Magamba echokwadi onge ari mugehena: akapunyuka hondo yeChimoio

Amos Rufuse ane makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa haasi kurara dzinouya mushure mekunge vamwe vevakarwa hondo yerusununguko nevebato reZanu (PF) vatapa musha wake kuZimunya.

Rufuse, akapona hondo yekuChimoio kuMozambique mugore ra1976, aimbove mumwe webato reZanu (PF)mudunhu reMutare, achishanda ari mumapato madiki akaputswa edistrict coordination committee. Akabuda muZanu (PF) akavamba kuve mumwe webato rine mukurumbira reMDC- T muna 2008.

Kumapeto kwegore rakapera, akapinda panyatwa nevarwi verusununguko nevanozviita mauto eZanu (PF)vachirwisa vanhu munguva yaiunganidzwa zvido zvevanhu pakugadzirwa kwebumbiro idzva remutemo.

“Mwedzi miviri yapfuura, vechidiki veZanu (PF) vakandipomera mhosva yekuva mutengesi. Ndakavataurira kuti handichadi nezveZanu (PF).

Vakandityisidzira kuti vachapisa imba yangu nekundiuraya ndikasatevedzera zvavanoda, vakandimanikidza kuenda kumisangano yavo,” Rufuse akaudza pepanhau reZimbabwean.

“Ndiri kurarama mugehena kuno. Vanongogara vachiongorora mafambiro angu uye pane dzimwe nguva vanotogara pamba pangu. Vanotya kuti ndinogona kufurira vamwe varwi verusununguko kuvasiya kuti vave mubato reMDC,” akadaro.

Murwi werusununguko uyu, aishandisa zita rehondo rekuti Cde Groundforce ane nyaya inorwadza kutsanangura:

“Ndakarwa ndikapona muhondo yeChimoio. Ndakaenda kuhondo kunorwira nyika ino. Pane ropa zhinji rakadeuka, vazhinji vakafa.Asi nhasi pane vanozviti ndivo varwi verusununguko vari kutonga. Vazhinji vamunoona vane zvigaro zvepamusoro- soro mubato reZanu (PF) havasi varwi vechokwadi. Havana kana chimwechete chavakaita chinoratidza kuti vakarwa hondo asi vanozvipa nyembe dzekuti vakarwira kusunungura nyika.”

“Nditarisei nhasi uno, handina chandiinacho. Asi zvechokwadi ndakarwira nyika ino. Takashandiswa nematsotsi aya eZanu (PF). Vazhinji varwi verusununguko chaivo chaivo vane matambudziko seangu.”

“Patiri kuenda kunopemberera kusunungurwa kwenyika ino, ndinoda kutora mukana iwoyu kuudza nyika kuti varwi vehondo vechokwadi vaneta nebato reZanu (PF). Bato iri rakazara mbavha dzinongofunga zvekutora hupfumi hwose . Ini ndiri mumwe weavo vakarohwa muna Chikumi,mugore ra2008 pakaitwa sarudzo, asi nazvino ndichiri kurarama ndine ndangariro dzekutya chiitiko ichi. Kunyangwe zvazvo takagara murunyararo mushure mekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa muna Kukadzi 2009, ndangariro dziye dzinotyisa dzekurohwa kwandakaitwa dzave kudzoka. Ndakavataurira kuti pedzisai zvenyu sezvo ndakafa kare uye hapana chandichararamira.”

“Vanhu ivava veZanu (PF) vakaba nekuuraya mombe dzangu nemhosva yekuti ndave webato reMDC. Hama dzangu dzepedyo dzakatotiza nekuti vari kutya kuurayiwa.

Ini ndakazvipira kufa kusvika zvinhu zvatwasanuka munyika. Kana vari vanhu vakakwana, vanobirei mombe dzevanhu vanenge inini kana kutiuraya, handiti ndiri gambawo?”

“Pari zvino vanoita misangano isingaperi munharaunda medu, uko kwavanondimanikidza kuenda uye kuvapa pfungwa dzangu. Vanondimanikidza kutakura vatsigiri vavo ndichishandisa motokari yangu,Mazda F13.

Vanoti ndinogona kufurira vamwe vakarwira rusununguko nevashoma vatsigiri vebato reZanu (PF) vasara kuchinja maitiro votsigira bato reMDC- T. Vanhu vemudunhu rino vanondipa ruremekedzo nemhosva yezvandakaita mukusunungura nyika ino. Ndine mukurumbira nekuti ndinotaura chokwadi.”

“Zvinorwadza kuti bato reZanu (PF) raparara nekuda kwemi-temo isina maturo”.

Izvi handizvo zvatakarwira vamwe vedu vakafira. Vazhinji vedu vari kutambura asi pane vashoma vari kutapirirwa nehupenyu nekuda kwemisodzi,dikita neropa redu. Mukanditarisa munoona mavanga ehondo, kune vazhinji vakaita seni.

Munhu akarwa hondo chaiye haatsigiri bato reZanu (PF).”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *