Madzishe aya anonzi akaita musangano kwemaawa mashanu nemukuru mukuru wemauto pamuzinda mukuru munzvimbo iyi vaEliah Bandama, vamwe vakuru vakuru muchiuto nemuZanu (PF, kusanganisira munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa vaKenneth Saruchera, senzira yekutsvaga zvavangaite kutsvaga rutsigiro rwebato.
“Madzishe ari kuramba achishandiswa sezvombo zvekutsikirira vamwe neZanu (PF) nevari muchiuto. Hationi chikonzero chinoita kuti madzishe apemberere zuva ravo vari pamuzinda wechiuto. Pane mapato matatu ezvematongerwo enyika muhurumende yemubatanidzwa, sei vasina kukokwa pachiitiko ichi?” vakadaro vaClaude Makina vesangano rakazvimiririra rinoona nezvekuchengetedzwa nekukurudzirwa kwerunyararo negutsaruzhinji.
Mumwe mukuru muchiuto akataura nechikumbiro chekusadomwa zita akati musangano uyu wakaitirwa kutsvaga nzira dzekushanda pamwe chete pakati pemadzishe nevemuchiuto mberi kwesarudzo – Mutori wenhau wedu


