari General wepamusoro semunhu aimbova mukuru weZimbabwe Defence Forces yose, asi vava Senator weGutu, vakati parari paChikombedzi, “Kana Zanu ikadyiwa neMDC inotumwa nemaBritish Chiredzi South inobva yatonzi yava yezvigananda. Hurumende inobva yabvisa chikafu yoisa masoja ekuzoongorora madhisidhendi.”
Akati kuvanhu ava vanga vave kutotya:”Kana pati ikangoruza tinobva taziva kuti mapandukira hurumende. Munoziva zvinoitwa kana hurumende ikaona vapanduki. Tinotumira masoja kuzogadzirisa muvengi, saka muvhote makangwara musazochema mangwana.”
Nzvimbo iyi yose haina kugadzikana, motokari dzemasoja dzichingomhanya musarudzo iyi inonzi icharatidza kuti kune munhu here achada Zanu nekuparara kwaita hupfumi hwenyika.

VaMurerwa havana kumirira kudzingwa
HARARE – Vaimbova Gurukota rezvehupfumi hwenyika VaMurerwa vakaendesa tsamba yavo yekuramba basa muna December mushure mekupokana kwakawanda naPresident Robert Mugabe nenyaya yekusawirirana nemabhanga makuru eWorld Bank neIMF.
VeZimbabwean takaona kuti vaMurerwa vaipokana navaMugabe uye naGhavhuna weReserve Bank, vaGideon Gono panyaya yekuti mari iripo yoshandiswa sei ivo vachida kuti irerekere kukuwirirana nemabhanga makuru kuti nyika igowana mari, asi VaMugabe navaGono vachida zvekurima.
Vakuru muhurumende vakati VaMurerwa vaigaropokana naPresident nokuti ivo vaida kuti hurumende itaurirane nemabhanga aya kuti Zimbabwe iwane mari yekunze.
“Vaigaropokana, VaMurerwa vakaudzwa kuti ngavachinje mafungiro kana kuti vasiye havo basa. Mumwe musi vakazotsamwirwa apo vaMugabe vakanzwa kuti vaMurerwa vakange vasangana nevamiririri veEuropean Union.
Vairamba havo kuvanhu, asi zvaizikanwa kuti pakange pasina kumira zvakanaka,” akadaro mumwe mukuru muhurumende.


MuMasvingo zvitunha zvogarana
MaHerbert Dapi
MASVINGO – MuMasvingo makamirira kuitika chisionekwi nokuti zvitunha 70 zvakaora svondo rakapera madhokotera ari pakuramwa mabasa.
Hama dzakatadza kutora zvitunha sezvo zvainzi zvitunha zvaifanirwa kutanga zvamboonekwa nemadhokotera ayo airamwa mabasa.
Pachipatara takaona imba yezvitunha yakagadzirirwa zvitunha18 iine zvitunha 80 zvakaunganidzwa pamusoro pezvimwe uye paine munhuhwi waifararira chipatara chose.
Vanhu vakanyanya kufa masvondo maviri apfuura, madhokotera achiti anoda $5 million, manesi achiti anoda $3 million.
Tawanda Gambinya, anoshanda mumochari akati vanhu kana 10 vaifa zuva nezuva, uye mochari yaiva doko.
Provincial Medical director weMasvingo, VaAmedus Shamu vakaramba kutaura, asi varairidzi vanonziwo vava pakuramwa mabasa.


Zvinavashe threatens villagers
BY GIFT PHIRI
HARARE – The governing Zanu (PF) party has resorted to a mix of threats and intimidation as it battles to secure the forthcoming Chiredzi South special election, with the ruling party’s campaign manager retired General Vitalis Zvinavashe threatening gullible villagers that if his party loses it would be viewed as a rebellion and that the army would be unleashed on the province to deal with “dissidents.”
Zvinavashe, a retired four-star General who was commander of the Zimbabwe Defence Forces, now Gutu Senator, told a rally at Chikombedzi Growth Point recently that if the ruling party lost the election to the “British-sponsored MDC”, Chiredzi South would be viewed as a constituency inhabited by enemies of the State comprising “British puppets”.
Consequently, said the general, government would cut food aid and deploy soldiers to the province to deal with the rebellious residents.
Zvinavashe told the timid crowd: “If the ruling party lose in this election then we know that you have rebelled against the government and you know what happens when government is threatened by rebels, we will definitely send our armed forces to deal with the enemy. So I urge (you) to vote wisely or you will regret.”
Tensions were reportedly high in the constituency amid reports that military trucks have been patrolling the constituency ahead of the by-election. The election is a litmus test to the governing party as it would gauge whether Zanu (PF) still commands support in rural constituencies given the deepening economic hardships.



Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *