Vakapihwa dzimba zvechitsotsi; votya kuparadzirwa

Bato rakaumbwa negurukota rinoona nezvematunhu muhurumende, VaIgnatius Chombo, richitungamirirwa neakafanobata chigaro chemukuru- mukuru mukanzuru yeChitungwiza, VaFungai Mbetsa, rakawana humbowo huzhinji hunoratidza kuti mafambisirwo aiitwa mabasa ekupa vanhu dzimba nepekuvaka mabhizimisi avo aiitwa zvisina tsarukano, zvinova vingangokonzera kuparadzwa kwezvivakwa zvose izvi munguva pfupi inotevera.

Shirikadzi ine makore makumi mashanu nematanhatu ekuberekwa yakawana pekuvaka imba mukati medzimba dzakavakwa kare muUnitJ yakati haizivi payakakanganisa sezvo yakatenga nzvimbo iyi zviri pamutemo.

“Zvinosuwisa kuti vanhu vatakavhotera kuti vapinde mumahofisi ndivo zvekare vave kutibata setakapara mhosva.

Pandakawana nzvimbo yangu yekuvaka iyi, ndakafunga kuti ndatevedza mutemo wekanzuru sezvo vashandi vekanzuru vakauya panzvimbo ino vakandipa mvumo yekuvaka,” vakataura amai ava nechikumbiro chekuti zita ravo risaburitswa.

“Iye zvino tave kunzwa kuti bato riri kutungamirirwa naVaMbetsa rine hurongwa hwekupaza zvivakwa zvose zvinonzi zvakavakwa zvisiri pamutemo uye imba yangu ichapazwa. Handizivi kuti ndichaendepi,” yakadaro shirikadzi iyi ichipukuta misodzi.

Nzvimbo yavakavaka imba yavo ine makamuri mashanu inonzi inzvimbo yekutambira yevana vemunharaunda umu.

“Chinokatyamadza ndechekuti vakuru vakuru vemukanzuru vakapara mhosva idzi vari kufamba mumigwagwa pasina mitongo inorwadza sezvo vematare vakavapa mitongo yakareruka asi isu mari dzatakashandisa dzakatorasika,”vakadaro amai Welly, mumwe wevagari venzvimbo iyi .

Donald Magwenzi anogara kuZengeza 4 akakurudzira hurumende kupa mutongo wakaomarara kune avo vakapara mhosva yekupa vanhu nzvimbo dzekuvaka zvisiri pamutemo, senzira yekuratidza kushanda kwemutemo uye kudzivirira huori mukanzuru.

VaMbetsa vakati kanzuru yeChitungwiza haisungwi nemutemo unoimanikidza kuripa vose vanenge vaparadzi-rwa dzimba kana chiitiko ichi chikabudirira; vakatizve vose vakavaka zvisiri pamutemo vachangotorwa sevakapara mhosva.

Mune zvakawanikwa nebato raitungamirirwa naVaMbetsa, Chitungwiza Town Council ichitungamirirwa nemutungamiriri wayo akadzingwa basa VaGodfrey Tanyanyiwa, yakapa zvisiri pamutemo nzvimbo dzekuvaka dzinosvika zviuru gumi nemashanu. Vagari veChitungwiza vanoti bato raVaMbetsa iri rakaongorora mafambisirwo ekupihwa nzvimbo aya pasina tsvakurudzo kubva muvagari uye vakatara chisungano chavo chekuparadza dzimba nezvivakwa zvose vasina kuvabvunzawo pfungwa dzavo mushure ndokutsigira sechokwadi runyerekupe rwekuparadzwa kwezvivakwa izvi.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *