Zviito zvavaTsvangirai: Zvidzidzo muhutungamiriri

Muchikamu: Vavanovimba navo ndivo vakonzeresa Hazvirevi chinhu kuvanza kuti vane chisuwo chekuva mutungamiriri weZimbabwe, kuburikidza nezviito zvavo zvisina kurongeka munyaya dzerudo, vakazvigokera moto muziso ndokufukura hapwa vachiisa zvakavandika zvehupenyu hwavo pajekerere.

Vakaita sarudzo dzisina kururama dzakavasiya nenyadzi. Mukuedza kuzadzisa nzvimbo yakasiiwa naSusan, mudzimai wavo akashaika.

VaTsvangirai vakatenderedza madzimai, vachisiya mutsara wenyonganyonga.

Vakadzi vose vavakadanana navo vakafumura zvakavandika pamusoro pavo, kunyanya panguva yavange vomhanyira kuchata naElizabeth Macheka.

Vakataura nezvekuvimbiswa kwavo kuroorwa, kuroorwa, nekuita bonde kwavaive vaita nemumwe wavo pasina kuzvidzivirira, kunyangwe paive pasina humbowo hwekunge vaenda kunoongororwa ropa kuitira kuziva kuti ringange riine chirwere cheHIV kana kuti kwete.

Sarudzo dzavo uye maitiro avo ashoropodzwa kwavo nemativi mazhinji.

Vanhu vashora maitiro avo ekukundikana kusarudza mudiwa akanaka.

Vazhinji vavapomera mhosva yekukundikana kutanga vaita tsvakurudzo pamusoro pevakadzi ava, vamwe vavo varatidza kuti vanonyanyoda hupfumi hwavo.

Vari kuongororwa nenyaya yekusarudza nechimbi chimbi nekukundikana kuona zvemberi uye kuti zviito zvavo zvinobata sei ramangwana ravo.

Zvichida, vaTsvangirai kuburikidza nehumbowo hwavaratidzahwekukundikana kuzvibata munyaya dzemadzimai, vazviisa panzvimbo yavangashandiswe nemhandu dzavo neavo vanokwikwidzana navo.

Iye zvino vave kugara nemutoro, Locadia Karimatsenga, uyo wavakabvisira roora asi vakazoramba- muchokwadi chekuti hukama hwake neZanu (PF) nevanoshandira hurumende muchivande haunzwisisike.

Pamutemo, achiri mudzimai wavo uye zvinogona kuitika kuti panguva inotevera, vangangogoverane naye upfumi hwavo kana vakaenderera mberi nekurambana pamutemo.

Tisingavanzirani, vaTsvangirai varatidza kuti havana huchenjeri nehungwaru mumaitiro avo enyaya dzehupenyu hwakavandika uye muimba yekurara. Asi vanokwanisa kudzidza zvakati kuti pamusoro pehupenyu hwavo semunhu anoita zvematongerwo enyika uye nezvechinzvimbo chavo semutungamiriri wehurumende mukukanganisa kwavakaita.

Chekutanga vanofanira kuziva kuti, semutungamiriri mune zvematongerwo enyika, vanofanira kusarudza zvine hungwaru vavanoshanda navo pedyo uye voongorora zvakadzama mazano avo. Hapana kupokana kuti vaTsvangirai, tisingavapupuriri, vari kuripa matadzo evanhu vavanovimba.

Tichitarisa chinzvimbo chavo munyika nezvizhinji zvavanosangana nazvo nekuda kwehurongwa hwebasa ravo, zvinofanira kuva zvakaoma kuti vazvisarudzire pachavo mudiwa wekufambidzana naye. Vanenge vachida kuva vadiwa vavo vanounzwa kwavari nevanhu- munyaya iyi tinoona vanokaringa vazhinji muimba yekubikira, vamwe vacho vari vavanoshanda navo mune zvematongerwo enyika vamwe vafundisi.

Panga paine makundano ekuvatsvagira mudzimai senzira yekutsvaga mutsa kune vangangove mutungamiriri wenyika yeZimbabwe. Zvazviri, panokwanisa kuve paine kupandukirana nekurumira muvhu pane vamwe vavo.

Vanorumira muvhu vakawanda. Vanoseka newe, vochemazve newe asi vachikuendesa nenzira isiriyo kana ukasazvipa nguva yekuvaongorora.

Chechipiri, vaTsvangirai havafaniri kutarisira pasi simba reavo vavanokwikwidzana navo kana revavengi vavo. Panguva yavaitenderedza madzimai, ndine chokwadi chekuti havana kuziva kuti vavanokwikwidzana navo mune zvematongerwo enyika vaizoshandisa kukanganisa kwavo uku mukuvadzikisira. Ndichinyora kudai, vavanokwikwidzana navo muZanu (PF) vari kupemberera.

Varikuudza munhu wose ane chido kuti vaTsvangirai havakwanisi kutonga nyika sezvo vasingakwanisi kufambisa nemazvo nhau dzerudo muhupenyu hwavo. Vari kushandisa kukanganisa kwavo uku mukusimudzira divi ravo, vachisvibisa nzvimbo yavo mune zvematongerwo enyika, uye Locardia akabvuma kushandiswa sezvo akarasiswa pakupedzisira otarisira svitsa.

Zvinonyadzisa sei kuti mushure mekunge vakoka vanoremekedzwa venyika dzakatikomberedza, nevamwe vanoremekedzwa zvikuru mumatunhu kusvitsa yavo

tsvene- iyo yavaitarisira kuti ichafamba zvakanaka- vashoma shoma ndivo vakavakuta nemhaka yemakakatanwa aivepo pamusoro pechiitiko ichi.

Zvirokwazvo, kubudirira kwechikumbiro chaLocadia chekukanzurisa mvumo yavo yekuchata chakavadzikisira mumaziso evamwe vatungamiriri munyika dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica nemativi ose epasi rose. VaPius Ncube vangatenderane neni kuti chinhu chaungaite pekupedzisira kana uchikwikwidzana nevanhu veZanu (PF) kuzvitendera kukanganisa kunyangwe padiki diki.VaNcube vaifanira kungwara kudarika kurara kwavakaita nemudzimai uya, sezvo vaishoropodza zvinotyisa bato re Zanu (PF), vaifanira kuziva kuti ziso revanhu ivava raigarovaongorora.

Chechitatu, vaTsvangirai ngavazive kuti havafaniri kutarisira vanhu pasi.

Ndingave wekutanga kubvuma kuti vakaratidza kusakoshesa uye vakakundikana kuremekedza vanhukadzi mumafambiro avaiita navo.

Hazvitambirike nguva dzose kuti munhurume asangane nemudzimai musi wekutanga, omumitisa nekufunga kuti anogona kungoenderera mberi nehupenyu sezvinonzi hapana zvakaitika. Hazviiti kuti unoroora mudzimai nhasi wofuma mangwanani anotevera uchimupa gupuro nekuti wawana mumwe mudiwa.

Fananidzai madzimai ose adanana navaTsvangirai nevagari vemunyika ino.

Ndiani angaremekedze mutungamiriri wenyika anobata vanhu vake nekunze kweruoko, asingavakoshesi uye pasina ruremekedzo rwezvamunenge mawirirana?

Hapana zvirokwazvo. Nekudaro kunyangwe hupenyu hwerudo hwavaTsvangirai huchifanira kunge hwakavandika, vanofanira kuwana dzidziso kubva kwahuri kana vachida kuva mutungamiriri akanaka.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *