Shona News 21-06-07)

:
Mutungamiri we MDC VaTsvangirai nemutevedzeri wavo Mai Thoko Khupe parhari kwaMutare pakupera kwesvondo. ( MDC yokurudzira kunyoresa kuvhota.

MDC inoda mitemo yesarudzo mitsva

Bato rinopikisa reMDC richapinda musarudzo yegore rinouya kana mitemo mitsv


a yaiswa inoita kuti sarudzo ive pachena.
Izvi zvakataurwa naVaNelson Chamisa, kuvanhu zviuru zvitatu muSakubva, kwaMutare mugovera wapfuura.
Vakati hurumende inofanirwa kuisa bumbiro idzva remutemo, kubvumira bato rinopikisa kuti riite misangano yaro zvisingadi mvumo kubva kumapurisa, nekuti nhepfenyuro dziburitse nyaya zemapato ose, kuti sarudzo iitiswe nevanhu vasina kwavakarerekera, uye kuti anhu vasarohwa.
“Vanhu havachavimbi nemasarudzo emuZimbabwe nokuti kana yangopera tinenge tomhanya kumatare kunomhan’ra nyaya dzekubiridzirwa – nyaya dzacho dzisingatongi futi,” vakadaro VaChamisa.
“Hapana zvitsva pazvinhu zvatiri kutaura izvi. Vatungamiri veSADC vanozviziva kubvira kare kuti chatinongoda chete isarudzo iri pachena, kwete yakarongwa kare. Hazvibatsiri nyika yedu kubuda mudambudziko,” vakawedzerawo Mai Thoko Kupe.
Vakaudza vanhu vaipururudza kuti vaende kunonyorese kuvhota nekuudza vatongi kuti hama dzavo dzirikunze kwenyika dzinofanirwawo kuvhota, uye vanhu vachibvumirwa kuvhota nechitupa, pasipoti, chitambi chekudhiraivha kana birth certificate, sevakaitwa mugore ra1980 – CAJ News
MPs revolt over Spy Bill


VemuParamende voramba mutemo unodiwa navaMugabe


HARARE – Zvanga zvisingafungidziri kuti vamiririri vebato rinotonga vangaramba mutemo uri kuda kugadzwa nehurumende, zvakazoitika, zvichiratidza kuti bato iri reZanu (PF) harichina kumira zvakanaka.
Vatapi veZimbabwean vakabata nyaya yekuti vamiririri veZanu (PF) muParamende vakasiya zvaidiwa vachiramba mutemo unoda kuiswa nehurumende wekubvumira maCIO kuti apote achiterera nhare dzinorohwa nevanhu, kana kuvhura tsamba netsambarunhare (mae-mail).
Gurukota remutemo VaPatrick Chinamasa, vakamboti mutemo uyu wakatobvumwa nedare repamusoro reSenate, saka ranga rasarirwa nekusayiniwa nemutungamiri wenyika kuti ribve raitwa mutemo.
Asi vanyeuri vakati vamiririri muParamende vakaratidza kusafara nemutemo uyu, asi vakamanikidzwa kuti vaubvume.
Zvainzi mutungamiri wenyika anganorega kusayina nokuteerera zvinoda vamiririri vake.
Chero vamwe vari pedyo nemutungamiri wenyika vakatiwo vakatokatyamadzwa kuti mutungamiri wenyika angada kudzimikira mutemo unotyora bumbiro remutemo zviri pachena kudai.


Land grab costs US$8 billion
Kutorwa kweminda kwakakonzera kurasikirwa neUS8million


HARARE
Mvongamvonga nebvongamupopoto yakakonzerwa nematorerwo akaitwa minda kuvachena yakakonzera kukurumidza kufa kwevanhu vakawanda nekurasikirwa nezvinhu zvinokosha zviuru nezvihuru zvemari, sekutaura kwegwaro idzva rakaburitswa neveZimbabwe Human Rights NGO Forum, neMugovera.
Kuipa kazvo kunokodzera kuti vakazviita vamhan’arirwe kudare redzimhosva repasi rose iro rinotonga nhunzva-tunzva dzinopishanisa kodzero dzevanhu sezvinoitwa neZanu(pf).
Pavanhu vanokwana 1,3 million vaigara nokushanda pamapurazi shure kwegore ra2000, vanosvika 900 000 vakarasikirwa nemabasa, nedzimba, uye nezvipatara.
VeZimbabwe Human Rights NGO Forum vakaona kuti munhu mumwe pazana revanhu ivava akafa, nemhosva iyi, zvichireva kuti vanhu vanosvika10 000 vakafa nemhosva iyi.
Vamwe vanoongororawo vanoti 10 000 vashoma, nokuti ivo vakaona kuti pavanhu vakaitirwa Murambatsvina rufu rwakauya kuvanhu vaviri pavashanu vakange vapunzirwa dzimba dzavo.
Nekumwararira kwaita mukondombera, vanhu vaimbowana rubatsiro pamakiriniki epamapurazi havachawani rubatsiro urwu.
Vachena vaiva nemapurazi avo aivapa mari, uye zvavakange vavaka panzvimbo dzavo zvaikosha zvakangoparara, zvokuti vakarasikirwa nemari inoita US$368 million. Kana yazobatanidzwa yose yaisvika US$8-billion yakarasika. – ZHR NGO Forum
Mugabe fears assassination
VaMugabe votya kuuraiwa
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vakasheedza musangano wevakuru-vakuru vemauto nekudzivirira nyika kuzokurukura navo nyaya yevanhu vakaedza kuvabvisa pachigaro nechishimba.


Gurukota rezvekudzivirira nyika vaDidymus Mutasa vakabvuma kuti kwakaitwa musangano, asi vachitiraira nenyaya dzemazuva ose, kwete zvekuda kubviswa pachigaro kwa President.
Asi vamwe vakuru muhurumende vaiti VaMugabe varikudya marasha.
“Nyaya yaVaMugabe yanyanya kuipa nokuti vakaudziwa kuti vanhu vaida kuvabvisa pachinzvimbo, vavakuda kutovauraya kwazvo,” mumwe mukuru akadaro.

“Akaudziwawo kuti mamwe makurukota ake akaita savana Mutasa, Sekeramayi naMohadi vanofungirwa kuti vaiziva nezve kuda kubviswa pachinzvimbo nechisimba uku, zvokuti pamwe vaitovamoo, saka vakazodaidzwa.”
VaMutasa vakazviramba, uye vamwe vanotiwo vemauto vanomwe vakatosungwa vachinzi vaida kuzoisa Gurukota ravaMugabe, vaEmmerson Mnangagwa pachigaro. Asi vaMunangwagwa vakazviramba. – CAJ News


Zanu ichachema pasarudzo
Murehwa: Zanu (PF) icharohwa zvaisati yamboona pasarudzo inotevera, sezvo vanhu kuUzumba-Maramba Pfumbwe (UMP) varikutoti vanoda bumbiro idzva remutemo rinovabvumira kuburitsa mumiririri wavo muParamende basa kana achitadza.
Vanonzi vakataura panerimwe bira kuti vachatovhotera bato rinenge richitaura nezvebumbiro idzva.
“Hatisi kuzovhotera Zanu rwendo rwuno nokuti haina zvayakatiitira. Tavakuendesa rimwe divi, zvokuti vachachema pasarudzo apa,” akadaro Shadreck Tauya.
UMP inowanzozikanwa nekutevedzera Zanu asi veko vanoti iyezvino kana vebato reMDC vanogona kuuya kuzoita misangano, nokuti vanhu vaona nhamo yakawandisa. – Zakeus Chibaya

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *