News in Shona

Terror troops withdrawn as prices soar
Mapurisa emitengo ayenda, zvino yonyatsokwira
HARARE: Mapurisa aVaRobert Mugabe ainetsa vanhu haachisipo, asi kudzikiswa kwemitengo kwavo kwasiya vanhu vatowedzera kunetseka.
Mitengo yezvishoma zvacho zvichikuwanika muzvitoro inotouraya munhu, sokuwona kwatakaita patakafamba tichiwongorora.
"Isu hapana zvatingaita nokuti tinongoisawo mitengo inoenderana nekuhodha kwedu," akadaro mumwe maneja weFood World Supermarket muHarare.
"Tinon

Sadza nenyama raitengeswa ne$300 000 muchitoro ichi neChitatu svondo rakapera, nhasi (pakunyora, neMuvhuro) rakange rave kutengeswa ne$815 000. Sipo yaiita $600 000 yakange yave kuita $1.3m.

“Tava kutongotarisawo kuna Mwari kuti achapindira, asi kuona kwangu tava mutsaona chaiyo,” akadaro James Gushe, anogadha muHarare. “Ndinotambira $8m, asi imba yandinogara (1 room) yakabva kukwidzwa kuenda pa$4million.”

Mabhazi nemakombi zvakatangawo kukwira masvondo maviri apfuura, kubva pa$50 000 yaimanikidzwa nemapirisa avaMugabe kuenda pa$300 000, panzendo pfupi dzacho muHarare.

VeConsumer Council of Zimbabwe havasati vataura kuti mitengo yakwira zvakadini pachinguva chipfupi ichi, asi zvirikufungirwa kuti mari yave kudiwa pamhuri kuti irambe ichigara zvakanaka ichakwira kubva pa$20 million kuenda pa$40million. Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union rinotiwo mari iripasi yokurarama nayo yava pakati pe$40m  ne$50 m pakukwira kwaita zvinhu masvondo apfuura aya.

“Vanhu varikushupika uye zvirikuramba zvichiwedzera kuipa. Chihurumende chacho hachina kana pfungwa yokuti chozvigadzirisa sei,” vakadaro VaNelson Chamisa, muburitsi wemashoko weMDC.

Asi hurumene yaVaMugabe inongoti ichiri kurwisa. “Tichiri kumboongorora uye tichatora matanho pane avo vatinenge taona vachikwidza mitengo zvisiri pamutemo. Tichiri kuenderera mberi,” vakadaro VaObert Mpofu, vanova ndivo muridzi wenyaya yose yokudzikiswa kwemitengo neginya.  – Itai Dzamara

Home worse than Sudan – peacekeeper

KuSudan kunehondo kuri nani pane kumusha – musoja.

HARARE: Masoja akadzoka kubva kuSudan nekuKosovo, uko aibatsira kuchengetedza runyararo ari pasi peUnited Nations (UN) Peacekeeping Mission, akati hupenyu hwavo kuhondo ikoko hwaiva nani paneupenyu huri muZimbabwe.

Mumwe musoja akati: “Chero zvazvo Zimbabwe isiri pahondo, asi mamiriro akaita zvinhu kuno akangofanana nezviri kuhondo.

“Ndinotoshuva kuti ndakambodzokerei, nokuti uko taiva nemari, chikafu chakanaka, dzimotokari nepeturo yacho. Hupenyu hwainakidza.

“Ndakasvikotambirwa neimba isina magetsi nezvitoro zvisina kana chinhu, ini mari ndinayo.

“Uye hakuna nyama, izvo zvabva zvandifungisa kunyika kwandaiva.” – CAJ News

Zanu councillors desert

Makanzura eZANU otiza misha nenzara

LUPANE: Makanzura eZanu matanhatu akatiza nzvimbo dzaanomirira kuMatabeleland North pakutanga kwemwedzi uno, zvikabva zvanyatsoratidza bato ririkutonga kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika sezvavanoda kuti vanhu vafunge.

Vamwe vemuZanu kuMatabaleland North, vakatinyeurira kuti makanzura matatu akatiza misha yawo kuLupane, uye mamwe matatu akatiza misha yawo kuUmguza pakati paOctober 1 na10 gore rino vachiti zvinhu zvanyanya kudzikira kumisha yavo zvokuti hakuchagariki.

“Vose vakatiza asi havana kusiya zvinzvimbo zvavo. Vaiti havachagoni kugarako nemhuri dzavo nokuti mari yavanopiwa haikwani. Makanzura haatambiri mari asi anotopiwa mari kana afamba kana kuita rimwe basa rekanzuru, kazhinji kunge vabuda munzvimbo mavo nebasa.

Munyeuri akatiudza kuti makanzura matanhatu aya anotofungidzirwa kuti akaenda kuSouth Africa uko ane hama uye kwavanofunga kuti vangangowana upenyu huri nani.

“Vanonzi vakatotengesa mombe dzavo ndokushandisa mari yacho kuyambuka kuenda kuSouth Africa. Hapana chati chaitwa kuti zvinzvimbo zvavo zvizadzikiswe,” akadaro munyeuri. – Bayethe Zitha

War vets, green bombers rob travellers

Mawovheti nemagreen bomber vobira vashanyi

FIGTREE – Mawovheti vevana vakabva kunodzidziswa zvekuchengetedza Zanu neginya (magreen bomber) varikunetsa vashanyi mumabhazi pakati pePlumtree neBulawayo apo vakaisa roadblock inogara iripo siku nesikati.

Vanozivikanwa nenyaya dzavo dzekurova vanhu vavanofungira kuti vanotevedzera bato rinopikisa uye vanomisa mabhazi nemakombi vachibvanyangura mbatya dzevanhu vachiti vari kutsvaga zvakatengwa kunze.

Uye vanonetsa madhiraivha nemakondakita vachivati vanoshanda neMDC kuda kuita kuti vanhu vapandukire hurumende yaVaMugabe nokuramba vachikwidza zvinhu.

Mumwe kondakita akati vagara paroadblock iyoyo kubva mazuva akatanga zvekudzikisa mitengo.

“Vakatanga vachida kuona matikiti vachiti kana vakaona munhu abhadhariswa mari yakawandisa vobva vatora bhazi racho.

“Ikozvino vanangana nevanoenda kunotenga zvinhu zvisikuwanika muno, avo vanopomera mhosva yekufamba vachiudza vanhu vekunze kwenyika zvakaipa nezvaVaMugabe.”

Vakaona zvichiitika vakati chikwata ichi, chinombomira pedyo neFigtree chozomirazve pedyo neMarula Business Centres, chakatorera vanhu chikafu nembatya zvavakange vatenga kuBotswana chichiti chakatumwa nebato ririkutonga reZANU.

“Kuvamhan’arira kumapurisa hakubatsiri nokuti dzimwe nguva vanenge vachitova nemapurisa, uye mapirisa acho achitoita seanovatya.

“Dzimwe nguva vanoti vanoda chiwoko muhomwe chemari yekunze, asi kazhinji kacho vanotora zvinhu,” akadaro mumwe mushanyi.

Mupirisa wepaFigtree Police Station akabvuma kuti roadblock iripo, uye haisi yemapurisa.

“Vanoti vakatumwa nemashafu eZanu ekuMatabeleland South, saka isu hapana zvatinogona kuvaita nokuti tingatopinzwawo munyatwa nemashefu edu.

“Zvimwe zvinhu zvavanoita hazvina kunaka, asi isu tinongotarisa nemeso nokuti vakachengetedzwa,” akadaro mupurisa.

Muburitsi wemashoko emapurisa, Chief Superintendent Oliver Mandipaka, akaramba kutaura  nezvenyaya iyi achiti hapana zvaaiziva nezvazvo.- Bayethe Zitha

 

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *