a)Kutsanangura zvakajeka nekuderedzwa kwemasimba emutungamiriri wenyika, kusanganisira makore aanotarisirwa kuve nawo achitungamirira nyika uye kubviswa kwemutemo unopa mutungamiriri wenyika simba rekutumira mauto kuhondo nekudoma vanhu vaanofanira kugadza pazvinzvimbo.
b)Kugoverwa patsva zvakanaka kwevhu uye kuyananiswa pakupiwa kweminda kuvanhu.
c)Madzishe nemasabhuku havana nzvimbo mudare reparamende kana museneti, asi mumaruwa mavanotonga.
d)Kutsanangurwa zvakajeka kwemutemo maererano nekodzero yehugari hwemunhu munyika mbiri dzakasiyana.
WOZA ichashandisa musangano wechipiri uchange uchiongorora bumbiro iri kukurudzira kuwedzerwa kwezvinhu izvi.
Ongororo yakaitwa munhengo dzeWomen of Zimbabwe Arise dzinodarika zviuru gumi neina mumaguta eHarare neBulawayo dzakaratidza kuti kuumbwa kwebumbiro idzva remutemo iri kwakanyanyoringana nezvematongerwo enyika.
Vamiririri vesangano iri, rine nhengo dzinosvika zviuru makumi masere nemashanu vari kushushikana nemaitiro emapurisa ekuvhiringidza vanoratidzirira murunyararo; zvotsigira vezvematongerwo enyika mukutsikirira zvido zvevanhu. Paratidziro yeWOZA yainzi “Occupy for Devolution” yakaitwa nenhengo dzekuBulawayo, varatidziri ava vakazvindwa neshamhu dzine minzwa nemapurisa aive akapfeka nhumbi dzekumba. Mumwe wemapurisa aizvambaradza aya akadudzwa saBrian anonzi anoshandira pakamba yePumula.
Kunyange WOZA yakaunza zvichemo zvayo kuJoint Operating and Monitoring Mechanisation (Jomic), havana zvavati vaita nezvazvo.
Zvinoshandiswa mumisha zvakakosha zviri kuramba zvichikwira mitengo nekuda kwekusagadzikana kweupfumi hwenyika zviri kukonzereswa nekushaikwa kweyanano mune zveupfumi. Vanhu vari kungorasikirwa nemabasa nguva nenguva kunyanya kuBulawayo nedzimwewo nzvimbo asi hapana kugadziriswa kwenhau iyi. Zvinosuwisa kuti mapurisa ari kupamba zvinhu zvevanhu vari kutsvaga kurarama nekutengesa.
Hunhu hwekupara mhosva nechivimbo chekuti mutemo haushandi kwatiri huri kuenderera mberi, vanotyora mutemo vachipamba zvinhu zvevanhu vachishandisa zita renyika. COPAC haichashandi uye iri kungoparadza hupfumi pasina, zvichangoenderera mberi pamusangano wechipiri wekuongorora bumbiro idzva remutemo wavachaita.
Nhengo dzakaratidza kushushikana nekutumirwa kwemauto uye varwi verusununguko mumaruwa.
Kukundikana kunyoresa: zvikonzero
Nhengo dzakapa zvikonzero zvinodzitadzisa kunyoresa sevavhoti:
• Vazhinji vanonzi havasi vemuno, vakanyoresa sevemuno muna 1980, vazhinji ndokunzi vagari vekune dzimwe nyika
• Kushaya hanya nezvesarudzo
•Kushaya ruzivo
• Vanenge vari kunze kwenyika kwenguva ndefu
• Havana tsamba dzinokosheswa mukuvhota
• Vazhinji havana misha kana dzimba mumazita avo, havakwanisi kuratidza humbowo hwekwavanogara
• Kunyange vazhinji vakambovhota makore apfuura, vari kusangana nematambudziko mukugadzirisa mapepa anoratidza kuti vagari vemuno
• Havasisina chido nekuvhota nekuda kwemhirizhonga dzezvematongerwo enyika.
Imwezve nyaya pano: Zvikamu zvakakosha mubumbiro idzva remutemo WOZA yaona zvikamu zvinotevera sezvakakosha kunhengo:
a) Dzidzo yemahara uye yevanhu vakuru. Hurumende inofanira kuona kuti vanhu vaenderera mberi nedzidzo yepamusoro.
b) Kuenzaniswa kwevarume nevakadzi kwakatsanangurwa muzvikamu zvizhinji uyekubviswa kwezvikamu zvinodzvanyirira zvetsika dzepasichigare.
c) Kudzikiswa kwenguva pazvinzvimbo kusvika pamatemu maviri emakore mashanu emutungamiriri wenyika, dare remakurukota ehurumende, nemapermanent secretaries muhurumende uye makomishina.
d) Hurumende inopa masimba ekuzvitonga kuvanhu paine hurongwa hwekusarudza vatungamiriri nenzira dzekuchengetedza mafambisirwo ezvehupfumi.
e)Kukwikwidzana zvakajeka uye kupana masimba zvisina hudzvanyiriri kwevatungamiri venyika nenzira yakanaka.
f) Sarudzo dzinoratidza kuzvitonga kuzere uye bato reZimbabwe Electoral Commission rine masimba akawedzerwa.
h)Kubviswa kwemutongo wekuuraya vanhukadzi.
i) Vatungamiriri vezvematongerwo enyika vari mumapato eparamende, mapazi ehurumende, nevanoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo havafaniri kupindira zvematongerwo enyika.
j) Kuumbwa kwebazi reNational Peace Commission, rinoona nezvekugadziriswa kwemhosva uye kuyananiswa kwevanhu mune zvemitemo.
k)Kuumbwa kwebazi reNational Prosecuting Authority uye kuderedzwa kwemasimba aAttorney General.
l) Kuumbwa kwebazi rakazvimiririra rinoona nezvezvichemo zvevanhu kuitira kuti vanoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo munyika vasatyore mitemo.
m)Kuwedzeredzwa kwekodzero dzevanhu, zvichisanganisa zveupfumi, zvematongerwo enyika uye tsika nemagariro avo.
n)Kutsanangurwa zvakajeka kwekodzero yekuratidzira, kuendesa mberi kwematare zvido zvevanhu uye kodzero dzekuzvitonga kuzere.
o) Mutemo unokurudzira nekukoshesa enzaniso nekucherechedzwa kwemitauro gumi nemitanhatu yemuno.
p)Kutevedzerwa uye kuitwa mitemo yenyika kwezvisungo zvinobata nyika dzose, sezvo Zimbabwe iri imwe yenyika dzinokoshesa nekutevedzera zvisungo izvi.
q) Dare rinotonga nhau dzezvesarudzo nezvekuchengetedzwa kwebumbiro remitemo
Wakanyoresa kuvhota here?
Nhamba yenhengo dzakanyoresa kuvhota:
Byo; vakadzi- 62%
Byo; varume- 51%
Harare; vakadzi- 72%
Harare; varume-78%
Kumaruwa eMat’land; vakadzi- 69%
Kumaruwa eMat’land; varume- 74%
Huwandu hwenhengo dzakanyoresa kuvhota munzvimbo iyi `huri kukonzerwa nekureruka kwezvisungo zvekunyoresa kuvhota nekuda kweZanu (PF) iyo inokoshesa vagari vekumaruwa. Vazhinji vekumaruwa vane dambudziko mukuratidza humbowo hwekuti vagari venzvimbo idzi sezvo vasina matsamba anozvitsigira.
Huwandu hwevakanyoresa muBulawayo hwakadzikira- sezvo nhengo dziri kutadza kuwana mapepa akakosha nezvikonzero zvakasiyana- siyana.
Dzimwe nhengo hadzikwanisi kuenda kuHarare kunotora mapepa ekuzvarwa uye bazi remudunhu iri harikwanisi kuvabatsira.Vanhu vakawanda vemudunhu iri vakashungurudzwa nekupondwa kwevanhu muGukurahundi uye vazhinji vakarasikirwa nevabereki, vakakundikana kuwana matsamba endufu zviri kukonzera kuti vatadze kutora tsamba dzekuzvarwa. Nzvimbo dzekunyoresa dziri muvanhu hadzishandi nemazvo.
Post published in: News

