Vatsigiri veMDC vava parumana nzombe kuChimanimani

Kwakava nemhirizhonga kuChimanimani East pazvitoro zvepaBiriwiri apo vechidiki vanotsigira Zanu (PF) vakamanikidza vanhu kuti vaenda kumusangano waitaurwa nemunyori weZanu PF vaDidymus Mutasa.

Mutasa
Mutasa

Izvi zvirikuuya panguva apo vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa vakatsidza kuti vanovamirira vachaita misingano varipamwe chete kuitira kupedza mhirizhonga.

Zvitoro zvese zvakavhariswa nevechidiki vainge vatakurwa kubva kwaMutare nemabhazi emutsigiri mukuru weZanu PF vaIsau Mupfumi.

“Vanhu ava vakati zvitoro ngazvivharwe vachiti vaende pamusangano wakaitirwa paManicaland Development Association Training Centre. Vakamanikidza vanhu kuti vavape doro mahara,” akadaro mumwe muzvinabhizimusi pazvitoro izvi.

Mumwe wemunharaunda iyi akati vaMutasa vakava tyisidzira vachiti nyika ichadzokera kumhirizhonga ya2008 kana vanhu vakatadza kuvhota zvakanaka musarudzo dziri kuuya.

“VaMutasa vakati tinofanirwa kuita sevanhu vasinga gone kunyora kuitira kuti tibatsirwe nevavhotesi avo vakadzi vachava veZanu (PF). Vakati izvo munhu achano vhota ega achadzi ndewe MDC-T,” akadaro mumwe murume akasarudza kusanyorwa zita rake.

Pamusangano uyu pakauya madzishe nemasadunhu, vaMutasa vanonzi vakati vatsigiri veMDC vasapiwa zvekurimisa, vachiti izvo ndezve vatsigiri veZanu PF chete.

Vakuru veZanu (PF) muManicaland Mai Monica Mutsvangwa, vaSamuel Undenge nevanogaro kudwa musarudzo vaMunacho Mutezo vainge vari pamusangano uyu.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *