Kuparara kwezvipatara zvekuBinga kwokonzera ndufu zhinji

Madzimai mazhinji akazvitakura emunharaunda yeBinga ari kusangana nematambudziko mukubatsirwa nechikonzero chekuti vari kufamba mitunhu yakareba kuenda kuzvipatara kunowana rubatsiro.

Madzimai akazvitakura aya akataura nemutori wenhau weZimbabwean svondo rapfuura akati vazhinji vavo havasi kukwanisa kubhadhara mari yekunyoresa inodiwa muzvipatara zvehurumende.

“Madzimai mazhinji ari munzvimbo dziri kure nezvipatara ari kufa mudzimba vachibatsirwa sezvo zvipatara zviri kure. Zvimwe zvipatara hazvina michina uye midziyo inokodzera kubatsira madzimai aya,” akadaro Susan Mudenda pachipatara cheDete kuHwange. Susan aitaura pachipatara apa paaive auya kuzosununguka, panova makiromita zana nemakumi mashanu kubva kumusha kwaanogara kuSiyachilaba.

Dambudziko raSusan iri idambudziko remadzimai akazvitakura mazhinji munzvimbo iyi, sezvo vazhinji vavo vari kuenda kunotsvaga rubatsiro rwaana chiremba nevakoti muzvipatara kubva kuGokwe mudunhu reMidlands, kunova makiromita anodarika zana.

“Kuwana chekufambisa kuenda kuchipatara cheBinga idambudziko guru,” akadaro Sharon Phiri anobva kuSiyabuwa.

Mutauriri webazi rezveutano munzvimbo iyi anoti dambudziko iri rinonyanyokonzerwa nekuparara kwaita mamiriro ezvehutano uye chikamu chinosvika gumi neshanu kubva muzana chemadzimai akazvitakura muBinga nopedzisira ave nematambudziko anoda rubatsiro rwaana mazvikokota pakusununguka. “Nzvimbo yeBinga ine dambudziko sezvo hatikwanisi kubatsira vana amai vanoda rubatsiro rwepamusoro pakusununguka. Panofanira kuwedzerwa upfumi hwakanangana nekuvandudza zvehutano munharaunda ino,” akadaro Sharon.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *