Varimi vekwaMurehwa vorarama nekuripa vatengesi nezvirimwa

Varimi venzvimbo ino votengesa chibage chavo nemutengo unosiririsa wemadhora maviri pamugomo mumwe chete vachiti izvi zviri kukonzerwa neGrain Marketing Board (GMB) iyo ine mashandiro anovadzvinyirira.

Varimi ava vakaudza mutori wenhau webepa reZimbabwean kuti zviri nani kutengesa chibage chavo nemutengo uyu pane kutengesera GMB iyo inotora nguva refu kuvabhadhara.

“Mumwaka wapfuura, GMB yakanonoka kutibhadhara uye yakatipa mari shomanana pachibage chataive tavatengesera. Vazhinji vedu takademba chataive taendesera chibage chedu kwavari,” vakadaro Gogo Sheila Mashinge, vane makore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa.

Vakati vanoita zvekutengesa -tengesa, vazhinji vanobva kuHarare vanouya nenhumbi nechikafu vachida muripo wechibage.

Fibeon Mwayera uyo anobva kuWard 13 kwaMurehwa akati akasarudza kutengesa chibage chake mushure mokuona kuti akarega kuita izvi, chibage chake chinogona kuparadzwa nezvipfukuto.

“Kuchengetedza goho kunonetsa sezvo ndisingakwanisi kutenga mishonga yekuchengetedza chibage changu kuti chisadyiwe nezvipfukuto. Zvine hungwaru kutengesa chibage changu iye zvino,” akadaro Mwayera.

Maria Ruchima uyo ane makore makumi matatu nemaviri ekuberekwa achibva

kuBudiriro 5 muHarare akati akakwanisa kuwana chibage chinosvika matani maviri nemutoo uyu wekuripwa nevarimi ava nechibage.

“Ndinoenda nenhumbi dzimwe nguva nezvekudya kuvarimi ava ivo vondiripa

nechibage. Muenzaniso, ndinogona kupa murimi mugomo mumwe chete wekutakurira iye ondiripa nechibage chinozadza mugomo mumwe chete nechidimbu,” akadaro Ruchima.

“Ndinotakura chibage ichi kuendesa kuHarare usiku nekuti kuchitakura masikati kunodhura sezvo mapurisa achitinetsa zvinopedzisira

zvakonzera kuti tivape chioko muhomwe pega pega pavanenge vari,”akadaro mudzimai uyo.

“Ndinotengesa chibage ichi nemutengo unoita madhora mana pamugomo wega wega uye ndizvo zvinondiraramisa.”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *